로그인

마태복음 20장 Shona Bible

Shona Bible · 쇼나어 · 마태복음 (Matthew) · 34절 · 대역: King James Version

절Shona BibleKing James Version
1 Nokuti ushe hwekumatenga hwakafanana nemunhu, mwene weimba, wakabuda mangwanani-ngwanani kunopinza basa vashandi mumunda wake wemizambiringa. For the kingdom of heaven is like unto a man that is an householder, which went out early in the morning to hire labourers into his vineyard.
2 Wakati atenderana nevabati padhenario* pazuva, akavatuma kumunda wake wemizambiringa. And when he had agreed with the labourers for a penny a day, he sent them into his vineyard.
3 Akabuda neawa rinenge rechitatu, akaona vamwe vamire pamusika, vasina chekuita; And he went out about the third hour, and saw others standing idle in the marketplace,
4 akati kwavari: Endai imwiwo mumunda wemizambiringa, ndigokupai chero zvakafanira. Vakaendawo. And said unto them; Go ye also into the vineyard, and whatsoever is right I will give you. And they went their way.
5 Akabudazve neawa rinenge rechitanhatu nerepfumbamwe, akaita saizvozvo. Again he went out about the sixth and ninth hour, and did likewise.
6 Zvino neawa rinenge regumi nerimwe wakabuda, akawana vamwe vamire vasina chekuita, akati kwavari: Makamirirei pano zuva rese musina chekuita? And about the eleventh hour he went out, and found others standing idle, and saith unto them, Why stand ye here all the day idle?
7 Vakati kwaari: Nokuti hapana munhu wakatipinza basa. Akati kwavari: Endai nemwiwo mumunda wemizambiringa, muchagamuchira chero zvakafanira. They say unto him, Because no man hath hired us. He saith unto them, Go ye also into the vineyard; and whatsoever is right, that shall ye receive.
8 Kuzoti ava madekwani, mwene wemunda wemizambiringa wakati kumutariri wake: Dana vabati, uvape mubairo, uchitanga kune vekupedzisira, kusvikira kune vekutanga. So when even was come, the lord of the vineyard saith unto his steward, Call the labourers, and give them their hire, beginning from the last unto the first.
9 Zvino vakati vachiuya veawa rinenge regumi nerimwe, vakagamuchira umwe neumwe dhenario. And when they came that were hired about the eleventh hour, they received every man a penny.
10 Asi vekutanga vakati vachiuya, vakafunga kuti vachagamuchira zvakapfuura; asi ivowo vakagamuchira umwe neumwe dhenario. But when the first came, they supposed that they should have received more; and they likewise received every man a penny.
11 Vakati vagamuchira vakagunun'unira mwene weimba, And when they had received it, they murmured against the goodman of the house,
12 vachiti: Ava vekupedzisira vakabata awa rimwe chete, asi mavaenzanisa nesu takatakura mutoro wezuva nekupisa. Saying, These last have wrought but one hour, and thou hast made them equal unto us, which have borne the burden and heat of the day.
13 Asi wakapindura akati kune umwe wavo: Shamwari, handikuitiri zvisakarurama; hauna kutenderana here neni padhenario? But he answered one of them, and said, Friend, I do thee no wrong: didst not thou agree with me for a penny?
14 Tora zvako uende; ndinoda kupa kune uyu wekupedzisira sewewo. Take that thine is, and go thy way: I will give unto this last, even as unto thee.
15 Ko handitenderwi kuita zvandinoda nezvangu here? Ziso rako rakaipa, nokuti ini ndakanaka here? Is it not lawful for me to do what I will with mine own? Is thine eye evil, because I am good?
16 Saizvozvo vekupedzisira vachava vekutanga, nevekutanga vekupedzisira; nokuti vazhinji vakadanwa, asi vashoma vachasarudzwa. So the last shall be first, and the first last: for many be called, but few chosen.
17 Jesu wakati achikwira kuJerusarema akatora vadzidzi gumi nevaviri vari vega munzira, akati kwavari: And Jesus going up to Jerusalem took the twelve disciples apart in the way, and said unto them,
18 Tarira, tinokwira kuJerusarema, zvino Mwanakomana wemunhu achakumikidzwa kuvapristi vakuru nevanyori, vachamutongera rufu. Behold, we go up to Jerusalem; and the Son of man shall be betrayed unto the chief priests and unto the scribes, and they shall condemn him to death,
