로그인

마가복음 11장 Shona Bible

Shona Bible · 쇼나어 · 마가복음 (Mark) · 33절 · 대역: King James Version

절Shona BibleKing James Version
1 Vakati vasvika pedo neJerusarema, paBhetifage neBhetaniya, pagomo reMiorivhi, akatuma vaviri vevadzidzi vake, And when they came nigh to Jerusalem, unto Bethphage and Bethany, at the mount of Olives, he sendeth forth two of his disciples,
2 akati kwavari: Fambai muende kumusha wakatarisana nemwi; pakarepo kana muchipinda mauri, muchawana dhongwana rakasungirwa, risina munhu wakamborigara; murisunugure, mugouya naro. And saith unto them, Go your way into the village over against you: and as soon as ye be entered into it, ye shall find a colt tied, whereon never man sat; loose him, and bring him.
3 Kana munhu akati kwamuri: Munoitirei izvi? Muti: Ishe anorida. Pakarepo acharitumira pano. And if any man say unto you, Why do ye this? say ye that the Lord hath need of him; and straightway he will send him hither.
4 Vakaenda, vakanowana dhongwana rakasungirwa pamukova kunze, panzira yemumusha; vakarisunungura. And they went their way, and found the colt tied by the door without in a place where two ways met; and they loose him.
5 Vamwe vevakange vamirepo vakati kwavari: Munoitei muchisunungura dhongwana? And certain of them that stood there said unto them, What do ye, loosing the colt?
6 Vakavaudza Jesu sezvaakaraira; vakavarega vachienda. And they said unto them even as Jesus had commanded: and they let them go.
7 Zvino vakauya nedhongwana kuna Jesu, vakakandira nguvo dzavo pamusoro paro, akagara pamusoro paro. And they brought the colt to Jesus, and cast their garments on him; and he sat upon him.
8 Nevazhinji vakawarira nguvo dzavo munzira, nevamwe vakatema masanzu kubva pamiti vakawarira munzira. And many spread their garments in the way: and others cut down branches off the trees, and strawed them in the way.
9 Zvino avo vakange vachitungamira nevakange vachitevera vakadanidzira, vachiti: Hosana*! Wakaropafadzwa anouya muzita raIshe; And they that went before, and they that followed, cried, saying, Hosanna; Blessed is he that cometh in the name of the Lord:
10 hwakaropafadzwa ushe hwababa vedu Dhavhidhi, hunouya muzita raIshe! Hosana kumusoro-soro! Blessed be the kingdom of our father David, that cometh in the name of the Lord: Hosanna in the highest.
11 Jesu ndokupinda muJerusarema, nemutembere; akati aringa-ringa zvinhu zvese, yava nguva yemadekwani, akabuda, akaenda kuBhetaniya nevanegumi nevaviri. And Jesus entered into Jerusalem, and into the temple: and when he had looked round about upon all things, and now the eventide was come, he went out unto Bethany with the twelve.
12 Uye mangwana vachibuda kubva Bhetaniya, akanzwa nzara. And on the morrow, when they were come from Bethany, he was hungry:
13 Wakati achiona muonde uri kure, une mashizha, akaendako achiti zvimwe angawana chinhu pauri; asi asvika pauri haana kuwana chinhu kunze kwemashizha; nokuti yakange isiri nguva yemaonde. And seeing a fig tree afar off having leaves, he came, if haply he might find any thing thereon: and when he came to it, he found nothing but leaves; for the time of figs was not yet.
14 Zvino Jesu akapindura, akati kwauri: Kusava nemunhu anozodyazve zvibereko pauri kusvika kusingaperi. Vadzidzi vake vakazvinzwa. And Jesus answered and said unto it, No man eat fruit of thee hereafter for ever. And his disciples heard it.
15 Vakasvika kuJerusarema; Jesu akapinda mutembere, akatanga kudzingira panze avo vaitengesa nevaitenga mutembere; akapidigura matafura evaitsinhanisa mari, nezvigaro zvaivo vaitengesa njiva. And they come to Jerusalem: and Jesus went into the temple, and began to cast out them that sold and bought in the temple, and overthrew the tables of the moneychangers, and the seats of them that sold doves;
16 Zvino akasatendera kuti munhu atakure nhumbi achipfuura nemutembere. And would not suffer that any man should carry any vessel through the temple.
