로그인

마가복음 10장 Shona Bible

Shona Bible · 쇼나어 · 마가복음 (Mark) · 52절 · 대역: King James Version

절Shona BibleKing James Version
1 Zvino wakati asimukapo, akauya kumiganhu yeJudhiya, achigura nemhiri kwaJoridhani; zvaunga ndokuunganirazve kwaari; zvino sezvaakange ajaira, akavadzidzisa zvekare. And he arose from thence, and cometh into the coasts of Judea by the farther side of Jordan: and the people resort unto him again; and, as he was wont, he taught them again.
2 VaFarisi vakauya kwaari, vakamubvunza vachiti: Zvinotenderwa here kuti murume arambe mukadzi? vachimuidza. And the Pharisees came to him, and asked him, Is it lawful for a man to put away his wife? tempting him.
3 Akapindura, akati kwavari: Mozisi wakakurairai chii? And he answered and said unto them, What did Moses command you?
4 Zvino vakati: Mozisi wakatendera kunyora rugwaro rwerambano, nekumuramba. And they said, Moses suffered to write a bill of divorcement, and to put her away.
5 Jesu akapindura akati kwavari: Nekuda kweukukutu hwemoyo wenyu, wakakunyorerai murairo uyu. And Jesus answered and said unto them, For the hardness of your heart he wrote you this precept.
6 Asi kubva pakutanga kwezvisikwa, Mwari wakavaita murume nemukadzi. But from the beginning of the creation God made them male and female.
7 Nekuda kweizvozvo munhu achasiya baba namai vake, anamatire mukadzi wake; For this cause shall a man leave his father and mother, and cleave to his wife;
8 zvino ava vaviri vachava nyama imwe. Naizvozvo havasichiri vaviri, asi nyama imwe. And they twain shall be one flesh: so then they are no more twain, but one flesh.
9 Naizvozvo Mwari zvaakabatanidza, ngapasava nemunhu anoparadzanisa. What therefore God hath joined together, let not man put asunder.
10 Mumba vadzidzi vake vakapamha kumubvunza pamusoro pazvo. And in the house his disciples asked him again of the same matter.
11 Zvino akati kwavari: Ani nani anoramba mukadzi wake, akawana umwe, anoita upombwe kwaari. And he saith unto them, Whosoever shall put away his wife, and marry another, committeth adultery against her.
12 Uye kana mukadzi achiramba murume wake, achiwanikwa neumwe, anoita upombwe. And if a woman shall put away her husband, and be married to another, she committeth adultery.
13 Zvino vakauya nevana vadiki kwaari, kuti avabate; asi vadzidzi vakatsiura avo vaiuya navo. And they brought young children to him, that he should touch them: and his disciples rebuked those that brought them.
14 Zvino Jesu wakati achizviona, akatsamwa zvikuru, akati kwavari: Tenderai vana vadiki kuuya kwandiri, uye musavadzivisa, nokuti ushe hwaMwari ndohwevakadai. But when Jesus saw it, he was much displeased, and said unto them, Suffer the little children to come unto me, and forbid them not: for of such is the kingdom of God.
15 Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Ani nani asingagamuchiri ushe hwaMwari semucheche, haangatongopindi mahuri. Verily I say unto you, Whosoever shall not receive the kingdom of God as a little child, he shall not enter therein.
16 Uye akavagumbatira, achiisa maoko pamusoro pavo, akavaropafadza. And he took them up in his arms, put his hands upon them, and blessed them.
17 Zvino wakati achibudira kunzira, umwe wakamumhanyira, akamufugamira akamubvunza, achiti: Mudzidzisi wakanaka, ndingaitei kuti ndigare nhaka yeupenyu husingaperi? And when he was gone forth into the way, there came one running, and kneeled to him, and asked him, Good Master, what shall I do that I may inherit eternal life?
18 Jesu akati kwaari: Unondiidzirei wakanaka? Hakuna wakanaka, kunze kweumwe, iye Mwari. And Jesus said unto him, Why callest thou me good? there is none good but one, that is, God.
19 Unoiziva mirairo inoti: Usaita upombwe, usauraya, usaba, usapupura nhema, usabiridzira, kudza baba namai vako. Thou knowest the commandments, Do not commit adultery, Do not kill, Do not steal, Do not bear false witness, Defraud not, Honour thy father and mother.
20 Zvino akapindura akati kwaari: Mudzidzisi, izvi zvese ndakazvichengeta kubva paudiki hwangu. And he answered and said unto him, Master, all these have I observed from my youth.
