사도행전 26장 Shona Bible
Shona Bible · 쇼나어 · 사도행전 (Acts) · 32절 · 대역: King James Version
| 절 | Shona Bible | King James Version |
|---|---|---|
| 1 | Zvino Agripa akati kuna Pauro: Unotenderwa kuzvitaurira. Ipapo Pauro akatandavadza ruoko, akazvipindurira achiti: | Then Agrippa said unto Paul, Thou art permitted to speak for thyself. Then Paul stretched forth the hand, and answered for himself: |
| 2 | Pane zvese zvandakamhan'arirwa neVaJudha, mambo Agripa, ndinoona ndichifara kuti ndodozvidavirira pamberi penyu nhasi; | I think myself happy, king Agrippa, because I shall answer for myself this day before thee touching all the things whereof I am accused of the Jews: |
| 3 | zvikuru nokuti ndinoziva kuti mune ruzivo rwetsika dzese nemakakava ari pakati peVaJudha; naizvozvo ndinokukumbirai, kuti mundinzwe nemoyo murefu. | Especially because I know thee to be expert in all customs and questions which are among the Jews: wherefore I beseech thee to hear me patiently. |
| 4 | Naizvozvo mufambiro wangu kubva paudiki, waiva kubva pakutanga pakati perudzi rwangu paJerusarema, VaJudha vese vanoziva, | My manner of life from my youth, which was at the first among mine own nation at Jerusalem, know all the Jews; |
| 5 | vaindiziva kubva pakutanga kana vachida kupupura, kuti nenzira yakasimba yeboka rechitendero chedu ndairarama ndiri muFarisi. | Which knew me from the beginning, if they would testify, that after the most straitest sect of our religion I lived a Pharisee. |
| 6 | Uye ikozvino ndimire ndichitongwa nekuda kwetariro yechivimbiso chakaitwa naMwari kumadzibaba, | And now I stand and am judged for the hope of the promise made of God unto our fathers: |
| 7 | marudzi edu gumi nemaviri achishumira akasimba siku nesikati vachitarisira kusvika pachiri. Nekuda kwetariro iyi, mambo Agripa, ndinopiwa mhosva neVaJudha. | Unto which promise our twelve tribes, instantly serving God day and night, hope to come. For which hope’s sake, king Agrippa, I am accused of the Jews. |
| 8 | Sei zvichifungwa kuti zvinhu zvisingatendeseki kwamuri, kana Mwari achimutsa vakafa? | Why should it be thought a thing incredible with you, that God should raise the dead? |
| 9 | Naizvozvo ini ndaifunga ndomene kuti ndinofanira kuita zvinhu zvizhinji zvinopesana nezita raJesu weNazareta; | I verily thought with myself, that I ought to do many things contrary to the name of Jesus of Nazareth. |
| 10 | neni zvandakaita muJerusarema, uye ini ndakapfigira vazhinji vevatsvene mumatirongo, ndagamuchira simba kubva kuvapristi vakuru; nepavaiurawa ndaizvisarudza. | Which thing I also did in Jerusalem: and many of the saints did I shut up in prison, having received authority from the chief priests; and when they were put to death, I gave my voice against them. |
| 11 | Uye ndaivaranga kazhinji mumasinagoge ese, ndichivaroverera kuti vanyombe; zvino ndichinyanya kuvapengera, ndakavashusha kusvikira nekumaguta ekunze. | And I punished them oft in every synagogue, and compelled them to blaspheme; and being exceedingly mad against them, I persecuted them even unto strange cities. |
| 12 | Ndipo neni ndichienda kuDhamasiko nesimba uye nekutumwa kubva kuvapristi vakuru, | Whereupon as I went to Damascus with authority and commission from the chief priests, |
| 13 | pamasikati makuru, mambo, ndakaona munzira chiedza chichibva kudenga, chaikunda kupenya kwezuva, chichipenya chakandipoteredza nevaifamba neni. | At midday, O king, I saw in the way a light from heaven, above the brightness of the sun, shining round about me and them which journeyed with me. |
| 14 | Zvino takati tese tawira pasi pavhu, ndakanzwa izwi richitaura kwandiri richiti nerurimi rwechiHebheru: Sauro, Sauro, unondishushirei? Zvinokuremera kukavana nezvibayo. | And when we were all fallen to the earth, I heard a voice speaking unto me, and saying in the Hebrew tongue, Saul, Saul, why persecutest thou me? it is hard for thee to kick against the pricks. |
| 15 | Zvino ini ndikati: Ndimwi ani, Ishe? Akatiwo: Ndini Jesu waunoshusha iwe. | And I said, Who art thou, Lord? And he said, I am Jesus whom thou persecutest. |
| 16 | Asi simuka, uye umire netsoka dzako; nokuti ndazviratidzira izvi kwauri, ndikuite mushumiri nechapupu zvese chezvinhu zvawakaona nezvandichazviratidza nazvo kwauri, | But rise, and stand upon thy feet: for I have appeared unto thee for this purpose, to make thee a minister and a witness both of these things which thou hast seen, and of those things in the which I will appear unto thee; |