17 Akadzidzisa, achiti kwavari: Hakuna kunyorwa here kuchinzi: Imba yangu ichanzi imba yekunyengetera nemarudzi ese? Asi imwi makaiita bako remakororo. And he taught, saying unto them, Is it not written, My house shall be called of all nations the house of prayer? but ye have made it a den of thieves.
18 Zvino vanyori nevapristi vakuru vakazvinzwa, vakatsvaka kuti vangamuparadza sei; nokuti vakange vachimutya, nokuti chaunga chese chakashamisika nedzidziso yake. And the scribes and chief priests heard it, and sought how they might destroy him: for they feared him, because all the people was astonished at his doctrine.
19 Zvino ava madekwani, wakabuda kunze kweguta. And when even was come, he went out of the city.
20 Zvino mangwanani-ngwanani vakati vachipfuura, vakaona muonde waoma kubva pamidzi. And in the morning, as they passed by, they saw the fig tree dried up from the roots.
21 Petro akarangarira akati kwaari: Rabhi*, tarirai muonde wamakatuka waoma. And Peter calling to remembrance saith unto him, Master, behold, the fig tree which thou cursedst is withered away.
22 Jesu akapindura akati kwavari: Ivai nerutendo kuna Mwari. And Jesus answering saith unto them, Have faith in God.
23 Nokuti zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Ani nani anoti kugomo iri: Simudzwa, ukandwe mugungwa, uye asiri asina chokwadi mumoyo make, asi achitenda kuti zvinhu zvaanoreva zvichaitika, zvichaitika kwaari chero zvaanoreva. For verily I say unto you, That whosoever shall say unto this mountain, Be thou removed, and be thou cast into the sea; and shall not doubt in his heart, but shall believe that those things which he saith shall come to pass; he shall have whatsoever he saith.
24 Naizvozvo ndinoti kwamuri: Zvinhu zvese chero zvamunokumbira muchinyengetera, tendai kuti muchagamuchira, uye zvichava zvenyu. Therefore I say unto you, What things soever ye desire, when ye pray, believe that ye receive them, and ye shall have them.
25 Kana mumire muchinyengetera, kanganwirai kana mune chakanangana neumwe; kuti Baba venyuwo vari kumatenga vakukanganwirei kudarika kwenyu. And when ye stand praying, forgive, if ye have ought against any: that your Father also which is in heaven may forgive you your trespasses.
26 Asi kana imwi musingakanganwiri, Baba venyu vari kumatenga havakanganwiriwo kudarika kwenyu. But if ye do not forgive, neither will your Father which is in heaven forgive your trespasses.
27 Vakasvikazve kuJerusarema; zvino wakati achifamba mutembere, vapristi vakuru nevanyori nevakuru vakauya kwaari, And they come again to Jerusalem: and as he was walking in the temple, there come to him the chief priests, and the scribes, and the elders,
28 zvino vakati kwaari: Unoita zvinhu izvozvi nesimba ripi; ndiani wakakupa simba iri, kuti unoita zvinhu izvi? And say unto him, By what authority doest thou these things? and who gave thee this authority to do these things?
29 Jesu akapindura akati kwavari: Iniwo ndichakubvunzai mubvunzo umwe, mundipindure, neni ndichakuudzai kuti ndinoita zvinhu izvozvi nesimba ripi. And Jesus answered and said unto them, I will also ask of you one question, and answer me, and I will tell you by what authority I do these things.
30 Rubhabhatidzo rwaJohwani rwakabva kudenga, kana kuvanhu? Ndipindurei. The baptism of John, was it from heaven, or of men? answer me.
31 Vakaonesana, vachiti: Kana tikati: Kudenga, achati: Makagoregerei kumutenda? And they reasoned with themselves, saying, If we shall say, From heaven; he will say, Why then did ye not believe him?
32 Asi kana tikati: Kuvanhu; vakange vachitya vanhu; nokuti vese vakange vachiverenga Johwani kuti muporofita zvirokwazvo. But if we shall say, Of men; they feared the people: for all men counted John, that he was a prophet indeed.
33 Vakapindura vachiti kuna Jesu: Hatizivi. Jesu akapindura akati kwavari: Ini handingakuudziyiwo kuti ndinoita zvinhu izvi nesimba ripi. And they answered and said unto Jesus, We cannot tell. And Jesus answering saith unto them, Neither do I tell you by what authority I do these things.

Shona Bible — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GFDL · 출처 ↗
King James Version — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GPL