데살로니가후서 2장 Shona Bible
Shona Bible · 쇼나어 · 데살로니가후서 (2 Thessalonians) · 17절 · 대역: King James Version
| 절 | Shona Bible | King James Version |
|---|---|---|
| 1 | Zvino tinokukumbirisai, hama, maererano nekuuya kwaIshe wedu Jesu Kristu, nekuunganira kwedu kwaari, | Now we beseech you, brethren, by the coming of our Lord Jesus Christ, and by our gathering together unto him, |
| 2 | kuti murege kukurumidza kuzununguswa mufungwa, kana kuvhunduswa, kana nemweya, kana neshoko, kana netsamba seinonyorwa nesu, sezvinonzi zuva raKristu ratosvika. | That ye be not soon shaken in mind, or be troubled, neither by spirit, nor by word, nor by letter as from us, as that the day of Christ is at hand. |
| 3 | Ngakurege kuva nemunhu anokunyengerai nemutoo upi neupi; nokuti harisviki kunze kwekuti kuwa kwatanga kusvika, uye munhu wechivi aratidzwe, mwanakomana wekuparadzwa, | Let no man deceive you by any means: for that day shall not come, except there come a falling away first, and that man of sin be revealed, the son of perdition; |
| 4 | anopikisa nekuzvikudza pamusoro pezvese zvinonzi Mwari, kana zvinonamatwa, kusvikira agara mutembere yaMwari saMwari, achizviratidza kuti ndiMwari. | Who opposeth and exalteth himself above all that is called God, or that is worshipped; so that he as God sitteth in the temple of God, shewing himself that he is God. |
| 5 | Hamurangariri here kuti ndichiri nemwi ndakakuudzai zvinhu izvi? | Remember ye not, that, when I was yet with you, I told you these things? |
| 6 | Asi ikozvino munoziva chinodzivirira kuti aratidzwe munguva yake pachake. | And now ye know what withholdeth that he might be revealed in his time. |
| 7 | Nokuti chakavanzika chekusava nemurairo chotoshanda; chete aripo anodzivirira ikozvino, kusvikira achibviswa pakati. | For the mystery of iniquity doth already work: only he who now letteth will let, until he be taken out of the way. |
| 8 | Ipapowo asina murairo acharatidzwa, Ishe waachapedza nemweya wemuromo wake, uye waachaparadza nekuonekwa kwekuuya kwake; | And then shall that Wicked be revealed, whom the Lord shall consume with the spirit of his mouth, and shall destroy with the brightness of his coming: |
| 9 | iye kuuya kwake kwakaita sekuita kwaSatani nesimba rese nezviratidzo nezvinoshamisa zvenhema, | Even him, whose coming is after the working of Satan with all power and signs and lying wonders, |
| 10 | nepakunyengera kwese kwekusarurama mune vanoparara, nokuti havana kugamuchira rudo rwechokwadi kuti vaponeswe. | And with all deceivableness of unrighteousness in them that perish; because they received not the love of the truth, that they might be saved. |
| 11 | Uye nekuda kwaizvozvi Mwari achavatumira simba rekutsauka, kuti vatende nhema; | And for this cause God shall send them strong delusion, that they should believe a lie: |
| 12 | kuti vese varaswe vasina kutenda chokwadi, asi vakafara mukusarurama. | That they all might be damned who believed not the truth, but had pleasure in unrighteousness. |
| 13 | Asi isu tinofanira kuvonga Mwari nguva dzese pamusoro penyu, hama vadikanwi vaIshe, kuti Mwari kubva pakutanga wakakusarudzirai ruponeso pakuitwa vatsvene kweMweya nerutendo rwechokwadi; | But we are bound to give thanks alway to God for you, brethren beloved of the Lord, because God hath from the beginning chosen you to salvation through sanctification of the Spirit and belief of the truth: |
| 14 | zvaakakudanirai neevhangeri yedu, pakuwana kubwinya kwaIshe wedu Jesu Kristu. | Whereunto he called you by our gospel, to the obtaining of the glory of our Lord Jesus Christ. |
| 15 | Naizvozvo zvino, hama, mirai makasimba, mubatirire tsika dzamakadzidziswa, kana neshoko kana netsamba yedu. | Therefore, brethren, stand fast, and hold the traditions which ye have been taught, whether by word, or our epistle. |
| 16 | Zvino Ishe wedu Jesu Kristu amene, naMwari, kunyange Baba vedu vakatida, vakapa nyaradzo isingaperi netariro yakanaka munyasha, | Now our Lord Jesus Christ himself, and God, even our Father, which hath loved us, and hath given us everlasting consolation and good hope through grace, |
| 17 | anyaradze moyo yenyu, nekukusimbisai pashoko rega-rega rakanaka nebasa. | Comfort your hearts, and stablish you in every good word and work. |
Shona Bible — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GFDL · 출처 ↗
King James Version — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GPL