사도행전 13장 Shona Bible
Shona Bible · 쇼나어 · 사도행전 (Acts) · 52절 · 대역: King James Version
| 절 | Shona Bible | King James Version |
|---|---|---|
| 1 | Zvino paivapo muAndiyokiya, mukereke ipapo vamwe vaporofita nevadzidzisi, Bhanabhasi naSimioniwo wainzi Nigeri, naRukio muKurini, naManaeni wakange arerwa pamwe naHerodhe umwe wevatungamiriri vana, naSauro. | Now there were in the church that was at Antioch certain prophets and teachers; as Barnabas, and Simeon that was called Niger, and Lucius of Cyrene, and Manaen, which had been brought up with Herod the tetrarch, and Saul. |
| 2 | Vakati vachishumira kuna Ishe nekutsanya, Mweya Mutsvene akati: Nditsaurirei Bhanabhasi pamwe naSauro pabasa randakavadanira. | As they ministered to the Lord, and fasted, the Holy Ghost said, Separate me Barnabas and Saul for the work whereunto I have called them. |
| 3 | Ipapo vatsanya nekunyengetera nekuisa maoko pamusoro pavo, vakavaendesa. | And when they had fasted and prayed, and laid their hands on them, they sent them away. |
| 4 | Naizvozvo zvirokwazvo ivo vakati vatumwa naMweya Mutsvene, vakaburukira Serukia, vakabvapowo vakaenda kuSaipuresi nechikepe. | So they, being sent forth by the Holy Ghost, departed unto Seleucia; and from thence they sailed to Cyprus. |
| 5 | Zvino vasvika paSarami, vakaparidza shoko raMwari mumasinagoge eVaJudha; uye vakange vanaJohwaniwo mubatsiri. | And when they were at Salamis, they preached the word of God in the synagogues of the Jews: and they had also John to their minister. |
| 6 | Zvino vakati vagura nemuchiwi kusvikira paPafosi, vakawana imwe n'anga, muporofita wenhema, muJudha, wainzi Bhari-Jesu. | And when they had gone through the isle unto Paphos, they found a certain sorcerer, a false prophet, a Jew, whose name was Bar–jesus: |
| 7 | Wainge ane mutungamiriri Sejiyo Pauro, murume wakachenjera. Iye wakadanira kwaari Bhanabhasi naSauro akatsvaka kunzwa shoko raMwari. | Which was with the deputy of the country, Sergius Paulus, a prudent man; who called for Barnabas and Saul, and desired to hear the word of God. |
| 8 | Asi Erimasi n'anga, nokuti ndiro zita rake kana zvichishandurwa, akavapikisa, achitsvaka kutsausa mutungamiriri parutendo. | But Elymas the sorcerer (for so is his name by interpretation) withstood them, seeking to turn away the deputy from the faith. |
| 9 | Asi Sauro, ndiye Paurowo, azadzwa neMweya Mutsvene, uye amutarisisa, | Then Saul, (who also is called Paul,) filled with the Holy Ghost, set his eyes on him, |
| 10 | wakati: Iwe uzere nekubiridzira kwese nekunyengera kwese, mwanakomana wadhiabhorosi, muvengi wekururama kwese, haugumi here kutsausa nzira dzakarurama dzaIshe? | And said, O full of all subtilty and all mischief, thou child of the devil, thou enemy of all righteousness, wilt thou not cease to pervert the right ways of the Lord? |
| 11 | Uye ikozvino tarira, ruoko rwaIshe rwuri pamusoro pako, uye uchava bofu, usingaoni zuva kwenguva. Pakarepo mhute nerima zvakamuwira, akatenderera achitsvaka vangamutungamirira neruoko. | And now, behold, the hand of the Lord is upon thee, and thou shalt be blind, not seeing the sun for a season. And immediately there fell on him a mist and a darkness; and he went about seeking some to lead him by the hand. |
| 12 | Panguva iyo mutungamiriri wakati aona zvakaitika akatenda, achishamiswa nedzidziso yaIshe. | Then the deputy, when he saw what was done, believed, being astonished at the doctrine of the Lord. |