21 Jesu ndokumutarira akamuda, akati kwaari: Chinhu chimwe chaunoshaiwa; enda, utengese zvese zvaunazvo, upe varombo, zvino uchava nefuma kudenga; ugouya utakure muchinjikwa, unditevere. Then Jesus beholding him loved him, and said unto him, One thing thou lackest: go thy way, sell whatsoever thou hast, and give to the poor, and thou shalt have treasure in heaven: and come, take up the cross, and follow me.
22 Asi asuwa neshoko iro, wakaenda neshungu, nokuti wakange ane nhumbi zhinji. And he was sad at that saying, and went away grieved: for he had great possessions.
23 Ipapo Jesu akaringa-ringa, akati kuvadzidzi vake: Vacharemerwa sei vane fuma kupinda muushe hwaMwari! And Jesus looked round about, and saith unto his disciples, How hardly shall they that have riches enter into the kingdom of God!
24 Vadzidzi vakashamisika nemashoko ake. Asi Jesu wakapindurazve, akati kwavari: Vana, zvinorema sei kune vanovimba nefuma kupinda muushe hwaMwari; And the disciples were astonished at his words. But Jesus answereth again, and saith unto them, Children, how hard is it for them that trust in riches to enter into the kingdom of God!
25 zvingarerukira kamera kudarika nemuburi retsono, pane kuti mufumi apinde muushe hwaMwari. It is easier for a camel to go through the eye of a needle, than for a rich man to enter into the kingdom of God.
26 Ipapo vakashamisika zvisingaverengeki, vachitaurirana vachiti: Ndiani zvino angagoponeswa? And they were astonished out of measure, saying among themselves, Who then can be saved?
27 Zvino Jesu wakati achivatarira, akati: Kuvanhu hazvibviri, asi kwete kuna Mwari; nokuti kuna Mwari zvinhu zvese zvinobvira. And Jesus looking upon them saith, With men it is impossible, but not with God: for with God all things are possible.
28 Petro akatanga kuti kwaari: Tarirai, isu takasiya zvese tikakuteverai. Then Peter began to say unto him, Lo, we have left all, and have followed thee.
29 Jesu akapindura akati: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Hakuna munhu wakasiya imba, kana vanin'ina nemadzikoma, kana hanzvadzi, kana baba, kana mai, kana mukadzi, kana vana, kana minda, nekuda kwangu nekweevhangeri, And Jesus answered and said, Verily I say unto you, There is no man that hath left house, or brethren, or sisters, or father, or mother, or wife, or children, or lands, for my sake, and the gospel’s,
30 asingazogamuchiri kane zana ikozvino nenguva ino, dzimba, nevanin'ina nemadzikoma, nehanzvadzi, nanamai, nevana, neminda, pamwe nekushushwa, neupenyu husingaperi munguva inouya. But he shall receive an hundredfold now in this time, houses, and brethren, and sisters, and mothers, and children, and lands, with persecutions; and in the world to come eternal life.
31 Asi vazhinji vekutanga vachava vekupedzisira, nevekupedzisira vekutanga. But many that are first shall be last; and the last first.
32 Zvino vachiri munzira vachikwira kuJerusarema; Jesu akavatungamirira; vakashamisika; zvino pavaitevera, vaitya. Akatorazve vanegumi nevaviri, akatanga kuvaudza zvinhu zvakange zvichizoitika kwaari, And they were in the way going up to Jerusalem; and Jesus went before them: and they were amazed; and as they followed, they were afraid. And he took again the twelve, and began to tell them what things should happen unto him,
33 achiti: Tarirai, tinokwira kuJerusarema, uye Mwanakomana wemunhu achakumikidzwa kuvapristi vakuru nekuvanyori, uye vachamutongera rufu, nekumukumikidza kuvahedheni, Saying, Behold, we go up to Jerusalem; and the Son of man shall be delivered unto the chief priests, and unto the scribes; and they shall condemn him to death, and shall deliver him to the Gentiles:
34 vachamusveveredza, vachamurova netyava, nekumupfira, nekumuuraya; zvino nezuva retatu achamukazve. And they shall mock him, and shall scourge him, and shall spit upon him, and shall kill him: and the third day he shall rise again.
35 Zvino Jakobho naJohwani, vanakomana vaZebhedhi, vakauya kwaari vachiti: Mudzidzisi, tinoda kuti mutiitire chero chatichakumbira. And James and John, the sons of Zebedee, come unto him, saying, Master, we would that thou shouldest do for us whatsoever we shall desire.
