사도행전 2장 Shona Bible
Shona Bible · 쇼나어 · 사도행전 (Acts) · 47절 · 대역: King James Version
| 절 | Shona Bible | King James Version |
|---|---|---|
| 1 | Zvino zuva rePendekosita* rakati razadzisika, vese vakange vari pamwe nemoyo umwe. | And when the day of Pentecost was fully come, they were all with one accord in one place. |
| 2 | Pakarepo kwakauya mutinhiro kubva kudenga sewemhepo inovhuvhuta nesimba, ndokuzadza imba yese mavakange vagere. | And suddenly there came a sound from heaven as of a rushing mighty wind, and it filled all the house where they were sitting. |
| 3 | Zvino kwakaonekwa kwavari ndimi dzakaparadzaniswa sedzemoto, ndokugara pamusoro peumwe neumwe wavo. | And there appeared unto them cloven tongues like as of fire, and it sat upon each of them. |
| 4 | Zvino vese vakazadzwa neMweya Mutsvene, ndokutanga kutaura nedzimwe ndimi, Mweya sezvaakavapa kududza. | And they were all filled with the Holy Ghost, and began to speak with other tongues, as the Spirit gave them utterance. |
| 5 | Zvino kwaigara paJerusarema VaJudha, varume vaitya Mwari, vaibva kurudzi rwese rwevari pasi pedenga. | And there were dwelling at Jerusalem Jews, devout men, out of every nation under heaven. |
| 6 | Zvino mutinhiro uyu wakati waitika, chaunga chikaungana chikavhiringidzwa, nokuti umwe neumwe wakavanzwa vachitaura nerurimi rwekwake. | Now when this was noised abroad, the multitude came together, and were confounded, because that every man heard them speak in his own language. |
| 7 | Zvino vakakatyamara vese vakashamisika vakataurirana vachiti: Tarirai, ava vese vanotaura havasi VaGarirea here? | And they were all amazed and marvelled, saying one to another, Behold, are not all these which speak Galileans? |
| 8 | Zvino isu tinonzwa sei umwe neumwe nerurimi rwekwedu, rwatakaberekwa narwo? | And how hear we every man in our own tongue, wherein we were born? |
| 9 | VaPatia neVaMedhia neVaEramu, nevagari veMesopotamia, neveJudhiya neveKapadhokiasi, vePonto neveAsia, | Parthians, and Medes, and Elamites, and the dwellers in Mesopotamia, and in Judea, and Cappadocia, in Pontus, and Asia, |
| 10 | neveFrigia nevePamufiriya, veEgipita nevemativi eRibhia pedo neKurini, nevaeni veRoma, vese VaJudha nevakatendeukira kuVaJudha, | Phrygia, and Pamphylia, in Egypt, and in the parts of Libya about Cyrene, and strangers of Rome, Jews and proselytes, |
| 11 | VaKrete neVaArabhiya, tinovanzwa vachitaura nendimi dzedu mabasa makuru aMwari. | Cretes and Arabians, we do hear them speak in our tongues the wonderful works of God. |
| 12 | Zvino vakakatyamara vese, vakashamiswa vachiti umwe kune umwe: Ichi chingava chii? | And they were all amazed, and were in doubt, saying one to another, What meaneth this? |
| 13 | Asi vamwe vakatsvinya vachiti: Vararadza waini inotapira. | Others mocking said, These men are full of new wine. |
| 14 | Zvino Petro amire nevanegumi neumwe, wakasimudza inzwi rake, ndokuti kwavari: Varume VaJudha, nevese vagere muJerusarema, chinhu ichi ngachizikanwe kwamuri, uye muteerere kumashoko angu. | But Peter, standing up with the eleven, lifted up his voice, and said unto them, Ye men of Judea, and all ye that dwell at Jerusalem, be this known unto you, and hearken to my words: |
| 15 | Nokuti ava havana kuraradza sezvamunofunga imwi; nokuti iawa rechitatu rezuva; | For these are not drunken, as ye suppose, seeing it is but the third hour of the day. |
| 16 | asi ichi ndicho chakataurwa nemuporofita Joweri achiti: | But this is that which was spoken by the prophet Joel; |
| 17 | Zvino zvichava mumazuva ekupedzisira, anodaro Mwari, ndichadurura zveMweya wangu pamusoro penyama yese; nevanakomana venyu nevanasikana venyu vachaporofita, uye majaya enyu achaona zviratidzo, nevatana venyu vacharota hope; | And it shall come to pass in the last days, saith God, I will pour out of my Spirit upon all flesh: and your sons and your daughters shall prophesy, and your young men shall see visions, and your old men shall dream dreams: |
