로그인

요한일서 1장 Shona Bible

Shona Bible · 쇼나어 · 요한일서 (1 John) · 10절

  1. 1 Icho chakange chiripo kubva pakutanga, icho chatakanzwa, icho chatakaona nemeso edu, icho chatakatarira, uye maoko edu akachibata, cheShoko reupenyu,
  2. 2 (uye upenyu hwakaratidzwa, tikahuonawo, uye tinopupura nekukuparidzirai upenyu husingaperi, hwakange huna Baba, hukaratidzwawo kwatiri);
  3. 3 icho chatakaona nekunzwa, tinokuparidzirai, kuti nemwi mudyidzane nesu; uyewo kudyidzana kwedu kuripo naBaba, uye neMwanakomana wavo Jesu Kristu;
  4. 4 uye zvinhu izvi tinonyora kwamuri, kuti mufaro wenyu uzadziswe.
  5. 5 Zvino iri ishoko ratakanzwa kwaari uye ratinoparidza kwamuri, kuti Mwari chiedza, uye maari hamuna rima zvachose.
  6. 6 Kana tichiti tine kudyidzana naye, asi tichifamba murima, tinoreva nhema, uye hatiiti chokwadi;
  7. 7 asi kana tichifamba muchiedza, saiye ari muchiedza, tine kudyidzana umwe neumwe, neropa raJesu Kristu Mwanakomana wake rinotinatsa pachivi chese.
  8. 8 Kana tichiti hatina chivi, tinozvinyengera, nechokwadi hachisi matiri.
  9. 9 Kana tichibvuma zvivi zvedu, iye wakatendeka uye wakarurama kuti atikanganwire zvivi, nekutinatsa pakusarurama kwese.
  10. 10 Kana tichiti hatina kutadza, tinomuita murevi wenhema, neshoko rake harisi matiri.

Shona Bible — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GFDL · 출처 ↗