마가복음 14장 Shona Bible
Shona Bible · 쇼나어 · 마가복음 (Mark) · 72절 · 대역: King James Version
| 절 | Shona Bible | King James Version |
|---|---|---|
| 1 | Shure kwemazuva maviri kwaiva nepasika nemutambo wechingwa chisina mbiriso; vapristi vakuru nevanyori ndokutsvaka kuti vangamubata sei nekunyengera vamuuraye. | After two days was the feast of the passover, and of unleavened bread: and the chief priests and the scribes sought how they might take him by craft, and put him to death. |
| 2 | Asi vakati: Kwete pamutambo, zvimwe kungava nebongozozo revanhu. | But they said, Not on the feast day, lest there be an uproar of the people. |
| 3 | Zvino wakati ari paBhetaniya, mumba maSimoni wemaperembudzi, agere pakudya, kwakauya mukadzi, ane chinu chearibhasiteri* chechizoro chenaridho* chaiyo chakakosha zvikuru; akaputsa chinu chearibhasiteri, akachidurura pamusoro wake. | And being in Bethany in the house of Simon the leper, as he sat at meat, there came a woman having an alabaster box of ointment of spikenard very precious; and she brake the box, and poured it on his head. |
| 4 | Asi kwaiva nevamwe vakatsamwa mukati mavo, vakati: Kutambisa ikoku kwechizoro kwaitirwei? | And there were some that had indignation within themselves, and said, Why was this waste of the ointment made? |
| 5 | Nokuti ichi chingadai chatengeswa nemadhenario* anopfuura mazana matatu, akapiwa varombo. Vakamutsiura nehasha. | For it might have been sold for more than three hundred pence, and have been given to the poor. And they murmured against her. |
| 6 | Asi Jesu wakati: Musiyei; munomutambudzirei? Waitira ini basa rakanaka. | And Jesus said, Let her alone; why trouble ye her? she hath wrought a good work on me. |
| 7 | Nokuti varombo munavo nguva dzese, uye nguva ipi neipi yamunoda, munogona kuvaitira zvakanaka; asi ini hamuneni nguva dzese. | For ye have the poor with you always, and whensoever ye will ye may do them good: but me ye have not always. |
| 8 | Waita zvaanogona; wakagara azodzera muviri wangu kuvigwa. | She hath done what she could: she is come aforehand to anoint my body to the burying. |
| 9 | Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Kwese-kwese kuchaparidzirwa evhangeri iyi panyika yese, zvaakaitawo zvicharehwa, chive chirangaridzo chake. | Verily I say unto you, Wheresoever this gospel shall be preached throughout the whole world, this also that she hath done shall be spoken of for a memorial of her. |
| 10 | Zvino Judhasi Isikariyoti, umwe wevanegumi nevaviri, wakaenda kuvapristi vakuru, kuti amutengese kwavari. | And Judas Iscariot, one of the twelve, went unto the chief priests, to betray him unto them. |
| 11 | Uye vakati vachizvinzwa, vakafara, vakavimbisa kumupa mari. Akatsvaka kuti angamutengesa sei panguva yakafanira. | And when they heard it, they were glad, and promised to give him money. And he sought how he might conveniently betray him. |
| 12 | Nezuva rekutanga rechingwa chisina mbiriso, pavaibaya pasika, vadzidzi vake vakati kwaari: Ndekupi kwamunoda kuti tiende kunogadzirira kuti mudye pasika? | And the first day of unleavened bread, when they killed the passover, his disciples said unto him, Where wilt thou that we go and prepare that thou mayest eat the passover? |
| 13 | Akatuma vaviri vevadzidzi vake, akati kwavari: Endai muguta, zvino munhu achasangana nemwi akatakura chirongo chemvura; mumutevere, | And he sendeth forth two of his disciples, and saith unto them, Go ye into the city, and there shall meet you a man bearing a pitcher of water: follow him. |
| 14 | uye chero paanenge apinda, muti kumwene weimba: Mudzidzisi wati: Imba yevaeni iripi, pandichadyira pasika nevadzidzi vangu? | And wheresoever he shall go in, say ye to the goodman of the house, The Master saith, Where is the guestchamber, where I shall eat the passover with my disciples? |
| 15 | Uye iye achakutaridzai imba huru yekumusoro yakarongedzwa, yakagadzirwa; tigadzirirei ipapo. | And he will shew you a large upper room furnished and prepared: there make ready for us. |
| 16 | Vadzidzi vake vakabuda, vakasvika muguta, vakawana sezvaakange areva kwavari; vakagadzirira pasika. | And his disciples went forth, and came into the city, and found as he had said unto them: and they made ready the passover. |