| 18 | uye nepamusoro pevaranda vangu nepamusoro pevarandakadzi vangu, nemazuva iwayo ndichadurura zveMweya wangu, uye vachaporofita. | And on my servants and on my handmaidens I will pour out in those days of my Spirit; and they shall prophesy: |
| 19 | Zvino ndichaita zvishamiso kudenga kumusoro, nezviratidzo panyika pasi, ropa, nemoto, nemhute yeutsi. | And I will shew wonders in heaven above, and signs in the earth beneath; blood, and fire, and vapour of smoke: |
| 20 | Zuva richashandurwa kuva rima, nemwedzi kuva ropa, risati rasvika zuva raIshe guru uye rinobwinya; | The sun shall be turned into darkness, and the moon into blood, before that great and notable day of the Lord come: |
| 21 | zvino zvichava kuti ani nani anodana zita raIshe achaponeswa. | And it shall come to pass, that whosoever shall call on the name of the Lord shall be saved. |
| 22 | Varume VaIsraeri, inzwai mashoko awa: Jesu weNazareta, murume wakapupurirwa naMwari pakati penyu nemabasa esimba nezvishamiso nezviratidzo Mwari zvaakaita pakati penyu kubudikidza naye, sezvamunozivawo imwi momene, | Ye men of Israel, hear these words; Jesus of Nazareth, a man approved of God among you by miracles and wonders and signs, which God did by him in the midst of you, as ye yourselves also know: |
| 23 | iye wakakumikidzwa nezano rakamiswa nekuziva zviri mberi kwaMwari, mukamutora, nemaoko evasina murairo mukaroverera pamuchinjikwa mukauraya; | Him, being delivered by the determinate counsel and foreknowledge of God, ye have taken, and by wicked hands have crucified and slain: |
| 24 | iye Mwari waakamutsa, asunungura marwadzo erufu, nokuti zvakange zvisingagoneki kuti abatwe narwo. | Whom God hath raised up, having loosed the pains of death: because it was not possible that he should be holden of it. |
| 25 | Nokuti Dhavhidhi wakataura maererano naye: Ndaiona Ishe pamberi pangu nguva dzese; nokuti ari kuruoko rwerudyi rwangu, kuti ndirege kuzununguswa. | For David speaketh concerning him, I foresaw the Lord always before my face, for he is on my right hand, that I should not be moved: |
| 26 | Naizvozvo moyo wangu wakafara, nerurimi rwangu rwakafarisisa; uyezve nenyama yangu ichazorora mutariro. | Therefore did my heart rejoice, and my tongue was glad; moreover also my flesh shall rest in hope: |
| 27 | Nokuti hamuzosii mweya wangu mugehena, kana kutendera Mutsvene wenyu kuti aone kuora. | Because thou wilt not leave my soul in hell, neither wilt thou suffer thine Holy One to see corruption. |
| 28 | Makandizivisa nzira dzeupenyu; muchandizadza nemufaro nechiso chenyu. | Thou hast made known to me the ways of life; thou shalt make me full of joy with thy countenance. |
| 29 | Varume hama, regai nditaure kwamuri pachena zvateteguru Dhavhidhi, kuti zvese vakafa uye vakavigwa, neguva ravo riri pakati pedu kusvikira zuva rino. | Men and brethren, let me freely speak unto you of the patriarch David, that he is both dead and buried, and his sepulchre is with us unto this day. |
| 30 | Naizvozvo ari muporofita, uye achiziva kuti Mwari wakapika nemhiko kwaari kuti kuchibereko chechiuno chake panyama achasimudza Kristu kuti agare pachigaro chake cheushe, | Therefore being a prophet, and knowing that God had sworn with an oath to him, that of the fruit of his loins, according to the flesh, he would raise up Christ to sit on his throne; |
| 31 | aona zviri mberi, wakareva zvekumuka kwaKristu, kuti mweya wake hauna kusiiwa mugehena, kana nyama yake kuona kuora. | He seeing this before spake of the resurrection of Christ, that his soul was not left in hell, neither his flesh did see corruption. |
