갈라디아서 5장 Shona Bible
Shona Bible · 쇼나어 · 갈라디아서 (Galatians) · 26절 · 대역: King James Version
| 절 | Shona Bible | King James Version |
|---|---|---|
| 1 | Naizvozvo mirai makasimba murusununguko Kristu rwaakatisunungura narwo, uye musasungwazve nejoko reuranda. | Stand fast therefore in the liberty wherewith Christ hath made us free, and be not entangled again with the yoke of bondage. |
| 2 | Tarirai, ini Pauro ndinoti kwamuri, kuti kana muchidzingiswa, Kristu haakubatsirii chinhu. | Behold, I Paul say unto you, that if ye be circumcised, Christ shall profit you nothing. |
| 3 | Uye ndinopupurirazve kumunhu wese anodzingiswa, kuti ane ngava rekuita murairo wese. | For I testify again to every man that is circumcised, that he is a debtor to do the whole law. |
| 4 | Makasunungurwa kuna Kristu, imwi munonzi makarurama kumurairo; makawa panyasha. | Christ is become of no effect unto you, whosoever of you are justified by the law; ye are fallen from grace. |
| 5 | Nokuti isu paMweya tinomirira nerutendo tariro yekururama. | For we through the Spirit wait for the hope of righteousness by faith. |
| 6 | Nokuti muna Kristu Jesu kudzingiswa kana kusadzingiswa chero chinhu hazvina maturo; asi rutendo rwunobata nerudo. | For in Jesus Christ neither circumcision availeth any thing, nor uncircumcision; but faith which worketh by love. |
| 7 | Manga muchimhanya zvakanaka; ndiani wakakudzivisai kuti murege kuteerera chokwadi? | Ye did run well; who did hinder you that ye should not obey the truth? |
| 8 | Uku kukwezva hakubvi kune anokudanai. | This persuasion cometh not of him that calleth you. |
| 9 | Mbiriso shoma inovirisa bundu rese. | A little leaven leaveneth the whole lump. |
| 10 | Ini ndine chivimbo nemwi muna Ishe, kuti hamuchazorangariri chimwe chinhu; asi uyo anokutambudzai achatakura mutongo, angava ani. | I have confidence in you through the Lord, that ye will be none otherwise minded: but he that troubleth you shall bear his judgment, whosoever he be. |
| 11 | Asi ini, hama, kana ndichiri kuparidza dzingiso, ndichiri kushushirwei? Naizvozvo chigumbuso chemuchinjikwa chabviswa. | And I, brethren, if I yet preach circumcision, why do I yet suffer persecution? then is the offence of the cross ceased. |
| 12 | Ndingati avo vanokutambudzai vazvichekewo. | I would they were even cut off which trouble you. |
| 13 | Nokuti imwi makadanirwa kurusununguko, hama; chete kwete kuti rusununguko rwuve mukana panyama, asi nerudo shandiranai. | For, brethren, ye have been called unto liberty; only use not liberty for an occasion to the flesh, but by love serve one another. |
| 14 | Nokuti murairo wese unozadziswa pashoko rimwe, pane ichi: Ude wekwako sezvaunozvida iwe. | For all the law is fulfilled in one word, even in this; Thou shalt love thy neighbour as thyself. |
| 15 | Asi kana muchirumana nekudyana, chenjerai kuti murege kupedzwa umwe neumwe wenyu. | But if ye bite and devour one another, take heed that ye be not consumed one of another. |
| 16 | Zvino ndinoti: Fambai muMweya, zvino hamungatongozadzisi kuchiva kwenyama. | This I say then, Walk in the Spirit, and ye shall not fulfil the lust of the flesh. |
| 17 | Nokuti nyama inochiva zvinopesana neMweya, neMweya zvinopesana nenyama; uye izvi zvinopesana; kuti musaita zvinhu zvamunoda. | For the flesh lusteth against the Spirit, and the Spirit against the flesh: and these are contrary the one to the other: so that ye cannot do the things that ye would. |
| 18 | Asi kana muchitungamirirwa neMweya, hamusi pasi pemurairo. | But if ye be led of the Spirit, ye are not under the law. |
| 19 | Zvino mabasa enyama ari pachena, ndiwo awa: Upombwe, ufeve, tsvina, unzenza, | Now the works of the flesh are manifest, which are these; Adultery, fornication, uncleanness, lasciviousness, |
| 20 | kunamata zvifananidzo, uroyi, ruvengo, makakava, godo, kutsamwa, kupokana, kupatsanurana, kutsauka, | Idolatry, witchcraft, hatred, variance, emulations, wrath, strife, seditions, heresies, |
| 21 | shanje, umhondi, uraradzi, makaro, nezvakadai; zvandinogara ndakuudzai sezvandakagarawo ndareva, kuti vanoita zvakadai havazodyi nhaka yeushe hwaMwari. | Envyings, murders, drunkenness, revellings, and such like: of the which I tell you before, as I have also told you in time past, that they which do such things shall not inherit the kingdom of God. |
| 22 | Asi chibereko cheMweya rudo, mufaro, rugare, moyo murefu, moyo munyoro, kunaka, rutendo, | But the fruit of the Spirit is love, joy, peace, longsuffering, gentleness, goodness, faith, |
| 23 | unyoro, kuzvidzora; hakuna murairo unopikisa zvakadai. | Meekness, temperance: against such there is no law. |
| 24 | Asi avo vari vaKristu vakaroverera pamuchinjikwa nyama pamwe nehavi neruchiva. | And they that are Christ’s have crucified the flesh with the affections and lusts. |
| 25 | Kana tichirarama muMweya, ngatifambewo muMweya, | If we live in the Spirit, let us also walk in the Spirit. |
| 26 | tirege kuzvikudza kusina maturo, tichidenhana, tichiitirana shanje. | Let us not be desirous of vain glory, provoking one another, envying one another. |
Shona Bible — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GFDL · 출처 ↗
King James Version — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GPL