마가복음 15장 Shona Bible
Shona Bible · 쇼나어 · 마가복음 (Mark) · 47절 · 대역: King James Version
| 절 | Shona Bible | King James Version |
|---|---|---|
| 1 | Zvino pakarepo mangwanani-ngwanani vapristi vakuru vakaita zano nevakuru nevanyori nedare remakurukota rese, vakasunga Jesu, vakamutakura, vakamukumikidza kuna Pirato. | And straightway in the morning the chief priests held a consultation with the elders and scribes and the whole council, and bound Jesus, and carried him away, and delivered him to Pilate. |
| 2 | Pirato ndokumubvunza achiti: Iwe uri Mambo weVaJudha here? Akapindura, akati kwaari: Unoreva iwe. | And Pilate asked him, Art thou the King of the Jews? And he answering said unto him, Thou sayest it. |
| 3 | Vapristi vakuru vakamupomera zvinhu zvizhinji, asi iye haana kupindura chinhu. | And the chief priests accused him of many things: but he answered nothing. |
| 4 | Pirato akamubvunzazve achiti: Haupinduri chinhu here? Tarira, zvinhu zvingani zvavanokupupurira! | And Pilate asked him again, saying, Answerest thou nothing? behold how many things they witness against thee. |
| 5 | Asi Jesu haana kuzopindurazve chinhu, zvekuti Pirato wakashamisika. | But Jesus yet answered nothing; so that Pilate marvelled. |
| 6 | Zvino pamabiko waivasunungurira musungwa umwe, chero upi wavanenge vakumbira. | Now at that feast he released unto them one prisoner, whomsoever they desired. |
| 7 | Zvino kwakange kune wainzi Bharabhasi, akasungwa pamwe nevakange vamutsa mhirizhonga naye, vakange vaita umhondi pamhirizhonga iyoyo. | And there was one named Barabbas, which lay bound with them that had made insurrection with him, who had committed murder in the insurrection. |
| 8 | Zvino chaunga chakadanidzira, vakatanga kukumbira kuti aite sezvaaigarovaitira. | And the multitude crying aloud began to desire him to do as he had ever done unto them. |
| 9 | Asi Pirato akavapindura, achiti: Munoda kuti ndikusunungurirei Mambo weVaJudha here? | But Pilate answered them, saying, Will ye that I release unto you the King of the Jews? |
| 10 | Nokuti wakange achiziva kuti vapristi vakuru vakange vamutengesa negodo. | For he knew that the chief priests had delivered him for envy. |
| 11 | Asi vapristi vakuru vakamutsa chaunga, kuti zviri nani avasunungurire Bharabhasi. | But the chief priests moved the people, that he should rather release Barabbas unto them. |
| 12 | Pirato akapindura akatizve kwavari: Naizvozvo munoda kuti ndimuitirei, wamunoti ndiMambo weVaJudha? | And Pilate answered and said again unto them, What will ye then that I shall do unto him whom ye call the King of the Jews? |
| 13 | Vakadanidzirazve vachiti: Murovere pamuchinjikwa! | And they cried out again, Crucify him. |
| 14 | Asi Pirato akati kwavari: Nemhaka yei? Wakaita chakaipa chei? Vakanyanyisa kudanidzira vachiti: Muroverere pamuchinjikwa! | Then Pilate said unto them, Why, what evil hath he done? And they cried out the more exceedingly, Crucify him. |
| 15 | Zvino Pirato, achida kuti agutse chaunga, akavasunungurira Bharabhasi; ndokukumikidza Jesu kwavari, amurova netyava, kuti arovererwe pamuchinjikwa. | And so Pilate, willing to content the people, released Barabbas unto them, and delivered Jesus, when he had scourged him, to be crucified. |
| 16 | Zvino mauto akamuisa mukati mechivanze, chinova imba yemutungamiriri, akadanira hondo yese pamwe; | And the soldiers led him away into the hall, called Pretorium; and they call together the whole band. |