| 17 | ndichikununura kuvanhu nevahedheni, vandinokutumira kwavari ikozvino, | Delivering thee from the people, and from the Gentiles, unto whom now I send thee, |
| 18 | kusvinudza meso avo, nekuvatendeusa kubva murima vaende kuchiedza, nepasimba raSatani vaende kuna Mwari, kuti vagamuchire kanganwiro yezvivi, uye nhaka pakati pevakaitwa vatsvene nerutendo rwuri mandiri. | To open their eyes, and to turn them from darkness to light, and from the power of Satan unto God, that they may receive forgiveness of sins, and inheritance among them which are sanctified by faith that is in me. |
| 19 | Naizvozvo, mambo Agripa, handina kuramba kuteerera chiratidzo chekudenga; | Whereupon, O king Agrippa, I was not disobedient unto the heavenly vision: |
| 20 | asi ndakaparidza kutanga kune veDhamasiko neveJerusarema, nekudunhu rese reJudhiya, nekuvahedheni, kuti vatendeuke, uye vadzokere kuna Mwari, vaite mabasa akafanira kutendeuka. | But shewed first unto them of Damascus, and at Jerusalem, and throughout all the coasts of Judea, and then to the Gentiles, that they should repent and turn to God, and do works meet for repentance. |
| 21 | Nekuda kwezvinhu izvi VaJudha vakandibata mutembere, vakaidza kundiuraya. | For these causes the Jews caught me in the temple, and went about to kill me. |
| 22 | Naizvozvo ndawana rubatsiro kubva kuna Mwari, ndakamira kusvikira zuva rino, ndichipupura kuvadiki nevakuru, ndisingarevi zvimwe zvinhu kunze kweizvo vaporofita naMozisi zvavakataura kuti zvichaitika, | Having therefore obtained help of God, I continue unto this day, witnessing both to small and great, saying none other things than those which the prophets and Moses did say should come: |
| 23 | kuti Kristu wakafanira kutambudzika, uye kuti ari wekutanga kumuka kuvakafa, achaparidza chiedza kuvanhu ava nekuvahedheni. | That Christ should suffer, and that he should be the first that should rise from the dead, and should shew light unto the people, and to the Gentiles. |
| 24 | Zvino wakati achazvidavirira zvinhu izvi, Fesitasi akati nenzwi guru: Pauro, unopenga; kudzidza kukuru kunokupenza. | And as he thus spake for himself, Festus said with a loud voice, Paul, thou art beside thyself; much learning doth make thee mad. |
| 25 | Asi wakati: Handipengi, Fesitasi changamire; asi ndinodanidzira mashoko echokwadi uye euchenjeri. | But he said, I am not mad, most noble Festus; but speak forth the words of truth and soberness. |
| 26 | Nokuti mambo vanoziva zvezvinhu izvi ivo vandinotaura pamberi pavowo ndisingatyi; nokuti ndine chokwadi kuti hapana chimwe chezvinhu izvi chakavanzika kwavari, nokuti chinhu ichi hachina kuitwa pachikona. | For the king knoweth of these things, before whom also I speak freely: for I am persuaded that none of these things are hidden from him; for this thing was not done in a corner. |
| 27 | Mambo Agripa, munotenda vaporofita here? Ndinoziva kuti munotenda. | King Agrippa, believest thou the prophets? I know that thou believest. |
| 28 | Agripa ndokuti kuna Pauro: Wasara padiki wandipwisa kuva muKristu. | Then Agrippa said unto Paul, Almost thou persuadest me to be a Christian. |
| 29 | Pauro ndokuti: Ndinoshuva kuna Mwari, kunyange nediki uye nehuru musava imwi mega, asi nevese vanondinzwa nhasi, vave vakadai sezvandiri ini, kunze kwezvisungo izvi. | And Paul said, I would to God, that not only thou, but also all that hear me this day, were both almost, and altogether such as I am, except these bonds. |
| 30 | Zvino wakati ataura zvinhu izvi, mambo akasimuka, nemutungamiriri, naBhenike, nevakange vagere navo; | And when he had thus spoken, the king rose up, and the governor, and Bernice, and they that sat with them: |
| 31 | vakati vabuda vakataurirana, vachiti: Munhu uyu haaiti chinhu chakafanira rufu kana zvisungo. | And when they were gone aside, they talked between themselves, saying, This man doeth nothing worthy of death or of bonds. |
| 32 | Agripa ndokuti kuna Fesitasi: Munhu uyu ungadai asunungurwa dai asina kuikwidza kuna Kesari. | Then said Agrippa unto Festus, This man might have been set at liberty, if he had not appealed unto Cesar. |
Shona Bible — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GFDL · 출처 ↗
King James Version — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GPL