19 Vachamukumikidza kuvahedheni, kuti vasveveredze, varove netyava, nekuroverera pamuchinjikwa; asi nezuva retatu achamuka. And shall deliver him to the Gentiles to mock, and to scourge, and to crucify him: and the third day he shall rise again.
20 Zvino kwakauya kwaari mai vevanakomana vaZebhedhi nevanakomana vavo, vakanamata vachikumbira chimwe chinhu kwaari. Then came to him the mother of Zebedee’s children with her sons, worshipping him, and desiring a certain thing of him.
21 Akati kwavari: Munodei? Vakati kwaari: Taurai kuti vanakomana vangu ava vaviri vagare, umwe kuruoko rwenyu rwerudyi, umwe kuruboshwe, muushe hwenyu. And he said unto her, What wilt thou? She saith unto him, Grant that these my two sons may sit, the one on thy right hand, and the other on the left, in thy kingdom.
22 Asi Jesu akapindura, akati: Hamuzivi chamunokumbira. Mungagona kunwa mukombe wandava kuzonwa ini here, uye kubhabhatidzwa nerubhabhatidzo rwandinobhabhatidzwa narwo ini? Vakati kwaari: Tinogona. But Jesus answered and said, Ye know not what ye ask. Are ye able to drink of the cup that I shall drink of, and to be baptized with the baptism that I am baptized with? They say unto him, We are able.
23 Akati kwavari: Muchanwa zvirokwazvo mukombe wangu, nekubhabhatidzwa nerubhabhatidzo rwandinobhabhatidzwa narwo ini; asi kugara kuruoko rwangu rwerudyi, nekuruboshwe rwangu, hazvisi zvangu kuti ndipe, asi ndezvevakazvigadzirirwa naBaba vangu. And he saith unto them, Ye shall drink indeed of my cup, and be baptized with the baptism that I am baptized with: but to sit on my right hand, and on my left, is not mine to give, but it shall be given to them for whom it is prepared of my Father.
24 Vanegumi vakati vanzwa, vakatsamwira avo mukoma nemunin'ina vaviri. And when the ten heard it, they were moved with indignation against the two brethren.
25 Asi Jesu akavadanira kwaari, akati: Munoziva kuti vatungamiriri vevahedheni vanovatsikirira, nevakuru vanoratidza simba pamusoro pavo. But Jesus called them unto him, and said, Ye know that the princes of the Gentiles exercise dominion over them, and they that are great exercise authority upon them.
26 Asi hazvingazodaro pakati penyu; asi ani nani anoda kuva mukuru pakati penyu, ngaave mushandiri wenyu. But it shall not be so among you: but whosoever will be great among you, let him be your minister;
27 Zvino ani nani anoda kuva wekutanga pakati penyu, ngaave muranda wenyu. And whosoever will be chief among you, let him be your servant:
28 SeMwanakomana wemunhu haana kuuya kuzoshandirwa, asi kuzoshandira, nekupa upenyu hwake huve rudzikunuro rwevazhinji. Even as the Son of man came not to be ministered unto, but to minister, and to give his life a ransom for many.
29 Vakati vachibuda kubva Jeriko, chaunga chikuru chikamutevera. And as they departed from Jericho, a great multitude followed him.
30 Zvino tarira, mapofu maviri agere parutivi rwenzira, akati achinzwa kuti Jesu wopfuura, akadanidzira, achiti: Tinzwirei tsitsi, Ishe, Mwanakomana waDhavhidhi! And, behold, two blind men sitting by the way side, when they heard that Jesus passed by, cried out, saying, Have mercy on us, O Lord, thou Son of David.
31 Chaunga chikaatsiura kuti anyarare; asi akanyanya kudanidzira, achiti: Tinzwirei tsitsi, Ishe, Mwanakomana waDhavhidhi! And the multitude rebuked them, because they should hold their peace: but they cried the more, saying, Have mercy on us, O Lord, thou Son of David.
32 Jesu ndokumira, akaadana, akati: Munoda kuti ndikuitirei? And Jesus stood still, and called them, and said, What will ye that I shall do unto you?
33 Akati kwaari: Ishe, kuti meso edu asvinudzwe. They say unto him, Lord, that our eyes may be opened.
34 Jesu akanzwa tsitsi, akabata meso awo; pakarepo meso awo akaonazve, akamutevera. So Jesus had compassion on them, and touched their eyes: and immediately their eyes received sight, and they followed him.

Shona Bible — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GFDL · 출처 ↗
King James Version — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GPL