| 17 | vakamupfekedza zvine ruvara rwehute, vakaruka korona yeminzwa, vakaisa paari. | And they clothed him with purple, and platted a crown of thorns, and put it about his head, |
| 18 | Vakatanga kumukwazisa, vachiti: Hekanhi, Mambo weVaJudha! | And began to salute him, Hail, King of the Jews! |
| 19 | Vakamurova musoro nerutsanga, vakamupfira, vakafugama mabvi, vakamunamata. | And they smote him on the head with a reed, and did spit upon him, and bowing their knees worshipped him. |
| 20 | Zvino vakati vamuseka, vakamubvisa zveruvara rwehute, ndokumupfekedza nguvo dzake pachake, vakabuda naye kunomuroverera pamuchinjikwa. | And when they had mocked him, they took off the purple from him, and put his own clothes on him, and led him out to crucify him. |
| 21 | Vakamanikidza umwe waipfuura wainzi Simoni muKurini, achibva kuruwa, baba vaArekizandiro naRufo, kuti atakure muchinjikwa wake. | And they compel one Simon a Cyrenian, who passed by, coming out of the country, the father of Alexander and Rufus, to bear his cross. |
| 22 | Vakamuisa kunzvimbo yainzi Gorogota, ndokuti kana zvichishandurwa: Nzvimbo yedehenya. | And they bring him unto the place Golgotha, which is, being interpreted, The place of a skull. |
| 23 | Vakamupa waini yakavhenganiswa nemura kuti anwe, asi haana kugamuchira. | And they gave him to drink wine mingled with myrrh: but he received it not. |
| 24 | Zvino vakati vamuroverera pamuchinjikwa, vakagovana nguvo dzake, vachikanda mujenya pamusoro padzo, kuti umwe neumwe achatorei. | And when they had crucified him, they parted his garments, casting lots upon them, what every man should take. |
| 25 | Rakange rava awa rechitatu, vakabva vamuroverera pamuchinjikwa. | And it was the third hour, and they crucified him. |
| 26 | Nerugwaro rwemhosva yake rwakange rwakanyorwa pamusoro, rwuchiti: MAMBO WEVAJUDHA. | And the superscription of his accusation was written over, THE KING OF THE JEWS. |
| 27 | Pamwe naye vakaroverera pamuchinjikwa makororo maviri, umwe kuruoko rwerudyi, neumwe kuruboshwe rwake. | And with him they crucify two thieves; the one on his right hand, and the other on his left. |
| 28 | Rugwaro rukazadzisika, rwunoti: Wakaverengwa pamwe nevasina murairo. | And the scripture was fulfilled, which saith, And he was numbered with the transgressors. |
| 29 | Nevaipfuura vakamutuka, vachidzungudza misoro yavo, vachiti: Ehe-e, iwe unoputsa tembere, nekuivaka nemazuva matatu, | And they that passed by railed on him, wagging their heads, and saying, Ah, thou that destroyest the temple, and buildest it in three days, |
| 30 | zviponese, uburuke pamuchinjikwa! | Save thyself, and come down from the cross. |
| 31 | Saizvozvo vapristiwo vakuru vakamuseka pamwe nevanyori pakati pavo, vachiti: Wakaponesa vamwe, haagoni kuzviponesa. | Likewise also the chief priests mocking said among themselves with the scribes, He saved others; himself he cannot save. |
| 32 | Kristu Mambo waIsraeri ngaaburuke ikozvino pamuchinjikwa, kuti tione titende. Nevakange varovererwa pamuchinjikwa pamwe naye vakamunyomba. | Let Christ the King of Israel descend now from the cross, that we may see and believe. And they that were crucified with him reviled him. |
| 33 | Zvino awa rechitanhatu rakati rasvika, rima rikavapo panyika yese kusvikira paawa repfumbamwe. | And when the sixth hour was come, there was darkness over the whole land until the ninth hour. |
