데살로니가전서 2장 Shona Bible
Shona Bible · 쇼나어 · 데살로니가전서 (1 Thessalonians) · 20절 · 대역: King James Version
| 절 | Shona Bible | King James Version |
|---|---|---|
| 1 | Nokuti munoziva imwi, hama, kupinda kwedu kwamuri, kuti hakuna kuva pasina; | For yourselves, brethren, know our entrance in unto you, that it was not in vain: |
| 2 | asi kunyange takambotambudzika nekuitirwa zvakaipa, sezvamunoziva, paFiripi, takatsunga muna Mwari wedu kutaura kwamuri evhangeri yaMwari pakati pekupikiswa kukuru. | But even after that we had suffered before, and were shamefully entreated, as ye know, at Philippi, we were bold in our God to speak unto you the gospel of God with much contention. |
| 3 | Nokuti kurudziro yedu haina kubva pakunyengera, uye haina kubva patsvina, hainawo kubva pamano-mano; | For our exhortation was not of deceit, nor of uncleanness, nor in guile: |
| 4 | asi sezvatakatendiwa naMwari, kuti tibatiswe evhangeri, saizvozvo tinotaura; kwete sekufadza vanhu, asi Mwari anoidza moyo yedu. | But as we were allowed of God to be put in trust with the gospel, even so we speak; not as pleasing men, but God, which trieth our hearts. |
| 5 | Nokuti hatina kutongouya nemashoko ekubata kumeso, sezvamunoziva, kana nemano-mano eruchiva; Mwari chapupu; | For neither at any time used we flattering words, as ye know, nor a cloke of covetousness; God is witness: |
| 6 | tisingatsvaki rukudzo kuvanhu, kana rwunobva kwamuri kana kuvamwe, kunyange taigona kukuremedzai sevaapositori vaKristu. | Nor of men sought we glory, neither of you, nor yet of others, when we might have been burdensome, as the apostles of Christ. |
| 7 | Asi takange tiri vanyoro pakati penyu, semureri achivaraidza vana vake; | But we were gentle among you, even as a nurse cherisheth her children: |
| 8 | sezvatinokushuvai kwazvo, takada zvikuru kukupai kwete evhangeri yaMwari chete, asi mweya yedu pacheduwo, nokuti makange muri vadikanwi kwatiri. | So being affectionately desirous of you, we were willing to have imparted unto you, not the gospel of God only, but also our own souls, because ye were dear unto us. |
| 9 | Nokuti munorangarira, hama, kushingaira nekurwisa kwedu; nokuti taibata siku nesikati, kuti tisava mutoro kune umwe wenyu, takakuparidzirai evhangeri yaMwari. | For ye remember, brethren, our labour and travail: for labouring night and day, because we would not be chargeable unto any of you, we preached unto you the gospel of God. |
| 10 | Imwi muri zvapupu, naMwari, kuti taiva vatsvene sei uye takarurama tisina chatingapomerwa kwamuri vanotenda. | Ye are witnesses, and God also, how holily and justly and unblameably we behaved ourselves among you that believe: |
| 11 | Sezvamunoziva kuti umwe neumwe wenyu, sababa kuvana vavo takakukurudzirai sei nekunyaradza nekupupura, | As ye know how we exhorted and comforted and charged every one of you, as a father doth his children, |
| 12 | kuti mufambe zvakafanira Mwari, anokudanirai kuushe hwake nekubwinya. | That ye would walk worthy of God, who hath called you unto his kingdom and glory. |
| 13 | Nekuda kwaizvozvi nesu hatimiri kuvonga Mwari, kuti pamakagamuchira shoko raMwari ramakanzwa kwatiri, makarigamuchira kwete seshoko revanhu, asi seriri chokwadi, shoko raMwari rinoshandawo mamuri imwi munotenda. | For this cause also thank we God without ceasing, because, when ye received the word of God which ye heard of us, ye received it not as the word of men, but as it is in truth, the word of God, which effectually worketh also in you that believe. |
| 14 | Nokuti imwi, hama, makava vateveri vemakereke aMwari ari muJudhiya muna Kristu Jesu; nokuti imwiwo makatambudzika zvakadaro kune vekwenyu momene, sezvavakatambudzwa ivowo neVaJudha, | For ye, brethren, became followers of the churches of God which in Judea are in Christ Jesus: for ye also have suffered like things of your own countrymen, even as they have of the Jews: |
| 15 | ndivowo vakauraya Ishe Jesu nevaporofita vavo vomene, vakatishushawo isu, vasingafadziwo Mwari, uye vachipesana nevanhu vese, | Who both killed the Lord Jesus, and their own prophets, and have persecuted us; and they please not God, and are contrary to all men: |
| 16 | vachitidzivisa kutaurira vahedheni kuti vaponeswe, kuti vagare vachizadzisa zvivi zvavo; asi hasha dzakasvika pamusoro pavo kusvikira pakuguma. | Forbidding us to speak to the Gentiles that they might be saved, to fill up their sins alway: for the wrath is come upon them to the uttermost. |
| 17 | Zvino isu, hama, sezvo takaparadzaniswa nemwi kwechinguvana pazviso, kwete pamoyo, takashingairira zvikuru nechishuwo chikuru kuti tione chiso chenyu. | But we, brethren, being taken from you for a short time in presence, not in heart, endeavoured the more abundantly to see your face with great desire. |
| 18 | Naizvozvo taida kuuya kwamuri, zvikuru ini Pauro, kamwe nekudzokorora, asi Satani wakatidzivisa. | Wherefore we would have come unto you, even I Paul, once and again; but Satan hindered us. |
| 19 | Nokuti tariro yedu chii, kana mufaro, kana korona yekuzvirumbidza? Hamusi imwizve here pamberi paIshe wedu Jesu Kristu pakuuya kwake? | For what is our hope, or joy, or crown of rejoicing? Are not even ye in the presence of our Lord Jesus Christ at his coming? |
| 20 | Nokuti imwi muri kubwinya nemufaro wedu. | For ye are our glory and joy. |
Shona Bible — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GFDL · 출처 ↗
King James Version — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GPL