36 Akati kwavari: Chii chamunoda kuti ndikuitirei? And he said unto them, What would ye that I should do for you?
37 Vakati kwaari: Tipei kuti tigare, umwe kuruoko rwenyu rwerudyi, uye umwe kuruboshwe rwenyu mukubwinya kwenyu. They said unto him, Grant unto us that we may sit, one on thy right hand, and the other on thy left hand, in thy glory.
38 Asi Jesu wakati kwavari: Hamuzivi chamunokumbira. Mungagona kunwa mukombe wandinonwa ini here, nekubhabhatidzwa norubhabhatidzo rwandinobhabhatidzwa narwo ini here? But Jesus said unto them, Ye know not what ye ask: can ye drink of the cup that I drink of? and be baptized with the baptism that I am baptized with?
39 Vakati kwaari: Tingagona. Jesu akati kwavari: Muchanwa zvirokwazvo mukombe wandinonwa ini, nekubhabhatidzwa norubhabhatidzo rwandinobhabhatidzwa narwo ini; And they said unto him, We can. And Jesus said unto them, Ye shall indeed drink of the cup that I drink of; and with the baptism that I am baptized withal shall ye be baptized:
40 asi kugara kuruoko rwangu rwerudyi nekuruboshwe rwangu, hazvisi zvangu kupa, asi zvevakazvigadzirirwa. But to sit on my right hand and on my left hand is not mine to give; but it shall be given to them for whom it is prepared.
41 Vanegumi vakati vachizvinzwa, vakatanga kutsamwira zvikuru Jakobho naJohwani. And when the ten heard it, they began to be much displeased with James and John.
42 Asi Jesu akavadanira kwaari akati kwavari: Munoziva kuti avo vanonzi machinda evahedheni anovadzvinyirira, nevakuru vavo vanoshandisa simba pamusoro pavo. But Jesus called them to him, and saith unto them, Ye know that they which are accounted to rule over the Gentiles exercise lordship over them; and their great ones exercise authority upon them.
43 Zvino hazvingadaro pakati penyu; asi ani nani anoda kuva mukuru pakati penyu, achava mushandiri wenyu; But so shall it not be among you: but whosoever will be great among you, shall be your minister:
44 ani nani wenyu anoda kuva wekutanga, achava mushandi wevese. And whosoever of you will be the chiefest, shall be servant of all.
45 Nokuti kunyange Mwanakomana wemunhu haana kuuya kuzoshumirwa, asi kushumira, nekupa upenyu hwake ruve rudzikunuro rwevazhinji. For even the Son of man came not to be ministered unto, but to minister, and to give his life a ransom for many.
46 Vakasvika kuJeriko; zvino wakati achibuda Jeriko nevadzidzi vake nechaunga chikuru, Bhatimio bofu, mwanakomana waTimio, akange agere padivi penzira achipemha. And they came to Jericho: and as he went out of Jericho with his disciples and a great number of people, blind Bartimeus, the son of Timeus, sat by the highway side begging.
47 Wakati anzwa kuti ndiJesu weNazareta, akatanga kudanidzira, nekuti: Jesu Mwanakomana waDhavhidhi, ndinzwirei tsitsi! And when he heard that it was Jesus of Nazareth, he began to cry out, and say, Jesus, thou Son of David, have mercy on me.
48 Vazhinji vakamutsiura kuti anyarare; asi iye wakanyanya kudanidzira kwazvo, achiti: Mwanakomana waDhavhidhi, ndinzwirei tsitsi! And many charged him that he should hold his peace: but he cried the more a great deal, Thou Son of David, have mercy on me.
49 Jesu ndokumira, akati adanwe; vakadana bofu vachiti kwariri: Tsunga moyo; simuka, anokudana. And Jesus stood still, and commanded him to be called. And they call the blind man, saying unto him, Be of good comfort, rise; he calleth thee.
50 Ipapo rikarasa nguvo yaro rikasimuka, rikauya kuna Jesu. And he, casting away his garment, rose, and came to Jesus.
51 Jesu akapindura, akati kwariri: Unoda kuti ndikuitirei? Bofu rikati kwaari: Rabhoni*, kuti ndionezve. And Jesus answered and said unto him, What wilt thou that I should do unto thee? The blind man said unto him, Lord, that I might receive my sight.
52 Jesu akati kwariri: Enda; rutendo rwako rwakuponesa. Pakarepo rikaonazve, rikatevera Jesu munzira. And Jesus said unto him, Go thy way; thy faith hath made thee whole. And immediately he received his sight, and followed Jesus in the way.

Shona Bible — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GFDL · 출처 ↗
King James Version — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GPL