데살로니가전서 4장 Shona Bible
Shona Bible · 쇼나어 · 데살로니가전서 (1 Thessalonians) · 18절 · 대역: King James Version
| 절 | Shona Bible | King James Version |
|---|---|---|
| 1 | Zvino zvimwe, hama, tinokukumbirisai, nekukurudzira naIshe Jesu, sezvamakagamuchira kwatiri kuti munofanira kufamba nekufadza Mwari sei, kuti muwanze nekuwanzisisa pazviri. | Furthermore then we beseech you, brethren, and exhort you by the Lord Jesus, that as ye have received of us how ye ought to walk and to please God, so ye would abound more and more. |
| 2 | Nokuti munoziva mirairo yakadini yatakakupai kubudikidza naIshe Jesu. | For ye know what commandments we gave you by the Lord Jesus. |
| 3 | Nokuti ichi ndicho chido chaMwari, kuitwa vatsvene kwenyu, kuti murege upombwe; | For this is the will of God, even your sanctification, that ye should abstain from fornication: |
| 4 | kuti umwe neumwe wenyu azive kuzviwanira mudziyo wake mukuitwa mutsvene nemurukudzo, | That every one of you should know how to possess his vessel in sanctification and honour; |
| 5 | kwete pakuchiva kwechishuwo, kunyange sevahedheni vasingazivi Mwari; | Not in the lust of concupiscence, even as the Gentiles which know not God: |
| 6 | kusava neanopfuurikidza akanyengera hama yake pachiitiko; nokuti Ishe ndiye mutsivi wezvese izvi, sezvatakagara takuudzaiwo nekupupura. | That no man go beyond and defraud his brother in any matter: because that the Lord is the avenger of all such, as we also have forewarned you and testified. |
| 7 | Nokuti Mwari haana kutidanira kutsvina, asi kuutsvene. | For God hath not called us unto uncleanness, but unto holiness. |
| 8 | Naizvozvo anozvidza, haazvidzi munhu, asi Mwari wakatipawo Mweya wake Mutsvene. | He therefore that despiseth, despiseth not man, but God, who hath also given unto us his holy Spirit. |
| 9 | Zvino maererano nerudo rweukama hamutsvaki kuti ndikunyorerei, nokuti imwi mumene makadzidziswa naMwari kuti mudanane; | But as touching brotherly love ye need not that I write unto you: for ye yourselves are taught of God to love one another. |
| 10 | nokuti nemwi munozviita kuhama dzese dziri paMakedhonia yese; asi tinokukurudzirai, hama, kuti muwanzise zvikuru, | And indeed ye do it toward all the brethren which are in all Macedonia: but we beseech you, brethren, that ye increase more and more; |
| 11 | uye mushingairire kuva nerunyararo, nekuita basa renyu pachenyu, nekushanda nemaoko enyu pachenyu, sezvatakakurairai; | And that ye study to be quiet, and to do your own business, and to work with your own hands, as we commanded you; |
| 12 | kuti mufambe zvinoremekedzwa kune vari kunze, uye musashaya chinhu. | That ye may walk honestly toward them that are without, and that ye may have lack of nothing. |
| 13 | Asi handidi kuti mushaiwe ruzivo, hama, maererano nevarere, kuti murege kushungurudzika sevamwewo vasina tariro. | But I would not have you to be ignorant, brethren, concerning them which are asleep, that ye sorrow not, even as others which have no hope. |
| 14 | Nokuti kana tichitenda kuti Jesu wakafa uye wakamuka, saizvozvowo vakarara kubudikidza naJesu, Mwari achavauisa pamwe naye. | For if we believe that Jesus died and rose again, even so them also which sleep in Jesus will God bring with him. |
| 15 | Nokuti izvi tinokuudzai neshoko raIshe, kuti isu vapenyu, tinosiiwa kusvikira pakuuya kwaIshe, hatingatongotangiri vakarara. | For this we say unto you by the word of the Lord, that we which are alive and remain unto the coming of the Lord shall not prevent them which are asleep. |
| 16 | Nokuti Ishe amene achaburuka kubva kudenga nekudana kune simba, nenzwi remutumwa mukuru, nehwamanda yaMwari; zvino vakafa muna Kristu vachatanga kumuka; | For the Lord himself shall descend from heaven with a shout, with the voice of the archangel, and with the trump of God: and the dead in Christ shall rise first: |
| 17 | kozouya isu vanorarama vanosiiwa, tichabvutwa pamwe navo mumakore, kuti tichingamidze Ishe mumhepo; saizvozvowo tichava naIshe nekusingaperi. | Then we which are alive and remain shall be caught up together with them in the clouds, to meet the Lord in the air: and so shall we ever be with the Lord. |
| 18 | Naizvozvo nyaradzanai nemashoko awa. | Wherefore comfort one another with these words. |
Shona Bible — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GFDL · 출처 ↗
King James Version — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GPL