데살로니가전서 1장 Shona Bible
Shona Bible · 쇼나어 · 데살로니가전서 (1 Thessalonians) · 10절 · 대역: King James Version
| 절 | Shona Bible | King James Version |
|---|---|---|
| 1 | Pauro naSivhano naTimotio, kukereke yeVaTesaronika muna Mwari Baba, naIshe Jesu Kristu: Nyasha kwamuri nerugare zvinobva kuna Mwari Baba vedu, naIshe Jesu Kristu. | Paul, and Silvanus, and Timotheus, unto the church of the Thessalonians which is in God the Father and in the Lord Jesus Christ: Grace be unto you, and peace, from God our Father, and the Lord Jesus Christ. |
| 2 | Tinovonga Mwari nguva dzese pamusoro penyu mese, tichikutaurai muminyengetero yedu, | We give thanks to God always for you all, making mention of you in our prayers; |
| 3 | tichiramba tichirangarira basa renyu rerutendo nebasa rinorema rerudo nekutsungirira kwetariro muna Ishe wedu Jesu Kristu pamberi paMwari naBaba vedu; | Remembering without ceasing your work of faith, and labour of love, and patience of hope in our Lord Jesus Christ, in the sight of God and our Father; |
| 4 | tichiziva hama dzinodikanwa, kusanangurwa kwenyu naMwari; | Knowing, brethren beloved, your election of God. |
| 5 | nokuti evhangeri yedu haina kuuya kwamuri mushoko chete, asiwo musimba, nemuMweya Mutsvene, nemukuvimbisa kukuru, sezvamunoziva kuti takange tiri vanhu vakadini pakati penyu nekuda kwenyu. | For our gospel came not unto you in word only, but also in power, and in the Holy Ghost, and in much assurance; as ye know what manner of men we were among you for your sake. |
| 6 | Nemwi makava vateveri vedu nevaIshe, magamuchira shoko mukutambudzika kukuru, nemufaro weMweya Mutsvene, | And ye became followers of us, and of the Lord, having received the word in much affliction, with joy of the Holy Ghost: |
| 7 | zvekuti makava mienzaniso kune vese vanotenda muMakedhonia neAkaya. | So that ye were ensamples to all that believe in Macedonia and Achaia. |
| 8 | Nokuti kwamuri kwakanzwikwa shoko raIshe, kwete muMakedhonia neAkaya chete, asiwo kunzvimbo imwe neimwe rutendo rwenyu kuna Mwari rwakabudira kunze, zvekuti hatifaniri kutaura chinhu. | For from you sounded out the word of the Lord not only in Macedonia and Achaia, but also in every place your faith to God-ward is spread abroad; so that we need not to speak any thing. |
| 9 | Nokuti ivo vamene vanoparidza pamusoro pedu kuti takapinda nemutoo upi kwamuri; uye kuti makatendeukira sei kuna Mwari muchibva pazvifananidzo, kuti mushumire Mwari mupenyu uye wechokwadi, | For they themselves shew of us what manner of entering in we had unto you, and how ye turned to God from idols to serve the living and true God; |
| 10 | uye makamirira Mwanakomana wake achibva kumatenga, waakamutsa kuvakafa, ndiye Jesu anotinunura pahasha dzinouya. | And to wait for his Son from heaven, whom he raised from the dead, even Jesus, which delivered us from the wrath to come. |
Shona Bible — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GFDL · 출처 ↗
King James Version — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GPL