| 13 | Zvino Pauro nevaiva naye vakabva Pafosi nechikepe vakasvika paPega muPamufiriya. Asi Johwani wakabva kwavari akadzokera kuJerusarema. | Now when Paul and his company loosed from Paphos, they came to Perga in Pamphylia: and John departing from them returned to Jerusalem. |
| 14 | Asi ivo vakati vagura vachibva paPega, vakasvika kuAndiyokiya muPisidhiya; vakapinda musinagoge nezuva resabata, vakagara pasi. | But when they departed from Perga, they came to Antioch in Pisidia, and went into the synagogue on the sabbath day, and sat down. |
| 15 | Zvino shure kwekuverengwa kwemurairo nevaporofita, vakuru vesinagoge vakatumira kwavari, vachiti: Varume hama, kana kune shoko mukati menyu rekurudziro kuvanhu, taurai. | And after the reading of the law and the prophets the rulers of the synagogue sent unto them, saying, Ye men and brethren, if ye have any word of exhortation for the people, say on. |
| 16 | Zvino Pauro wakasimuka, ndokuninira neruoko, akati: Varume VaIsraeri, nemwi munotya Mwari, teererai. | Then Paul stood up, and beckoning with his hand said, Men of Israel, and ye that fear God, give audience. |
| 17 | Mwari werudzi urwu rwaIsraeri wakasarudza madzibaba edu, akakudza vanhu vachiri vatorwa munyika yeEgipita, uye neruoko rwakakwirira akavabudisa mairi. | The God of this people of Israel chose our fathers, and exalted the people when they dwelt as strangers in the land of Egypt, and with an high arm brought he them out of it. |
| 18 | Uye akava nemoyo murefu nemaitiro avo nguva inenge makore makumi mana murenje. | And about the time of forty years suffered he their manners in the wilderness. |
| 19 | Zvino wakati aparadza marudzi manomwe munyika yeKenani, akavagovera nyika yavo nemujenya. | And when he had destroyed seven nations in the land of Chanaan, he divided their land to them by lot. |
| 20 | Zvino shure kweizvozvo, makore anenge mazana mana nemakumi mashanu, wakavapa vatongi kusvikira kuna Samueri muporofita. | And after that he gave unto them judges about the space of four hundred and fifty years, until Samuel the prophet. |
| 21 | Uye kubvira ipapo vakakumbira mambo; Mwari ndokuvapa Sauro mwanakomana waKishi, murume werudzi rwaBhenjamini, makore makumi mana. | And afterward they desired a king: and God gave unto them Saul the son of Cis, a man of the tribe of Benjamin, by the space of forty years. |
| 22 | Zvino wakati amubvisa, wakavamutsira Dhavhidhi kuva mambo, waakapupurirawo akati: Ndawana Dhavhidhi waJese, murume anoenderana nemoyo wangu, achaita chido changu chese. | And when he had removed him, he raised up unto them David to be their king; to whom also he gave testimony, and said, I have found David the son of Jesse, a man after mine own heart, which shall fulfil all my will. |
| 23 | Pambeu yeuyu sechivimbiso, Mwari wakamutsira Israeri Muponesi Jesu; | Of this man’s seed hath God according to his promise raised unto Israel a Saviour, Jesus: |
| 24 | iye asati asvika Johwani wakaparidza pakutanga rubhabhatidzo rwekutendeuka kuvanhu vese VaIsraeri. | When John had first preached before his coming the baptism of repentance to all the people of Israel. |
| 25 | Zvino Johwani wakati azadzisa rwendo, akati: Munofunga kuti ndini ani? Ini handisi iye, asi tarirai, shure kwangu anouya, wandisakafanira kusunungura shangu dzetsoka dzake. | And as John fulfilled his course, he said, Whom think ye that I am? I am not he. But, behold, there cometh one after me, whose shoes of his feet I am not worthy to loose. |