| 32 | Uyu Jesu Mwari wakamumutsa, watiri zvapupu zvazvo tese. | This Jesus hath God raised up, whereof we all are witnesses. |
| 33 | Naizvozvo asimudzirwa kuruoko rwerudyi rwaMwari, agamuchira kuna Baba chivimbiso cheMweya Mutsvene, wadurura izvi imwi zvamunoona nezvamunonzwa ikozvino. | Therefore being by the right hand of God exalted, and having received of the Father the promise of the Holy Ghost, he hath shed forth this, which ye now see and hear. |
| 34 | Nokuti Dhavhidhi haana kukwira kumatenga, asi anoti amene: Ishe wakati kuna Ishe wangu: Gara kuruoko rwangu rwerudyi, | For David is not ascended into the heavens: but he saith himself, The Lord said unto my Lord, Sit thou on my right hand, |
| 35 | kusvikira ndichiita vavengi vako chitsiko chetsoka dzako. | Until I make thy foes thy footstool. |
| 36 | Naizvozvo imba yese yaIsraeri ngaizive kwazvo, kuti Mwari wakamuita zvese Ishe naKristu, iyeyu Jesu wamakaroverera pamuchinjikwa imwi. | Therefore let all the house of Israel know assuredly, that God hath made that same Jesus, whom ye have crucified, both Lord and Christ. |
| 37 | Zvino vakati vachinzwa izvi vakabaiwa pamoyo, ndokuti kuna Petro nevamwe vaapositori: Varume hama, tichaitei? | Now when they heard this, they were pricked in their heart, and said unto Peter and to the rest of the apostles, Men and brethren, what shall we do? |
| 38 | Petro ndokuti kwavari: Tendeukai mubhabhatidzwe umwe neumwe wenyu muzita raJesu Kristu, kuitira kanganwiro yezvivi, uye muchagamuchira chipo cheMweya Mutsvene. | Then Peter said unto them, Repent, and be baptized every one of you in the name of Jesus Christ for the remission of sins, and ye shall receive the gift of the Holy Ghost. |
| 39 | Nokuti chivimbiso ndechenyu, nechevana venyu, nechevese vari kure, uwandu Ishe Mwari wedu sehwevaanodana. | For the promise is unto you, and to your children, and to all that are afar off, even as many as the Lord our God shall call. |
| 40 | Uye nemamwe mashoko mazhinji, akapupura akakurudzira, achiti: Muzviponese pazera iri rakashonyoroka. | And with many other words did he testify and exhort, saying, Save yourselves from this untoward generation. |
| 41 | Zvino avo vakagamuchira nemufaro shoko rake vakabhabhatidzwa; uye nezuva iro vakawedzerwa mweya inenge zvuru zvitatu. | Then they that gladly received his word were baptized: and the same day there were added unto them about three thousand souls. |
| 42 | Vakarambira padzidziso yevaapositori nepakuwadzana, nepakumedura chingwa nepaminyengetero. | And they continued stedfastly in the apostles’ doctrine and fellowship, and in breaking of bread, and in prayers. |
| 43 | Uye kutya kukawira pamusoro pemweya wega-wega; uye zvishamiso zvizhinji nezviratidzo zvikaitwa nevaapositori. | And fear came upon every soul: and many wonders and signs were done by the apostles. |
| 44 | Nevaitenda vese vaiva pamwe, uye vakava nezvinhu zvese panhu pamwe, | And all that believed were together, and had all things common; |
| 45 | ndokutengesa zvavaiva nazvo nenhumbi, vakazvigovana vese, umwe neumwe paaishaiwa napo. | And sold their possessions and goods, and parted them to all men, as every man had need. |
| 46 | Zuva rimwe nerimwe vakange vachitsungirira mutembere nemoyo umwe, uye vaimedura chingwa paimba neimba, vachidya kudya nemufaro nemoyo wakachena, | And they, continuing daily with one accord in the temple, and breaking bread from house to house, did eat their meat with gladness and singleness of heart, |
| 47 | vachirumbidza Mwari, vachifarirwa nevanhu vese. Ishe akawedzera kukereke zuva rimwe nerimwe avo vanoponeswa. | Praising God, and having favour with all the people. And the Lord added to the church daily such as should be saved. |
Shona Bible — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GFDL · 출처 ↗
King James Version — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GPL