| 17 | Kuzoti ava madekwani wakasvika nevanegumi nevaviri. | And in the evening he cometh with the twelve. |
| 18 | Zvino vakati vagara vachidya, Jesu akati: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Umwe wenyu anodya neni achanditengesa. | And as they sat and did eat, Jesus said, Verily I say unto you, One of you which eateth with me shall betray me. |
| 19 | Ndokubva vatanga kushungurudzika, umwe neumwe akati kwaari: Zvirokwazvo handisi ini, ndizvo here? Neumwe: Zvirokwazvo handisi ini, ndizvo here? | And they began to be sorrowful, and to say unto him one by one, Is it I? and another said, Is it I? |
| 20 | Asi wakapindura akati kwavari: Umwe wevanegumi nevaviri, anoseva neni mundiro. | And he answered and said unto them, It is one of the twelve, that dippeth with me in the dish. |
| 21 | Mwanakomana wemunhu anoenda zvirokwazvo, sezvazvakanyorwa pamusoro pake; asi ane nhamo munhu uyo, Mwanakomana wemunhu waanotengeswa naye! Zvaiva nani kwaari kana munhu uyo aiva asina kuzvarwa. | The Son of man indeed goeth, as it is written of him: but woe to that man by whom the Son of man is betrayed! good were it for that man if he had never been born. |
| 22 | Zvino vakati vachidya, Jesu akatora chingwa, akaropafadza, akamedura, ndokupa kwavari, akati: Torai, idyai, ichi ndicho muviri wangu. | And as they did eat, Jesus took bread, and blessed, and brake it, and gave to them, and said, Take, eat: this is my body. |
| 23 | Akatora mukombe, akati avonga akapa kwavari, vakanwa vese pauri. | And he took the cup, and when he had given thanks, he gave it to them: and they all drank of it. |
| 24 | Zvino akati kwavari: Iri iropa rangu, iro resungano itsva, rinoteurirwa vazhinji. | And he said unto them, This is my blood of the new testament, which is shed for many. |
| 25 | Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Handichazotongonwi zvechibereko chemuzambiringa, kusvikira zuva iro randichazochinwa naro chava chitsva muushe hwaMwari. | Verily I say unto you, I will drink no more of the fruit of the vine, until that day that I drink it new in the kingdom of God. |
| 26 | Zvino vakati vaimba rwiyo rwekurumbidza vakabuda vakaenda kugomo reMiorivhi. | And when they had sung an hymn, they went out into the mount of Olives. |
| 27 | Zvino Jesu akati kwavari: Mese muchagumburwa nekuda kwangu usiku huno, nokuti kwakanyorwa kuchinzi: Ndicharova mufudzi, makwai agopararira. | And Jesus saith unto them, All ye shall be offended because of me this night: for it is written, I will smite the shepherd, and the sheep shall be scattered. |
| 28 | Asi shure kwekumutswa kwangu, ndichakutungamirirai kuenda kuGarirea. | But after that I am risen, I will go before you into Galilee. |
| 29 | Asi Petro wakati kwaari: Kunyange vese vakagumburwa, asi kwete ini. | But Peter said unto him, Although all shall be offended, yet will not I. |
| 30 | Jesu ndokuti kwaari: Zvirokwazvo ndinoti kwauri: Nhasi, neusiku huno, jongwe risati rarira kaviri, uchandiramba katatu. | And Jesus saith unto him, Verily I say unto thee, That this day, even in this night, before the cock crow twice, thou shalt deny me thrice. |
| 31 | Asi iye wakareva zvakanyanya kusimba, achiti: Kunyange ndikatofanira kufa nemwi, handingatongokurambiyi. Nevesewo vakadaro. | But he spake the more vehemently, If I should die with thee, I will not deny thee in any wise. Likewise also said they all. |
| 32 | Zvino vakasvika panzvimbo yainzi Getsemani; akati kuvadzidzi vake: Garai pano, ndichinonyengetera. | And they came to a place which was named Gethsemane: and he saith to his disciples, Sit ye here, while I shall pray. |
| 33 | Akatora pamwe naye Petro naJakobho naJohwani, akatanga kuvhunduka nekunetseka zvikuru. | And he taketh with him Peter and James and John, and began to be sore amazed, and to be very heavy; |
| 34 | Akati kwavari: Mweya wangu unoshungurudzika kwazvo kusvikira pakufa; garai pano murinde. | And saith unto them, My soul is exceeding sorrowful unto death: tarry ye here, and watch. |
| 35 | Akapfuura zvishoma, akawira pasi, akanyengetera, kuti kana zvaibvira, nguva ipfuure kwaari. | And he went forward a little, and fell on the ground, and prayed that, if it were possible, the hour might pass from him. |
