로그인

사도행전 4장 Shona Bible

Shona Bible · 쇼나어 · 사도행전 (Acts) · 37절 · 대역: King James Version

절Shona BibleKing James Version
1 Zvino vakati vachataura kuvanhu, vapristi nemutungamiriri wetembere neVaSadhusi vakavasvikira, And as they spake unto the people, the priests, and the captain of the temple, and the Sadducees, came upon them,
2 vachishungurudzika nokuti vanodzidzisa vanhu, nekuparidza kumuka kubva kuvakafa munaJesu. Being grieved that they taught the people, and preached through Jesus the resurrection from the dead.
3 Zvino vakaisa maoko pavari ndokuisa muchitokisi kusvikira mangwana; nokuti akange atova madekwani. And they laid hands on them, and put them in hold unto the next day: for it was now eventide.
4 Asi vazhinji vevakanzwa shoko vakatenda; neuwandu hwevarume hwaiva zvuru zvinenge zvishanu. Howbeit many of them which heard the word believed; and the number of the men was about five thousand.
5 Zvino zvakaitika kuchiidza kuti kwakaungana vatungamiriri nevakuru nevanyori vavo paJerusarema, And it came to pass on the morrow, that their rulers, and elders, and scribes,
6 naAnasi mupristi mukuru, naKayafasi, naJohwani, naArekizandira, nevese vaiva vehama dzemupristi mukuru. And Annas the high priest, and Caiaphas, and John, and Alexander, and as many as were of the kindred of the high priest, were gathered together at Jerusalem.
7 Zvino vakati vavamisa pakati, vakabvunza vachiti: Izvi imwi mazviita nesimba ripi kana nezita ripi? And when they had set them in the midst, they asked, By what power, or by what name, have ye done this?
8 Ipapo Petro azedzwe neMweya Mutsvene wakati kwavari: Vatongi vevanhu, nevakuru VaIsraeri; Then Peter, filled with the Holy Ghost, said unto them, Ye rulers of the people, and elders of Israel,
9 kana isu tichibvunzurudzwa nhasi pamusoro pebasa rakanaka kumunhu asina simba, kuti iye waponeswa nei, If we this day be examined of the good deed done to the impotent man, by what means he is made whole;
10 ngazvizikanwe kwamuri mese, nekuvanhu vese veIsraeri, kuti nezita raJesu Kristu muNazareta, wamakaroverera pamuchinjikwa imwi, Mwari waakamutsa kubva kuvakafa, naye munhu uyu amire pano pamberi penyu apora. Be it known unto you all, and to all the people of Israel, that by the name of Jesus Christ of Nazareth, whom ye crucified, whom God raised from the dead, even by him doth this man stand here before you whole.
11 Uyu ndiye ibwe rakazvidzwa nemwi vavaki, razova musoro wekona. This is the stone which was set at nought of you builders, which is become the head of the corner.
12 Uye hakuna ruponeso kune umwezve; nokuti hakuna rimwe zita pasi pedenga rakapiwa pakati pevanhu, ratinofanira kuponeswa naro. Neither is there salvation in any other: for there is none other name under heaven given among men, whereby we must be saved.
13 Zvino vakati vachiona kusatya kwaPetro naJohwani, uye vachinzwisisa kuti vaiva vanhu vasina kudzidza uye vasina ruzivo, vakashamisika; ndokuvaziva kuti vaiva naJesu. Now when they saw the boldness of Peter and John, and perceived that they were unlearned and ignorant men, they marvelled; and they took knowledge of them, that they had been with Jesus.
14 Asi vachiona munhu wakange aporeswa amire navo, vakashaiwa chavangapikisa. And beholding the man which was healed standing with them, they could say nothing against it.
15 Zvino vakati vavaraira kuti vabude kunze kwedare remakurukota, vakarangana pakati pavo, But when they had commanded them to go aside out of the council, they conferred among themselves,
16 vachiti: Tichaitei kuvanhu ava? Nokuti zviri pachena kune vese vagere Jerusarema kuti chiratidzo chinozikanwa chaitwa navo, uye hatigoni kuzviramba. Saying, What shall we do to these men? for that indeed a notable miracle hath been done by them is manifest to all them that dwell in Jerusalem; and we cannot deny it.
17 Asi kuti zvirege kunyanya kuparadzirwa pakati pevanhu, ngativayambirei zvikuru kuti varege kuchizotaura nemunhu upi neupi muzita iri. But that it spread no further among the people, let us straitly threaten them, that they speak henceforth to no man in this name.
18 Vakabva vavadana, vakavaraira kuti varege kutongotaura kana kudzidzisa muzita raJesu. And they called them, and commanded them not to speak at all nor teach in the name of Jesus.
19 Asi Petro naJohwani vakapindura vakati kwavari: Gurai, kana zvakarurama pamberi paMwari kuteerera imwi kupfuura Mwari. But Peter and John answered and said unto them, Whether it be right in the sight of God to hearken unto you more than unto God, judge ye.
