로그인

마태복음 3장 Shona Bible

Shona Bible · 쇼나어 · 마태복음 (Matthew) · 17절 · 대역: King James Version

절Shona BibleKing James Version
1 Pamazuva iwayo kwakauya Johwani Mubhabhatidzi, achiparidza murenje reJudhiya, In those days came John the Baptist, preaching in the wilderness of Judea,
2 uye achiti: Tendeukai; nokuti ushe hwematenga hwaswedera. And saying, Repent ye: for the kingdom of heaven is at hand.
3 Nokuti uyu ndiye wakarehwa nezvake naIsaya muporofita, achiti: Inzwi reanodanidzira murenje: Gadzirirai mugwagwa waIshe, ruramisai nzira dzake. For this is he that was spoken of by the prophet Esaias, saying, The voice of one crying in the wilderness, Prepare ye the way of the Lord, make his paths straight.
4 Uyuwo Johwani waiva nechipfeko chake chemakushe ekamera nebhanhire rechikumba rakapoteredza chiuno chake; nekudya kwake kwaiva mhashu neuchi hwedondo. And the same John had his raiment of camel’s hair, and a leathern girdle about his loins; and his meat was locusts and wild honey.
5 Zvino kwakabudira kwaari Jerusarema neJudhiya rese nedunhu rese rakapoteredza Joridhani; Then went out to him Jerusalem, and all Judea, and all the region round about Jordan,
6 ndokubhabhatidzwa naye muna Joridhani vachireurura zvivi zvavo. And were baptized of him in Jordan, confessing their sins.
7 Asi wakati achiona vazhinji veVaFarisi neVaSadhusi vachiuya kurubhabhatidzo rwake akati kwavari: Zvizvarwa zvenyoka, ndiani wakakuratidzirai kuti mutize hasha dzinouya? But when he saw many of the Pharisees and Sadducees come to his baptism, he said unto them, O generation of vipers, who hath warned you to flee from the wrath to come?
8 Naizvozvo berekai zvibereko zvakafanira kutendeuka. Bring forth therefore fruits meet for repentance:
9 Uye musafunga kutaura mukati menyu muchiti: Tina Abhurahama anova baba; nokuti ndinoti kwamuri: Mwari anokwanisa kubva pamabwe aya kumutsira Abhurahama vana. And think not to say within yourselves, We have Abraham to our father: for I say unto you, that God is able of these stones to raise up children unto Abraham.
10 Uye ikozvinowo sanhu ratoiswa pamudzi wemiti, naizvozvo muti umwe neumwe usingaiti chibereko chakanaka unotemwa ugokandirwa mumoto. And now also the axe is laid unto the root of the trees: therefore every tree which bringeth not forth good fruit is hewn down, and cast into the fire.
11 Ini zvirokwazvo ndinokubhabhatidzai nemvura mupinde mukutendeuka; asi uyo anouya shure kwangu ane simba kupfuura ini, wandisina kufanira kutakura shangu dzake; iye achakubhabhatidzai neMweya Mutsvene nemoto. I indeed baptize you with water unto repentance: but he that cometh after me is mightier than I, whose shoes I am not worthy to bear: he shall baptize you with the Holy Ghost, and with fire:
12 Ane rusero rwuri muruoko rwake, uye achachenesa buriro rake kwazvo, ndokuunganidzira zviyo zvake mudura, asi hundi achaipisa nemoto usingadzimiki. Whose fan is in his hand, and he will throughly purge his floor, and gather his wheat into the garner; but he will burn up the chaff with unquenchable fire.
13 Ipapo Jesu wakabva Garirea akasvika paJoridhani kuna Johwani, kuti abhabhatidzwe naye. Then cometh Jesus from Galilee to Jordan unto John, to be baptized of him.
14 Asi Johwani wakamurambidza achiti: Ini kunodikanwa kuti ndibhabhatidzwe nemwi, asi imwi mouya kwandiri? But John forbad him, saying, I have need to be baptized of thee, and comest thou to me?
15 Asi Jesu achipindura wakati kwaari: Tenda ikozvino, nokuti saizvozvo zvakatifanira kuti tizadzise kururama kwese. Ipapo akamutendera. And Jesus answering said unto him, Suffer it to be so now: for thus it becometh us to fulfil all righteousness. Then he suffered him.
16 Asi Jesu, wakati abhabhatidzwa, akakwira pakarepo achibva mumvura; zvino tarira, matenga akamuzarukira, ndokuona Mweya waMwari achiburuka senjiva, achiuya pamusoro pake. And Jesus, when he was baptized, went up straightway out of the water: and, lo, the heavens were opened unto him, and he saw the Spirit of God descending like a dove, and lighting upon him:
17 Zvino tarira, inzwi richibva kumatenga richiti: Uyu ndiye Mwanakomana wangu anodikanwa, wandinofara maari kwazvo. And lo a voice from heaven, saying, This is my beloved Son, in whom I am well pleased.

Shona Bible — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GFDL · 출처 ↗
King James Version — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GPL