데살로니가후서 3장 Shona Bible
Shona Bible · 쇼나어 · 데살로니가후서 (2 Thessalonians) · 18절 · 대역: King James Version
| 절 | Shona Bible | King James Version |
|---|---|---|
| 1 | Pakupedzisira, hama, tinyengetererei, kuti shoko raIshe rimhanye nekukudzwa kunyange sezvakaitika nekwamuri, | Finally, brethren, pray for us, that the word of the Lord may have free course, and be glorified, even as it is with you: |
| 2 | uye kuti tisunungurwe kuvanhu vasingafungi nevakaipa; nokuti rutendo harwusi rwevese. | And that we may be delivered from unreasonable and wicked men: for all men have not faith. |
| 3 | Asi Ishe wakatendeka, achakusimbisai nekukuchengetai kubva kune wakaipa. | But the Lord is faithful, who shall stablish you, and keep you from evil. |
| 4 | Uye tine chivimbo muna Ishe maererano nemwi, kuti munoitawo zvinhu zvatinokurairai uye muchazviita. | And we have confidence in the Lord touching you, that ye both do and will do the things which we command you. |
| 5 | Asi Ishe ngaatungamirire moyo yenyu murudo rwaMwari, nemumoyo murefu waKristu. | And the Lord direct your hearts into the love of God, and into the patient waiting for Christ. |
| 6 | Zvino tinokurairai, hama, muzita raIshe wedu Jesu Kristu, kuti muzviraure pahama imwe neimwe inofamba zvisakafanira, uye kwete zvinoenderana netsika yamakagamuchira kwatiri. | Now we command you, brethren, in the name of our Lord Jesus Christ, that ye withdraw yourselves from every brother that walketh disorderly, and not after the tradition which he received of us. |
| 7 | Nokuti imwi momene munoziva kuti munofanira kutitevera sei, nokuti hatina kufamba zvisakafanira pakati penyu, | For yourselves know how ye ought to follow us: for we behaved not ourselves disorderly among you; |
| 8 | uye hatina kudya chingwa chemunhu pachena, asi pakushingaira nekutambudzika nekushanda siku nesikati, kuti tisava mutoro kune umwe wenyu; | Neither did we eat any man’s bread for nought; but wrought with labour and travail night and day, that we might not be chargeable to any of you: |
| 9 | kwete nokuti hatina kodzero, asi kuti tizvipe kwamuri semuenzaniso wekutitevera. | Not because we have not power, but to make ourselves an ensample unto you to follow us. |
| 10 | Nokuti kunyange pataiva nemwi, takakurairai izvi, kuti: Kana umwe asingadi kushanda, ngaaregewo kudya. | For even when we were with you, this we commanded you, that if any would not work, neither should he eat. |
| 11 | Nokuti tinonzwa kuti vamwe pakati penyu vanofamba-famba zvisakafanira, vasingatongobati, asi vachiita zvisina maturo. | For we hear that there are some which walk among you disorderly, working not at all, but are busybodies. |
| 12 | Zvino vakadaro tinoraira nekukurudzira naIshe wedu Jesu Kristu, kuti vashande nekunyarara vadye kudya kwavo pachavo. | Now them that are such we command and exhort by our Lord Jesus Christ, that with quietness they work, and eat their own bread. |
| 13 | Asi imwi, hama, musaneta kuita zvakanaka. | But ye, brethren, be not weary in well doing. |
| 14 | Asi kana umwe asingateereri shoko redu netsamba, mutarisise uyo, uye musafambidzana naye, kuti anyare; | And if any man obey not our word by this epistle, note that man, and have no company with him, that he may be ashamed. |
| 15 | uye musamutora semuvengi, asi mumuraire sehama. | Yet count him not as an enemy, but admonish him as a brother. |
| 16 | Zvino Ishe werugare amene ngaakupei rugare nguva dzese nemitoo yese. Ishe ngaave nemwi mese. | Now the Lord of peace himself give you peace always by all means. The Lord be with you all. |
| 17 | Kwaziso neruoko rwangu rwaPauro, ndiwo mucherechedzo patsamba imwe neimwe; ndinonyora saizvozvo. | The salutation of Paul with mine own hand, which is the token in every epistle: so I write. |
| 18 | Nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu ngadzive nemwi mese. Ameni. | The grace of our Lord Jesus Christ be with you all. Amen. The second epistle to the Thessalonians was written from Athens. |
Shona Bible — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GFDL · 출처 ↗
King James Version — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GPL