| 36 | Zvino akati: Abha*, Baba, zvinhu zvese zvinogoneka kwamuri. Bvisai mukombe uyu kwandiri, asi kwete zvandinoda ini, asi zvamunoda imwi. | And he said, Abba, Father, all things are possible unto thee; take away this cup from me: nevertheless not what I will, but what thou wilt. |
| 37 | Zvino akasvika, akavawana varere; akati kuna Petro: Simoni, urere here? Wakonewa kurinda awa rimwe here? | And he cometh, and findeth them sleeping, and saith unto Peter, Simon, sleepest thou? couldest not thou watch one hour? |
| 38 | Rindai munyengetere, kuti murege kupinda mumuedzo. Mweya unoda hawo, asi nyama ine utera. | Watch ye and pray, lest ye enter into temptation. The spirit truly is ready, but the flesh is weak. |
| 39 | Akaendazve, akanyengetera achireva mashoko mamwechete. | And again he went away, and prayed, and spake the same words. |
| 40 | Zvino paakadzoka, akavawana vararazve, nokuti meso avo akange orema; vakasaziva zvavangamupindura. | And when he returned, he found them asleep again, (for their eyes were heavy,) neither wist they what to answer him. |
| 41 | Akauya rwechitatu, akati kwavari: Chirambai murere zvino muzorore. Zvaringana; nguva yasvika; tarirai, Mwanakomana wemunhu wokumikidzwa mumaoko avatadzi. | And he cometh the third time, and saith unto them, Sleep on now, and take your rest: it is enough, the hour is come; behold, the Son of man is betrayed into the hands of sinners. |
| 42 | Simukai, tiende; tarirai, wonditengesa wava pedo. | Rise up, let us go; lo, he that betrayeth me is at hand. |
| 43 | Pakarepo achataura, Judhasi wakasvika, umwe wevanegumi nevaviri, chaunga chikuru chinaye chine minondo netsvimbo, chichibva kuvapristi vakuru nevanyori nevakuru. | And immediately, while he yet spake, cometh Judas, one of the twelve, and with him a great multitude with swords and staves, from the chief priests and the scribes and the elders. |
| 44 | Zvino iye wakamutengesa wakange avapa chiratidzo, achiti: Uyo wandinongotsvoda ndiye; mumutore muende naye makamuchengetedza. | And he that betrayed him had given them a token, saying, Whomsoever I shall kiss, that same is he; take him, and lead him away safely. |
| 45 | Zvino wakati asvika, pakarepo akaswedera kwaari akati: Rabhi*! Rabhi! Akamutsvoda. | And as soon as he was come, he goeth straightway to him, and saith, Master, master; and kissed him. |
| 46 | Vakabva vaisa maoko avo kwaari, vakamubata. | And they laid their hands on him, and took him. |
| 47 | Zvino umwe wevakange vamirepo wakavhomora munondo akatema muranda wemupristi mukuru, akagura nzeve yake. | And one of them that stood by drew a sword, and smote a servant of the high priest, and cut off his ear. |
| 48 | Zvino Jesu akapindura akati kwavari: Mabuda semakanangana negororo neminondo netsvimbo kuzondibata here? | And Jesus answered and said unto them, Are ye come out, as against a thief, with swords and with staves to take me? |
| 49 | Ndakange ndinemwi mutembere zuva nezuva ndichidzidzisa, asi hamuna kundibata, asi izvi zvaitwa kuti magwaro azadziswe. | I was daily with you in the temple teaching, and ye took me not: but the scriptures must be fulfilled. |
| 50 | Vese ndokumusiya vakatiza. | And they all forsook him, and fled. |
| 51 | Zvino rimwe jaya rakamutevera, rakamonera mucheka werineni rakashama. Majaya akaribata; | And there followed him a certain young man, having a linen cloth cast about his naked body; and the young men laid hold on him: |
| 52 | ndokubva rasiya mucheka werineni, rikavatiza rakashama. | And he left the linen cloth, and fled from them naked. |
| 53 | Zvino vakaendesa Jesu kumupristi mukuru; vakaunganira kwaari vapristi vakuru vese nevakuru nevanyori. | And they led Jesus away to the high priest: and with him were assembled all the chief priests and the elders and the scribes. |
| 54 | Petro akamutevera ari kure kusvikira mukati mechivanze chemupristi mukuru; akange agere pamwe nevaranda, achidziya moto. | And Peter followed him afar off, even into the palace of the high priest: and he sat with the servants, and warmed himself at the fire. |