| 26 | Varume hama, vana verudzi rwaAbhurahama, neavo pakati penyu vanotya Mwari, shoko reruponeso urwu ratumirwa kwamuri. | Men and brethren, children of the stock of Abraham, and whosoever among you feareth God, to you is the word of this salvation sent. |
| 27 | Nokuti avo vanogara muJerusarema nevatungamiriri vavo havana kumuziva uyu, uye manzwi evaporofita anoverengwa sabata rimwe nerimwe, vakaazadzisa pakumurasa; | For they that dwell at Jerusalem, and their rulers, because they knew him not, nor yet the voices of the prophets which are read every sabbath day, they have fulfilled them in condemning him. |
| 28 | uye kunyange vasina kuwana mhosva yerufu, vakakumbira kuna Pirato kuti aurawe. | And though they found no cause of death in him, yet desired they Pilate that he should be slain. |
| 29 | Zvino vakati vapedza zvese zvakanyorwa pamusoro pake, vakamuturura pamuti, vakamuradzika muguva. | And when they had fulfilled all that was written of him, they took him down from the tree, and laid him in a sepulchre. |
| 30 | Asi Mwari wakamumutsa kubva kuvakafa; | But God raised him from the dead: |
| 31 | iye wakaonekwa kwemazuva mazhinji neavo vakange vakwira naye kuJerusarema vachibva Garirea, vari zvapupu zvake kuvanhu. | And he was seen many days of them which came up with him from Galilee to Jerusalem, who are his witnesses unto the people. |
| 32 | Nesu tinoparidza kwamuri mashoko akanaka echivimbiso chakaitwa kumadzibaba, | And we declare unto you glad tidings, how that the promise which was made unto the fathers, |
| 33 | kuti Mwari wakazadzisa ichi kwatiri, isu vana vavo, pakuti wakamutsa Jesu; sezvazvakanyorwawo mupisarema rechipiri kuti: Iwe uri Mwanakomana wangu, nhasi ini ndakubereka. | God hath fulfilled the same unto us their children, in that he hath raised up Jesus again; as it is also written in the second psalm, Thou art my Son, this day have I begotten thee. |
| 34 | Zvino zvekuti wakamumutsa kubva kuvakafa, asadzokerazve kukuora, wakareva sezvizvi: Ndichakupai maropafadzo matsvene anovimbika aDhavhidhi. | And as concerning that he raised him up from the dead, now no more to return to corruption, he said on this wise, I will give you the sure mercies of David. |
| 35 | Naizvozvowo anoti pane imwe nzvimbo: Hamungapi Mutsvene wenyu kuti aone kuora. | Wherefore he saith also in another psalm, Thou shalt not suffer thine Holy One to see corruption. |
| 36 | Nokuti Dhavhidhi, ashumira zano raMwari pazera rake pachake wakarara, uye wakaradzikwa kumadzibaba ake, ndokuona kuora; | For David, after he had served his own generation by the will of God, fell on sleep, and was laid unto his fathers, and saw corruption: |
| 37 | asi Mwari waakamutsa, haana kuona kuora. | But he, whom God raised again, saw no corruption. |
| 38 | Naizvozvo ngazvizikanwe kwamuri, varume hama, kuti neuyu kanganwiro yezvivi inoparidzirwa imwi; | Be it known unto you therefore, men and brethren, that through this man is preached unto you the forgiveness of sins: |
| 39 | uye neuyu ani nani anotenda anonzi wakarurama pazvinhu zvese zvamakange musingagoni kunzi makarurama pazviri nemurairo waMozisi. | And by him all that believe are justified from all things, from which ye could not be justified by the law of Moses. |
| 40 | Naizvozvo onai kuti zvirege kuwira pamusoro penyu zvakarehwa muvaporofita, zvinoti: | Beware therefore, lest that come upon you, which is spoken of in the prophets; |
