로그인

갈라디아서 6장 Shona Bible

Shona Bible · 쇼나어 · 갈라디아서 (Galatians) · 18절 · 대역: King James Version

절Shona BibleKing James Version
1 Hama, kanawo munhu akawirwa nekumwe kudarika, imwi veMweya mugadzirisei wakadai nemweya weunyoro, uchizvichenjerera iwe, zvimwe newe ungaidzwa. Brethren, if a man be overtaken in a fault, ye which are spiritual, restore such an one in the spirit of meekness; considering thyself, lest thou also be tempted.
2 Takuriranai mitoro yenyu, saizvozvowo zadzisai murairo waKristu. Bear ye one another’s burdens, and so fulfil the law of Christ.
3 Nokuti kana munhu achizviti ndiri chinhu, asati ari chinhu, anozvinyengera. For if a man think himself to be something, when he is nothing, he deceiveth himself.
4 Asi umwe neumwe ngaanzvere basa rake amene, zvino ipapo achazvirumbidza pamusoro pake amene ega, uye kwete pamusoro peumwe. But let every man prove his own work, and then shall he have rejoicing in himself alone, and not in another.
5 Nokuti umwe neumwe achatakura mutoro wake pachake. For every man shall bear his own burden.
6 Uye anodzidziswa shoko ngaagovane neanodzidzisa pazvinhu zvese zvakanaka. Let him that is taught in the word communicate unto him that teacheth in all good things.
7 Musanyengerwa, Mwari haasekwi; nokuti chimwe nechimwe munhu chaanodzvara ndichowo chaanokohwa. Be not deceived; God is not mocked: for whatsoever a man soweth, that shall he also reap.
8 Nokuti anodzvara kunyama yake, achakohwa kuora kunobva panyama; asi anodzvara kuMweya achakohwa upenyu husingaperi hunobva kuMweya. For he that soweth to his flesh shall of the flesh reap corruption; but he that soweth to the Spirit shall of the Spirit reap life everlasting.
9 Asi ngatirege kuneta pakuita zvakanaka; nokuti nenguva yakafanira tinozokohwa, kana tisingaori moyo. And let us not be weary in well doing: for in due season we shall reap, if we faint not.
10 Naizvozvo zvino zvatine mukana, ngatiite zvakanaka kune vese, zvikuruwo kune veimba yerutendo. As we have therefore opportunity, let us do good unto all men, especially unto them who are of the household of faith.
11 Onai kuti akakura sei mavara andinokunyorerai nawo nerwangu ruoko. Ye see how large a letter I have written unto you with mine own hand.
12 Vese vanoda kuonekera panyama, ndivo vanokurovererai kuti mudzingiswe; chete kuti varege kushushwa nekuda kwemuchinjikwa waKristu. As many as desire to make a fair shew in the flesh, they constrain you to be circumcised; only lest they should suffer persecution for the cross of Christ.
13 Nokuti kunyange ivo pachavo vakadzingiswa havachengeti murairo, asi vanoda kuti mudzingiswe, kuti vazvirumbidze panyama yenyu. For neither they themselves who are circumcised keep the law; but desire to have you circumcised, that they may glory in your flesh.
14 Asi kwandiri ngakurege kuva nekuzvirumbidza, kunze kwepamuchinjikwa waIshe wedu Jesu Kristu, naye nyika yakarovererwa pamuchinjikwa kwandiri, neni kunyika. But God forbid that I should glory, save in the cross of our Lord Jesus Christ, by whom the world is crucified unto me, and I unto the world.
15 Nokuti muna Kristu Jesu kudzingiswa kana kusadzingiswa hakuna maturo, asi chisikwa chitsva. For in Christ Jesus neither circumcision availeth any thing, nor uncircumcision, but a new creature.
16 Uye vese vanofamba nemurairo uyu, rugare ngaruve pamusoro pavo, netsitsi, nepamusoro paIsraeri waMwari. And as many as walk according to this rule, peace be on them, and mercy, and upon the Israel of God.
17 Kubva ikozvino, ngakurege kuva nemunhu anonditambudza; nokuti ini ndakatakura pamuviri wangu rupawo rwaIshe Jesu. From henceforth let no man trouble me: for I bear in my body the marks of the Lord Jesus.
18 Nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu, ngadzive nomweya wenyu, hama. Ameni. Brethren, the grace of our Lord Jesus Christ be with your spirit. Amen. Unto the Galatians written from Rome.

Shona Bible — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GFDL · 출처 ↗
King James Version — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GPL