사도행전 8장 Shona Bible
Shona Bible · 쇼나어 · 사도행전 (Acts) · 40절 · 대역: King James Version
| 절 | Shona Bible | King James Version |
|---|---|---|
| 1 | Zvino Sauro wakange achitenderana nerufu rwake. Zvino pazuva iro kwamuka kushushwa kukuru kwakanangana nekereke yaiva paJerusarema; vese ndokuparadzirwa kunyika dzese dzeJudhiya neSamaria, kunze kwevaapositori. | And Saul was consenting unto his death. And at that time there was a great persecution against the church which was at Jerusalem; and they were all scattered abroad throughout the regions of Judea and Samaria, except the apostles. |
| 2 | Varume vaitya Mwari vakaviga Sitefano, vakamuchema zvikuru. | And devout men carried Stephen to his burial, and made great lamentation over him. |
| 3 | Asi Sauro wakaparadza kereke, achipinda muimba imwe neimwe, achikakata varume nevakadzi nekukumikidza mutirongo. | As for Saul, he made havock of the church, entering into every house, and haling men and women committed them to prison. |
| 4 | Naizvozvo avo vakange vaparadzirwa vakagura vachiparidza shoko. | Therefore they that were scattered abroad went every where preaching the word. |
| 5 | Firipi ndokuburukira kuguta reSamaria, akaparidza Kristu kwavari. | Then Philip went down to the city of Samaria, and preached Christ unto them. |
| 6 | Zvaunga ndokuteerera nemoyo umwe kuzvinhu zvinotaurwa naFiripi, pavakanzwa nekuona zviratidzo zvaaiita. | And the people with one accord gave heed unto those things which Philip spake, hearing and seeing the miracles which he did. |
| 7 | Nokuti mweya yetsvina yakabuda kuvazhinji vaiva vakabatwa, ichidanidzira nenzwi guru; nevazhinji vakange vakafa mitezo nevaikamhina vakaporeswa. | For unclean spirits, crying with loud voice, came out of many that were possessed with them: and many taken with palsies, and that were lame, were healed. |
| 8 | Zvino kwakava nemufaro mukuru muguta iro. | And there was great joy in that city. |
| 9 | Zvino umwe murume, wainzi Simoni, waimboita un'anga paguta, achishamisa rudzi rweSamaria, achizviti munhu mukuru; | But there was a certain man, called Simon, which beforetime in the same city used sorcery, and bewitched the people of Samaria, giving out that himself was some great one: |
| 10 | wavaiteerera vese kubva kumudiki kusvika kumukuru, vachiti: Uyu isimba guru raMwari. | To whom they all gave heed, from the least to the greatest, saying, This man is the great power of God. |
| 11 | Zvino vaimuteerera, nokuti wakange avashamisa neun'anga nguva refu. | And to him they had regard, because that of long time he had bewitched them with sorceries. |
| 12 | Zvino vakati vatenda Firipi achiparidza mashoko akanaka nezveushe hwaMwari uye nezvezita raJesu Kristu, vakabhabhatidzwa vese varume nevakadzi. | But when they believed Philip preaching the things concerning the kingdom of God, and the name of Jesus Christ, they were baptized, both men and women. |
| 13 | NaSimoniwo pachake wakatenda, zvino wakati abhabhatidzwa, wakagara naFiripi; akashamisika, achiona mabasa esimba nezviratidzo zvaiitwa. | Then Simon himself believed also: and when he was baptized, he continued with Philip, and wondered, beholding the miracles and signs which were done. |
| 14 | Zvino vaapositori vaiva paJerusarema vakati vanzwa kuti Samaria yagamuchira shoko raMwari, vakatumira kwavari Petro naJohwani; | Now when the apostles which were at Jerusalem heard that Samaria had received the word of God, they sent unto them Peter and John: |
| 15 | ivo vakati vaburukirako vakavanyengeterera, kuti vagamuchire Mweya Mutsvene; | Who, when they were come down, prayed for them, that they might receive the Holy Ghost: |
| 16 | nokuti wakange asati aburukira pamusoro peumwe wavo, asi vakange vabhabhatidzwa muzita raIshe Jesu chete. | (For as yet he was fallen upon none of them: only they were baptized in the name of the Lord Jesus.) |
| 17 | Ipapo vakaisa maoko pamusoro pavo, zvino vakagamuchira Mweya Mutsvene. | Then laid they their hands on them, and they received the Holy Ghost. |
| 18 | Zvino Simoni wakati aona kuti nekuiswa kwemaoko evaapositori Mweya Mutsvene waipiwa, akavavigira mari, | And when Simon saw that through laying on of the apostles’ hands the Holy Ghost was given, he offered them money, |
| 19 | achiti: Ndipei neni simba iri, kuti pana ani nani wandinoisa maoko pamusoro, agamuchire Mweya Mutsvene. | Saying, Give me also this power, that on whomsoever I lay hands, he may receive the Holy Ghost. |
| 20 | Asi Petro wakati kwaari: Sirivheri yako pamwe newe ngazvive zvekuparadzwa, nokuti wafunga kuti chipo chaMwari chingawanikwa nemari. | But Peter said unto him, Thy money perish with thee, because thou hast thought that the gift of God may be purchased with money. |
| 21 | Hauna mugove kana nhaka pashoko iri. Nokuti moyo wako hauna kururama pamberi paMwari. | Thou hast neither part nor lot in this matter: for thy heart is not right in the sight of God. |