20 Nokuti isu hatigoni kusataura zvatakaona nekunzwa. For we cannot but speak the things which we have seen and heard.
21 Zvino vakati vawedzera kuvavhundudzira, vakavaregedza, vasingawani chinhu kuti vangavaranga sei nekuda kwevanhu; nokuti vese vairumbidza Mwari pamusoro pezvakaitika. So when they had further threatened them, they let them go, finding nothing how they might punish them, because of the people: for all men glorified God for that which was done.
22 Nokuti munhu wakange apfuura makore makumi mana wakange aitirwa chiratidzo ichi chekuporesa. For the man was above forty years old, on whom this miracle of healing was shewed.
23 Vakati varegedzwa vakaenda kune vekwavo, vakanopira zvese vapristi vakuru nevakuru zvavakange vataura kwavari. And being let go, they went to their own company, and reported all that the chief priests and elders had said unto them.
24 Zvino ivo vakati vanzwa vakasimudzira inzwi kuna Mwari nemoyo umwe, vakati: Tenzi, imwi Mwari makaita denga nenyika negungwa nezvese zviri mazviri; And when they heard that, they lifted up their voice to God with one accord, and said, Lord, thou art God, which hast made heaven, and earth, and the sea, and all that in them is:
25 makareva nemuromo waDhavhidhi, muranda wenyu muchiti: Nemhaka yei vahedheni vachiita bope, nevanhu vachifunga zvisina maturo? Who by the mouth of thy servant David hast said, Why did the heathen rage, and the people imagine vain things?
26 Madzimambo enyika akasimuka, nevatungamiriri vakaungana pamwe chete kumirisana naIshe nekumirisana naKristu wake. The kings of the earth stood up, and the rulers were gathered together against the Lord, and against his Christ.
27 Nokuti zvirokwazvo vakaungana vakamirisana neMwanakomana wenyu mutsvene Jesu, wamakazodza, vese Herodhe naPondiyo Pirato pamwe nevahedheni, nevanhu vekwaIsraeri, For of a truth against thy holy child Jesus, whom thou hast anointed, both Herod, and Pontius Pilate, with the Gentiles, and the people of Israel, were gathered together,
28 kuti vaite zvese ruoko rwenyu nezano renyu zvamakagara matema kuti zviitike. For to do whatsoever thy hand and thy counsel determined before to be done.
29 Uye ikozvino Ishe, tarirai kuvhundudzira kwavo, mupe varanda venyu kuti vataure shoko renyu nekusatya kwese, And now, Lord, behold their threatenings: and grant unto thy servants, that with all boldness they may speak thy word,
30 pakuti mutandavadze ruoko rwenyu pakuporesa, nezviratidzo nezvishamiso zviitwe nezita reMwanakomana wenyu mutsvene Jesu. By stretching forth thine hand to heal; and that signs and wonders may be done by the name of thy holy child Jesus.
31 Zvino vakati vanyengetera nzvimbo yavakange vakaungana pairi yakazununguswa; zvino vakazadzwa vese neMweya Mutsvene, ndokutaura shoko raMwari nekusatya. And when they had prayed, the place was shaken where they were assembled together; and they were all filled with the Holy Ghost, and they spake the word of God with boldness.
32 Zvino chaunga chevaitenda chaiva nemoyo nemweya umwe; uye kwakange kusina umwe waiti chimwe chezvaaiva nazvo ndechake, asi vakadyidzana zvinhu zvese. And the multitude of them that believed were of one heart and of one soul: neither said any of them that ought of the things which he possessed was his own; but they had all things common.
33 Uye nesimba guru vaapositori vakapa uchapupu hwekumuka kwaIshe Jesu; nenyasha huru dzikava pamusoro pavo vese. And with great power gave the apostles witness of the resurrection of the Lord Jesus: and great grace was upon them all.
34 Nokuti pakange pasina umwe pakati pavo waishaiwa, nokuti vese vaiva vene veminda kana dzimba, vakazvitengesa, vakauisa mutengo wezvinhu zvakatengeswa, Neither was there any among them that lacked: for as many as were possessors of lands or houses sold them, and brought the prices of the things that were sold,
35 vakaisa patsoka dzevaapositori; uye zvikagoverwa kune umwe neumwe zvichienderana nekushaiwa kwaaiva nako. And laid them down at the apostles’ feet: and distribution was made unto every man according as he had need.
36 NaJose, wakatumidzwa nevaapositori Bhanabhasi, ndokuti kana zvichishandurwa, mwanakomana wenyaradzo, muRevhi weSaipuresi parudzi, And Joses, who by the apostles was surnamed Barnabas, (which is, being interpreted, The son of consolation,) a Levite, and of the country of Cyprus,
37 ane munda, wakatengesa, akauisa mari akaisa patsoka dzevaapositori. Having land, sold it, and brought the money, and laid it at the apostles’ feet.

Shona Bible — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GFDL · 출처 ↗
King James Version — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GPL