| 55 | Zvino vapristi vakuru nedare rese remakurukota vakatsvaka uchapupu hwakanangana naJesu, kuti vamuuraye; asi havana kuhuwana. | And the chief priests and all the council sought for witness against Jesus to put him to death; and found none. |
| 56 | Nokuti vazhinji vaimupupurira nhema, asi uchapupu hauna kupindirana. | For many bare false witness against him, but their witness agreed not together. |
| 57 | Ndokubva kwasimuka vamwe vakamupupurira nhema vachiti: | And there arose certain, and bare false witness against him, saying, |
| 58 | Isu takamunzwa achiti: Ini ndichaputsa tembere iyi yakaitwa nemaoko, uye mumazuva matatu ndichavaka imwe isina kuitwa nemaoko. | We heard him say, I will destroy this temple that is made with hands, and within three days I will build another made without hands. |
| 59 | Asi kunyange zvakadaro uchapupu hwavo hauna kupindirana. | But neither so did their witness agree together. |
| 60 | Zvino mupristi mukuru wakasimuka pakati pavo, akabvunza Jesu, achiti: Haupinduri chinhu here? Vanopupurei ava chakanangana newe? | And the high priest stood up in the midst, and asked Jesus, saying, Answerest thou nothing? what is it which these witness against thee? |
| 61 | Asi wakanyarara, akasapindura chinhu. Mupristi mukuru akamubvunzazve, akati kwaari: Iwe uri Kristu, Mwanakomana weWakaropafadzwa here? | But he held his peace, and answered nothing. Again the high priest asked him, and said unto him, Art thou the Christ, the Son of the Blessed? |
| 62 | Jesu akati: Ndini iye. Uye muchaona Mwanakomana wemunhu agere kuruoko rwerudyi rwesimba, achiuya nemakore ekudenga. | And Jesus said, I am: and ye shall see the Son of man sitting on the right hand of power, and coming in the clouds of heaven. |
| 63 | Mupristi mukuru ndokubvarura nguvo dzake akati: Tichiri kudirei zvapupu? | Then the high priest rent his clothes, and saith, What need we any further witnesses? |
| 64 | Manzwa kunyomba; munofungei? Zvino vese vakamurasa kuti ave nemhosva yerufu. | Ye have heard the blasphemy: what think ye? And they all condemned him to be guilty of death. |
| 65 | Vamwe vakatanga kumupfira, nekufukidza chiso chake, nekumurova netsiva, nokuti kwaari: Porofita! Varanda vakamurova nembama dzamaoko. | And some began to spit on him, and to cover his face, and to buffet him, and to say unto him, Prophesy: and the servants did strike him with the palms of their hands. |
| 66 | Zvino Petro achiri pachivanze pasi, kwakasvika umwe wevarandakadzi vemupristi mukuru; | And as Peter was beneath in the palace, there cometh one of the maids of the high priest: |
| 67 | achiona Petro achidziya moto, akamutarira akati: Iwewo wakange una Jesu weNazareta. | And when she saw Peter warming himself, she looked upon him, and said, And thou also wast with Jesus of Nazareth. |
| 68 | Asi wakaramba, achiti: Handizivi kana kunzwisisa zvaunoreva. Akabuda panze akaenda kumusuwo; jongwe rikarira. | But he denied, saying, I know not, neither understand I what thou sayest. And he went out into the porch; and the cock crew. |
| 69 | Zvino murandakadzi akamuonazve, akatanga kuti kuna vakange vamirepo: Uyu ndewavo. | And a maid saw him again, and began to say to them that stood by, This is one of them. |
| 70 | Asi wakarambazve. Zvino shure kwechinguvana, vakange vamirepo vakatizve kuna Petro: Zvirokwazvo, uri wavo, nokuti newe uri muGarirea nemutauro wako unotenderana nazvo. | And he denied it again. And a little after, they that stood by said again to Peter, Surely thou art one of them: for thou art a Galilean, and thy speech agreeth thereto. |
| 71 | Akatanga kutuka nekupika, achiti: Handimuzivi munhu uyu wamunoreva. | But he began to curse and to swear, saying, I know not this man of whom ye speak. |
| 72 | Zvino jongwe rikarira rwechipiri. Petro ndokurangarira shoko Jesu raakange areva kwaari rekuti: Jongwe risati rarira kaviri, uchandiramba katatu. Zvino wakati achifunga izvozvo akachema. | And the second time the cock crew. And Peter called to mind the word that Jesus said unto him, Before the cock crow twice, thou shalt deny me thrice. And when he thought thereon, he wept. |
Shona Bible — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GFDL · 출처 ↗
King James Version — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GPL