로그인

마태복음 4장 Shona Bible

Shona Bible · 쇼나어 · 마태복음 (Matthew) · 25절 · 대역: King James Version

절Shona BibleKing James Version
1 Zvino Jesu wakatungamirirwa neMweya kurenje kuti anoidzwa nadhiabhorosi. Then was Jesus led up of the Spirit into the wilderness to be tempted of the devil.
2 Zvino wakati atsanya mazuva makumi mana neusiku makumi mana, akazonzwa nzara. And when he had fasted forty days and forty nights, he was afterward an hungred.
3 Zvino muidzi wakati auya kwaari, akati: Kana uri Mwanakomana waMwari, raira kuti mabwe awa aite zvingwa. And when the tempter came to him, he said, If thou be the Son of God, command that these stones be made bread.
4 Asi iye wakapindura akati: Kwakanyorwa kuchinzi: Munhu haangararami nechingwa chega, asi neshoko rimwe nerimwe rinobuda mumuromo maMwari. But he answered and said, It is written, Man shall not live by bread alone, but by every word that proceedeth out of the mouth of God.
5 Zvino dhiabhorosi wakamutora akamuisa muguta dzvene, akamumisa pachiruvu chetembere, Then the devil taketh him up into the holy city, and setteth him on a pinnacle of the temple,
6 ndokuti kwaari: Kana uri Mwanakomana waMwari, zvikandire pasi; nokuti kwakanyorwa kuti: Iye acharaira vatumwa vake pamusoro pako, uye pamaoko vachakugamha, zvimwe ungagumbusa rutsoka rwako pabwe. And saith unto him, If thou be the Son of God, cast thyself down: for it is written, He shall give his angels charge concerning thee: and in their hands they shall bear thee up, lest at any time thou dash thy foot against a stone.
7 Jesu akati kwaari: Kwakanyorwa zvekare: Usaidza Ishe Mwari wako. Jesus said unto him, It is written again, Thou shalt not tempt the Lord thy God.
8 Dhiabhorosi akamuisazve pagomo refusa, akamuratidza ushe hwese hwenyika nekubwinya kwahwo. Again, the devil taketh him up into an exceeding high mountain, and sheweth him all the kingdoms of the world, and the glory of them;
9 Akati kwaari: Zvese zvinhu izvi ndichapa kwauri kana ukawira pasi ukandinamata. And saith unto him, All these things will I give thee, if thou wilt fall down and worship me.
10 Ipapo Jesu akati kwaari: Ibva, Satani, nokuti kwakanyorwa kuchinzi: Uchanamata Ishe Mwari wako, uchashumira iye oga. Then saith Jesus unto him, Get thee hence, Satan: for it is written, Thou shalt worship the Lord thy God, and him only shalt thou serve.
11 Ipapo dhiabhorosi akamusiya; zvino tarira, vatumwa vakauya vakamushandira. Then the devil leaveth him, and, behold, angels came and ministered unto him.
12 Zvino Jesu wakati anzwa kuti Johwani wakumikidzwa mutirongo, akabva akaenda Garirea. Now when Jesus had heard that John was cast into prison, he departed into Galilee;
13 Zvino wakabva Nazareta, akauya akagara muKapenaume riri pagungwa, mumiganhu yeZebhuruni neNafitarimi; And leaving Nazareth, he came and dwelt in Capernaum, which is upon the sea coast, in the borders of Zabulon and Nephthalim:
14 kuti zvizadziswe zvakarehwa naIsaya muporofita, achiti: That it might be fulfilled which was spoken by Esaias the prophet, saying,
15 Nyika yeZebhuruni nenyika yeNefitarimi, panzira yegungwa, mhiri kwaJoridhani, Garirea revahedheni; The land of Zabulon, and the land of Nephthalim, by the way of the sea, beyond Jordan, Galilee of the Gentiles;
16 vanhu vakange vagere murima vakaona chiedza chikuru; nevakange vagere panharaunda nemumumvuri werufu, chiedza chakabudira kwavari. The people which sat in darkness saw great light; and to them which sat in the region and shadow of death light is sprung up.
17 Kubvira panguva iyo Jesu wakatanga kuparidza nokuti: Tendeukai, nokuti ushe hwekumatenga hwaswedera. From that time Jesus began to preach, and to say, Repent: for the kingdom of heaven is at hand.
18 Zvino Jesu wakati achifamba-famba parutivi rwegungwa reGarirea akaona vanakomana vemunhu umwe vaviri, Simoni anonzi Petro, naAndiriya munin'ina wake, vachikandira mumbure mugungwa; nokuti vakange vari varedzi. And Jesus, walking by the sea of Galilee, saw two brethren, Simon called Peter, and Andrew his brother, casting a net into the sea: for they were fishers.
19 Akati kwavari: Nditeverei, ndigokuitai varedzi vevanhu. And he saith unto them, Follow me, and I will make you fishers of men.
20 Pakarepo vakasiya mimbure vakamutevera. And they straightway left their nets, and followed him.
21 Zvino wakati apfuurira kubva ipapo akaona vamwe vaviri vanakomana vemunhu umwe, Jakobho waZebhedhi naJohwani munin'ina wake muchikepe pamwe naZebhedhi baba vavo, vachigadzira mimbure yavo, akavadana. And going on from thence, he saw other two brethren, James the son of Zebedee, and John his brother, in a ship with Zebedee their father, mending their nets; and he called them.
22 Pakarepo vakasiya chikepe nababa vavo vakamutevera. And they immediately left the ship and their father, and followed him.
23 Jesu akapota neGarirea rese achidzidzisa mumasinagoge avo, nekuparidza evhangeri yeushe, achiporesa denda rega-rega neurwere hwega-hwega pavanhu. And Jesus went about all Galilee, teaching in their synagogues, and preaching the gospel of the kingdom, and healing all manner of sickness and all manner of disease among the people.
24 Shoko rake rikabudira kuSiriya yese; vakauisa kwaari varwere vese, vakabatwa nehosha dzakasiyana-siyana, nemarwadzo, nevakange vane madhimoni, nevaiva nezvipusha, nevakange vakafa mitezo; akavaporesa. And his fame went throughout all Syria: and they brought unto him all sick people that were taken with divers diseases and torments, and those which were possessed with devils, and those which were lunatick, and those that had the palsy; and he healed them.
25 Zvino zvaunga zvikuru zvakamutevera, vaibva Garirea, neDhekapori, neJerusarema, neJudhiya, nemhiri kwaJoridhani. And there followed him great multitudes of people from Galilee, and from Decapolis, and from Jerusalem, and from Judea, and from beyond Jordan.

Shona Bible — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GFDL · 출처 ↗
King James Version — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GPL