| 41 | Tarirai, imwi vazvidzi, uye mushamisike, nekuparadzwa; nokuti ini ndinobata basa pamazuva enyu, basa ramusingatombotendi, kunyange umwe achikurondedzerai. | Behold, ye despisers, and wonder, and perish: for I work a work in your days, a work which ye shall in no wise believe, though a man declare it unto you. |
| 42 | Zvino pakubuda kweVaJudha musinagoge, vahedheni vakakumbira kuti mashoko awa ataurwe kwavari pasabata raitevera. | And when the Jews were gone out of the synagogue, the Gentiles besought that these words might be preached to them the next sabbath. |
| 43 | Zvino vesinagoge vakati vapera, vazhinji veVaJudha nevakatendeukira kuVaJudha vainamata vakatevera Pauro naBhanabhasi; ivo vakataura kwavari, vachivagombedzera kuti varambire munyasha dzaMwari. | Now when the congregation was broken up, many of the Jews and religious proselytes followed Paul and Barnabas: who, speaking to them, persuaded them to continue in the grace of God. |
| 44 | Zvino nesabata rakatevera guta rinenge rese rakaungana kuzonzwa shoko raMwari. | And the next sabbath day came almost the whole city together to hear the word of God. |
| 45 | Zvino VaJudha vakati vachiona zvaunga vakazadzwa negodo, vakapikisa zvinhu zvakarehwa naPauro, vachipikisa uye vachinyomba. | But when the Jews saw the multitudes, they were filled with envy, and spake against those things which were spoken by Paul, contradicting and blaspheming. |
| 46 | Asi Pauro naBhanabhasi vachitaura vakashinga vakati: Zvakange zvakafanira kuti shoko raMwari ritaurirwe kwamuri pakutanga; asi zvamarininira kure, uye mazvitongera kusafanira upenyu husingaperi, tarirai, tinotendeukira kuvahedheni. | Then Paul and Barnabas waxed bold, and said, It was necessary that the word of God should first have been spoken to you: but seeing ye put it from you, and judge yourselves unworthy of everlasting life, lo, we turn to the Gentiles. |
| 47 | Nokuti Ishe wakatiraira saizvozvo achiti: Ndakakugadza kuva chiedza chevahedheni, kuti uve weruponeso kusvikira kumugumo wenyika. | For so hath the Lord commanded us, saying, I have set thee to be a light of the Gentiles, that thou shouldest be for salvation unto the ends of the earth. |
| 48 | Zvino vahedheni vakati vachinzwa izvi vakafara, uye vakakudza shoko raIshe, neuwandu hwevese vakange vatarirwa upenyu husingaperi vakatenda; | And when the Gentiles heard this, they were glad, and glorified the word of the Lord: and as many as were ordained to eternal life believed. |
| 49 | uye shoko raIshe rikaparadzirwa kudunhu rese. | And the word of the Lord was published throughout all the region. |
| 50 | Asi VaJudha vakamutsa vakadzi vaishumira vaikudzwa, nevakuru veguta, vakamutsira Pauro naBhanabhasi rushusho, vakavadzinga kubva kumiganhu yavo. | But the Jews stirred up the devout and honourable women, and the chief men of the city, and raised persecution against Paul and Barnabas, and expelled them out of their coasts. |
| 51 | Asi ivo vakavazuzira guruva retsoka dzavo, vakasvika Ikonio. | But they shook off the dust of their feet against them, and came unto Iconium. |
| 52 | Zvino vadzidzi vakazadzwa nemufaro neMweya Mutsvene. | And the disciples were filled with joy, and with the Holy Ghost. |
Shona Bible — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GFDL · 출처 ↗
King James Version — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GPL