로그인

사도행전 6장 Shona Bible

Shona Bible · 쇼나어 · 사도행전 (Acts) · 15절 · 대역: King James Version

절Shona BibleKing James Version
1 Zvino nemazuva iwayo, vadzidzi vachiwanda, kwakamuka kunyunyuta kwemaHerenisiti* akanangana neVaHebheru, nokuti chirikadzi dzavo dzaiva dzisingatariswi pakushandirwa kwemusi umwe neumwe. And in those days, when the number of the disciples was multiplied, there arose a murmuring of the Grecians against the Hebrews, because their widows were neglected in the daily ministration.
2 Zvino vanegumi nevaviri vakadanira kwavari chaunga chevadzidzi, vakati: Hazvina kufanira kuti isu tisiye shoko raMwari, tishande matafura. Then the twelve called the multitude of the disciples unto them, and said, It is not reason that we should leave the word of God, and serve tables.
3 Naizvozvo, hama, tarirai pakati penyu varume vanomwe vanopupurirwa zvakanaka, vazere neMweya Mutsvene nenjere, vatingagadza pabasa rakafanira iri. Wherefore, brethren, look ye out among you seven men of honest report, full of the Holy Ghost and wisdom, whom we may appoint over this business.
4 Asi isu tichatsungirira pamunyengetero neushumiri hweshoko. But we will give ourselves continually to prayer, and to the ministry of the word.
5 Zvino shoko rikafadza pamberi pechaunga chese; uye vakasarudza Sitefano, murume azere nerutendo uye neMweya Mutsvene, naFiripi, naProkoro, naNikanori, naTimoni, naPamenasi, naNikoraosi weAndiyokiya wakatendeukira kuVaJudha, And the saying pleased the whole multitude: and they chose Stephen, a man full of faith and of the Holy Ghost, and Philip, and Prochorus, and Nicanor, and Timon, and Parmenas, and Nicolas a proselyte of Antioch:
6 vavakagadza pamberi pevaapositori; uye vakati vanyengetera vakaisa maoko pamusoro pavo. Whom they set before the apostles: and when they had prayed, they laid their hands on them.
7 Zvino shoko raMwari rikakura, uye uwandu hwevadzidzi hukapamhidzira muJerusarema zvikurusa, nechaunga chikuru chevapristi chakateerera rutendo. And the word of God increased; and the number of the disciples multiplied in Jerusalem greatly; and a great company of the priests were obedient to the faith.
8 Zvino Sitefano azere nerutendo nesimba wakaita zvishamiso nezviratidzo zvikuru pakati pevanhu. And Stephen, full of faith and power, did great wonders and miracles among the people.
9 Zvino kwakamuka vamwe vesinagoge rinonzi reVakasununguka, neVaKureni, neVaAreksandiria, nereavo vaibva Kirikia neAsia, vachikakavadzana naSitefano. Then there arose certain of the synagogue, which is called the synagogue of the Libertines, and Cyrenians, and Alexandrians, and of them of Cilicia and of Asia, disputing with Stephen.
10 Asi vakange vasingagoni kupikisa uchenjeri neMweya waaitaura nawo. And they were not able to resist the wisdom and the spirit by which he spake.
11 Ipapo vakamutsa varume vaiti: Tamunzwa achitaura mashoko anonyomba akanangana naMozisi naMwari. Then they suborned men, which said, We have heard him speak blasphemous words against Moses, and against God.
12 Zvino vakamutsa vanhu nevakuru nevanyori, vakamusvikira vakamubata vakamuuisa kudare remakurukota, And they stirred up the people, and the elders, and the scribes, and came upon him, and caught him, and brought him to the council,
13 ndokuisapo zvapupu zvenhema zvakati: Munhu uyu haamiri kutaura mashoko anomhura achipokana nenzvimbo iyi tsvene nemurairo, And set up false witnesses, which said, This man ceaseth not to speak blasphemous words against this holy place, and the law:
14 nokuti tamunzwa achiti uyu Jesu muNazareta achaparadza nzvimbo iyi, uye achashandura tsika Mozisi dzaakatikumikidza. For we have heard him say, that this Jesus of Nazareth shall destroy this place, and shall change the customs which Moses delivered us.
15 Zvino vese vakange vagere padare remakurukota vakamudzvokora, vakaona chiso chake sechainge chiso chemutumwa. And all that sat in the council, looking stedfastly on him, saw his face as it had been the face of an angel.

Shona Bible — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GFDL · 출처 ↗
King James Version — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GPL