로그인

데살로니가전서 5장 Shona Bible

Shona Bible · 쇼나어 · 데살로니가전서 (1 Thessalonians) · 28절 · 대역: King James Version

절Shona BibleKing James Version
1 Asi maererano nenguva nemwaka, hama, hamufaniri kuti munyorerwe, But of the times and the seasons, brethren, ye have no need that I write unto you.
2 nokuti imwi mumene munoziva kwazvo kuti sembavha usiku, saizvozvo zuva raIshe rinosvika; For yourselves know perfectly that the day of the Lord so cometh as a thief in the night.
3 nokuti pavanoti: Rugare nekugarika, pakarepo kuparadzwa kunovawira, sekurwadzwa nemimba kwemukadzi ane mimba; uye havangatongopukunyuki. For when they shall say, Peace and safety; then sudden destruction cometh upon them, as travail upon a woman with child; and they shall not escape.
4 Asi imwi, hama, hamusi murima, kuti zuva iro rikubatei sembavha. But ye, brethren, are not in darkness, that that day should overtake you as a thief.
5 Imwi mese muri vana vechiedza nevana vemasikati; hatisi veusiku kana verima; Ye are all the children of light, and the children of the day: we are not of the night, nor of darkness.
6 naizvozvo zvino ngatirege kurara sevamwewo, asi ngatirinde, tipengenuke. Therefore let us not sleep, as do others; but let us watch and be sober.
7 Nokuti vanorara vanorara usiku; nevanoraradza vanoraradza usiku. For they that sleep sleep in the night; and they that be drunken are drunken in the night.
8 Asi isu tiri vemasikati, ngatipengenuke, tichipfeka chidzitiro chechifuva cherutendo nerudo; netariro yeruponeso ive ngowani. But let us, who are of the day, be sober, putting on the breastplate of faith and love; and for an helmet, the hope of salvation.
9 Nokuti Mwari haana kutitemera hasha, asi kuwana ruponeso naIshe wedu Jesu Kristu, For God hath not appointed us to wrath, but to obtain salvation by our Lord Jesus Christ,
10 wakatifira, kuti kana tikarinda kana kurara, tirarame pamwe naye. Who died for us, that, whether we wake or sleep, we should live together with him.
11 Saka kurudziranai, muvakane, sezvamunoitawo. Wherefore comfort yourselves together, and edify one another, even as also ye do.
12 Asi tinokukumbirai, hama, kuziva vanoshanda zvine simba pakati penyu, nevanokutungamirirai muna Ishe, nekukurairai, And we beseech you, brethren, to know them which labour among you, and are over you in the Lord, and admonish you;
13 uye muvakudze zvikurusa murudo, nekuda kwebasa ravo. Ivai nerugare pakati penyu. And to esteem them very highly in love for their work’s sake. And be at peace among yourselves.
14 Asi tinokukurudzirai, hama, yambirai vasina murairo, munyaradze vanopera moyo, tsigirai vasina simba, muve nemoyo murefu kune vese. Now we exhort you, brethren, warn them that are unruly, comfort the feebleminded, support the weak, be patient toward all men.
15 Chenjerai kuti umwe arege kutsiva umwe zvakaipa nezvakaipa; asi nguva dzese teverai zvakanaka, zvese pakati penyu nekune vese. See that none render evil for evil unto any man; but ever follow that which is good, both among yourselves, and to all men.
16 Farai nekusingaperi; Rejoice evermore.
17 nyengeterai musingamiri; Pray without ceasing.
18 vongai pazvinhu zvese; nokuti ichi ndicho chido chaMwari muna Kristu Jesu maererano nemwi. In every thing give thanks: for this is the will of God in Christ Jesus concerning you.
19 Musadzima Mweya; Quench not the Spirit.
20 musazvidza zviporofita; Despise not prophesyings.
21 idzai zvinhu zvese; mubatisise zvakanaka; Prove all things; hold fast that which is good.
22 ibvai pakuonekwa kwese kwekuipa. Abstain from all appearance of evil.
23 NaMwari werugare amene ngaakuitei vatsvene zvakazara; nemweya wenyu wese, nemoyo, nemuviri, zvichengetwe zvisina zvazvingapomerwa pakuuya kwaIshe wedu Jesu Kristu. And the very God of peace sanctify you wholly; and I pray God your whole spirit and soul and body be preserved blameless unto the coming of our Lord Jesus Christ.
24 Wakatendeka iye anokudanai, achazviitawo. Faithful is he that calleth you, who also will do it.
25 Hama, tinyengetererei. Brethren, pray for us.
26 Kwazisai hama dzese nekutsvoda kutsvene. Greet all the brethren with an holy kiss.
27 Ndinokupikirai naIshe, kuti tsamba iyi iverengerwe hama tsvene dzese. I charge you by the Lord that this epistle be read unto all the holy brethren.
28 Nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu ngadzive nemwi. Ameni. The grace of our Lord Jesus Christ be with you. Amen. The first epistle unto the Thessalonians was written from Athens.

Shona Bible — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GFDL · 출처 ↗
King James Version — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GPL