| 22 | Naizvozvo tendeuka pakuipa kwako uku, ukumbirise Mwari, kuti zvimwe murangariro wemoyo wako uukanganwirwe. | Repent therefore of this thy wickedness, and pray God, if perhaps the thought of thine heart may be forgiven thee. |
| 23 | Nokuti ndinoona kuti uri munduru inovava, uye musungo weuipi. | For I perceive that thou art in the gall of bitterness, and in the bond of iniquity. |
| 24 | Zvino Simoni akapindura akati: Ndikumbirirei imwi kuna Ishe, kuti pasava nechimwe chezvinhu zvamataura chingawira pamusoro pangu. | Then answered Simon, and said, Pray ye to the Lord for me, that none of these things which ye have spoken come upon me. |
| 25 | Naizvozvo vakati vapupura nekutaura shoko raIshe, vakadzokera kuJerusarema, uye vakaparidza evhangeri mumisha mizhinji yeVaSamaria. | And they, when they had testified and preached the word of the Lord, returned to Jerusalem, and preached the gospel in many villages of the Samaritans. |
| 26 | Zvino mutumwa waIshe wakataura kuna Firipi, achiti: Simuka, upfuurire kuchamhembe kunzira inoburuka kubva kuJerusarema ichienda kuGaza; iyo irenje. | And the angel of the Lord spake unto Philip, saying, Arise, and go toward the south unto the way that goeth down from Jerusalem unto Gaza, which is desert. |
| 27 | Zvino wakasimuka akaenda; zvino tarira murume weEtiopia, mutenwa, gurukota guru raKandase mambokadzi weVaEtiopia, waiona nezvefuma yake yese, uye wakange auya kuJerusarema kuzonamata, | And he arose and went: and, behold, a man of Ethiopia, an eunuch of great authority under Candace queen of the Ethiopians, who had the charge of all her treasure, and had come to Jerusalem for to worship, |
| 28 | wakange achidzokera uye agere mungoro yake, achiverenga muporofita Isaya. | Was returning, and sitting in his chariot read Esaias the prophet. |
| 29 | Mweya ndokuti kuna Firipi: Swedera unamatire pangoro iyi. | Then the Spirit said unto Philip, Go near, and join thyself to this chariot. |
| 30 | Firipi ndokumhanyirako, akamunzwa achiverenga muporofita Isaya, ndokuti: Zvino unonzwisisa zvaunoverenga here? | And Philip ran thither to him, and heard him read the prophet Esaias, and said, Understandest thou what thou readest? |
| 31 | Iye ndokuti: Zvino ndingagona sei, kunze kwekuti umwe munhu andirairira? Zvino akakumbira Firipi kuti akwire agare naye. | And he said, How can I, except some man should guide me? And he desired Philip that he would come up and sit with him. |
| 32 | Zvino ndima yerugwaro yaaiverenga yaiva iyi: Wakatungamirirwa segwai rinoenda kunobaiwa; uye segwayana rinyerere pamberi pemuvevuri waro, saizvozvo haana kushamisa muromo wake. | The place of the scripture which he read was this, He was led as a sheep to the slaughter; and like a lamb dumb before his shearer, so opened he not his mouth: |
| 33 | Mukuninipiswa kwake mutongo wake wakabviswa, zvino ndiani acharondedzera zera rake? Nokuti upenyu hwake hunobviswa panyika. | In his humiliation his judgment was taken away: and who shall declare his generation? for his life is taken from the earth. |
| 34 | Mutenwa ndokupindura Firipi akati: Ndinokukumbirisa, muporofita anoreva izvi maererano nani? Nezvake amene kana nezveumwewo? | And the eunuch answered Philip, and said, I pray thee, of whom speaketh the prophet this? of himself, or of some other man? |
| 35 | Firipi ndokuzarura muromo wake; akatanga parugwaro irworwo, ndokumuparidzira Jesu. | Then Philip opened his mouth, and began at the same scripture, and preached unto him Jesus. |
| 36 | Zvino pavaifamba munzira, vakasvika pane imwe mvura; mutenwa ndokuti: Heyi mvura; chii chinondidzivirira kubhabhatidzwa? | And as they went on their way, they came unto a certain water: and the eunuch said, See, here is water; what doth hinder me to be baptized? |
| 37 | Firipi ndokuti: Kana uchitenda nemoyo wese, zvinotenderwa. Akapindura ndokuti: Ndinotenda kuti Jesu Kristu Mwanakomana waMwari. | And Philip said, If thou believest with all thine heart, thou mayest. And he answered and said, I believe that Jesus Christ is the Son of God. |
| 38 | Zvino akaraira ngoro kuti imire; ndokuburukira mumvura vari vaviri, Firipi nemutenwa; ndokumubhabhatidza. | And he commanded the chariot to stand still: and they went down both into the water, both Philip and the eunuch; and he baptized him. |
| 39 | Zvino vakati vakwira kubva mumvura, Mweya waIshe wakabvuta Firipi; mutenwa ndokusazomuonazve; nokuti wakafamba nenzira yake achifara. | And when they were come up out of the water, the Spirit of the Lord caught away Philip, that the eunuch saw him no more: and he went on his way rejoicing. |
| 40 | Asi Firipi wakawanikwa paAzota; uye achipfuura wakaparidza evhangeri kumaguta ese, kusvikira asvika paKesariya. | But Philip was found at Azotus: and passing through he preached in all the cities, till he came to Cesarea. |
Shona Bible — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GFDL · 출처 ↗
King James Version — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GPL