로그인

갈라디아서 4장 Shona Bible

Shona Bible · 쇼나어 · 갈라디아서 (Galatians) · 31절 · 대역: King James Version

절Shona BibleKing James Version
1 Zvino ndinoti, mudyi wenhaka, kana achingori mwana chete, haatongosiyani nemuranda, kunyange ari ishe wezvese; Now I say, That the heir, as long as he is a child, differeth nothing from a servant, though he be lord of all;
2 asi ari pasi pevachengeti nevatariri kusvikira panguva yakatarwa nababa. But is under tutors and governors until the time appointed of the father.
3 Saizvozvo nesu, patakange tiri vana, taiva muuranda pasi pedzidziso dzekutanga dzenyika. Even so we, when we were children, were in bondage under the elements of the world:
4 Asi apo kuzara kwenguva kwasvika, Mwari wakatuma Mwanakomana wake, wakavapo kubva kumukadzi, wakavapo pasi pemurairo, But when the fulness of the time was come, God sent forth his Son, made of a woman, made under the law,
5 kuti adzikunure vari pasi pemurairo, kuti tigamuchire kuitwa vanakomana. To redeem them that were under the law, that we might receive the adoption of sons.
6 Uye nokuti muri vanakomana, Mwari wakatuma Mweya weMwanakomana wake mumoyo yenyu, achidanidzira achiti: Abha*, Baba! And because ye are sons, God hath sent forth the Spirit of his Son into your hearts, crying, Abba, Father.
7 Saka hausisiri muranda, asi mwanakomana; zvino kana wava mwanakomana, wavawo mudyi wenhaka yaMwari nemuna Kristu. Wherefore thou art no more a servant, but a son; and if a son, then an heir of God through Christ.
8 Asi nenguva iyo, musingazivi Mwari, maiva varanda vevasiri vamwari pachisikirwo; Howbeit then, when ye knew not God, ye did service unto them which by nature are no gods.
9 asi ikozvino sezvo moziva Mwari, zvikuru sei zvamunozikanwa naMwari, modzokerazve sei kudzidziso dzekutanga dzisina simba dzeurombo, dzamunoshuva kuva muuranda hwadzo zvekarezve? But now, after that ye have known God, or rather are known of God, how turn ye again to the weak and beggarly elements, whereunto ye desire again to be in bondage?
10 Munochengetedza misi, nemwedzi, nenguva, nemakore. Ye observe days, and months, and times, and years.
11 Ndinokutyirai, zvimwe ndakashingairira pasina kwamuri. I am afraid of you, lest I have bestowed upon you labour in vain.
12 Ivai seni, nokuti ini ndakaitawo semwi, hama, ndinokukumbirisai; hamuna kutombonditadzira chinhu; Brethren, I beseech you, be as I am; for I am as ye are: ye have not injured me at all.
13 munozivawo kuti nemuundonda hwenyama, ndakaparidza evhangeri kwamuri pakutanga, Ye know how through infirmity of the flesh I preached the gospel unto you at the first.
14 nemuedzo wangu waiva panyama yangu hamuna kuzvidza kana kuramba, asi makandigamuchira semutumwa waMwari, saKristu Jesu. And my temptation which was in my flesh ye despised not, nor rejected; but received me as an angel of God, even as Christ Jesus.
15 Zvino ropafadzo yenyu chii? Nokuti ndinokupupurirai kuti, kana zvichibvira, mutumbure meso enyu mundipe. Where is then the blessedness ye spake of? for I bear you record, that, if it had been possible, ye would have plucked out your own eyes, and have given them to me.
16 Naizvozvo ndava muvengi wenyu nekukuudzai chokwadi here? Am I therefore become your enemy, because I tell you the truth?
17 Vanokushingairirai zvisina kunaka; asi vanoda kukuvharirai kunze, kuti mushingairire ivo. They zealously affect you, but not well; yea, they would exclude you, that ye might affect them.
18 Asi zvakanaka kushingairwa pachakanaka nguva dzese, uye kwete pakuvapo kwangu chete. But it is good to be zealously affected always in a good thing, and not only when I am present with you.
19 Vana vangu vadiki, vandinorwadziwazve nemimba pakubereka, kusvikira Kristu aumbwa mamuri, My little children, of whom I travail in birth again until Christ be formed in you,
20 asi ndaishuva kuvapo nemwi ikozvino, uye kushandura inzwi rangu; nokuti ndiri mukukanganiswa pamusoro penyu. I desire to be present with you now, and to change my voice; for I stand in doubt of you.
21 Ndiudzei, imwi munoshuva kuva pasi pemurairo, hamunzwi murairo here? Tell me, ye that desire to be under the law, do ye not hear the law?
22 Nokuti kwakanyorwa kuti Abhurahama wakange ane vanakomana vaviri, umwe kubva kumurandakadzi, neumwe kubva kune wakasununguka. For it is written, that Abraham had two sons, the one by a bondmaid, the other by a freewoman.
23 Asi wakabva kumurandakadzi wakaberekwa panyama, asi wakabva kune wakasununguka nechivimbiso. But he who was of the bondwoman was born after the flesh; but he of the freewoman was by promise.
24 Zvinhu izvi zvinodimikira; nokuti ava isungano mbiri; imwe yepagomo reSinai, inoberekera uranda, inova Agari. Which things are an allegory: for these are the two covenants; the one from the mount Sinai, which gendereth to bondage, which is Agar.
25 Nokuti Agari ndiro gomo reSinai muArabhiya, rinomiririra Jerusarema raikozvino uye riri pauranda pamwe nevana varo. For this Agar is mount Sinai in Arabia, and answereth to Jerusalem which now is, and is in bondage with her children.
26 Asi Jerusarema riri kumusoro rakasununguka rinova mai vedu tese. But Jerusalem which is above is free, which is the mother of us all.
27 Nokuti kwakanyorwa kuchinzi: Fara, iwe mhanje isingazvari; pururudza, udanidzire, iwe usingarwadziwi nemimba, nokuti vana vemusiiwa vazhinji kwazvo kune veune murume. For it is written, Rejoice, thou barren that bearest not; break forth and cry, thou that travailest not: for the desolate hath many more children than she which hath an husband.
28 Asi isu, hama, saIsaka tiri vana vechivimbiso. Now we, brethren, as Isaac was, are the children of promise.
29 Asi sepanguva iyo uyo wakaberekwa nemutoo wenyama wakamutambudza iye wemutoo weMweya, zvakadaro kunyange ikozvino. But as then he that was born after the flesh persecuted him that was born after the Spirit, even so it is now.
30 Asi rugwaro rwunoti kudini? Dzinga murandakadzi nemwanakomana wake; nokuti mwanakomana wemurandakadzi haangatongovi mudyi wenhaka pamwe nemwanakomana wewakasununguka. Nevertheless what saith the scripture? Cast out the bondwoman and her son: for the son of the bondwoman shall not be heir with the son of the freewoman.
31 Naizvozvo, hama, hatisi vana vemurandakadzi, asi vewakasununguka. So then, brethren, we are not children of the bondwoman, but of the free.

Shona Bible — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GFDL · 출처 ↗
King James Version — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GPL