| 34 | Zvino neawa repfumbamwe, Jesu akadana nenzwi guru, achiti: "Eroi, Eroi, rama sabhakitani!" Ndokuti, kana zvichishandurwa: Mwari wangu, Mwari wangu, mandisiirei? | And at the ninth hour Jesus cried with a loud voice, saying, Eloi, Eloi, lama sabachthani? which is, being interpreted, My God, my God, why hast thou forsaken me? |
| 35 | Vamwe vevakange vamirepo vakati vachizvinzwa, vakati: Tarirai, anodana Eria. | And some of them that stood by, when they heard it, said, Behold, he calleth Elias. |
| 36 | Ipapo umwe wakamhanya, akazadza chipanje nevhiniga, akaisa parutsanga, akamupa kuti anwe, achiti: Regai, tione kana Eria achiuya kumuburusa. | And one ran and filled a spunge full of vinegar, and put it on a reed, and gave him to drink, saying, Let alone; let us see whether Elias will come to take him down. |
| 37 | Ipapo Jesu akadanidzira nenzwi guru akapa mweya. | And Jesus cried with a loud voice, and gave up the ghost. |
| 38 | Vheiri retembere rikabvaruka kuita mapandi maviri, kubva kumusoro kusvikira pasi. | And the veil of the temple was rent in twain from the top to the bottom. |
| 39 | Zvino mukuru wezana wakange amirepo pakatarisana naye, wakati achiona kuti wadanidzira zvakadaro akapa mweya, akati: Zvirokwazvo, munhu uyu wanga ari Mwanakomana waMwari. | And when the centurion, which stood over against him, saw that he so cried out, and gave up the ghost, he said, Truly this man was the Son of God. |
| 40 | Uye kwakange kune vakadziwo vakatarira vari kure, pakati pavo pakange pana Maria Magidhariniwo, naMaria mai vaJakobho mudiki naJose, naSarome, | There were also women looking on afar off: among whom was Mary Magdalene, and Mary the mother of James the less and of Joses, and Salome; |
| 41 | (avowo vaimutevera achiri muGarirea, vachimushandira), nevamwe vakadzi vazhinji vakange vakwira kuJerusarema naye. | (Who also, when he was in Galilee, followed him, and ministered unto him;) and many other women which came up with him unto Jerusalem. |
| 42 | Zvino atova manheru, zvarakange riri gadziriro, ndokuti zuva rinotangira sabata, | And now when the even was come, because it was the preparation, that is, the day before the sabbath, |
| 43 | Josefa waiva weArimatia, nhengo yedare yairemekedzwa, wakange akamirirawo pachake ushe hwaMwari; wakauya akapinda kuna Pirato akatsunga, akakumbira chitunha chaJesu. | Joseph of Arimathea, an honourable counsellor, which also waited for the kingdom of God, came, and went in boldly unto Pilate, and craved the body of Jesus. |
| 44 | Pirato akashamisika nokuti wakange atofa; akadanira kwaari mukuru wezana, akamubvunza kana akange ava nenguva afa. | And Pilate marvelled if he were already dead: and calling unto him the centurion, he asked him whether he had been any while dead. |
| 45 | Zvino wakati azvinzwa nemukuru wezana, akapa Josefa chitunha. | And when he knew it of the centurion, he gave the body to Joseph. |
| 46 | Akatenga mucheka wakaisvonaka, akamuburusa, akamuputira nemucheka wakapfava, ndokumuradzika muguva rakange rakacherwa muruware, ndokukungurusira ibwe pamukova weguva. | And he bought fine linen, and took him down, and wrapped him in the linen, and laid him in a sepulchre which was hewn out of a rock, and rolled a stone unto the door of the sepulchre. |
| 47 | Zvino Maria Magidharini, naMaria mai vaJose, vakaona paakaradzikwa. | And Mary Magdalene and Mary the mother of Joses beheld where he was laid. |
Shona Bible — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GFDL · 출처 ↗
King James Version — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GPL