로그인

누가복음 9장 Shona Bible

Shona Bible · 쇼나어 · 누가복음 (Luke) · 62절 · 대역: King James Version

절Shona BibleKing James Version
1 Zvino wakadanira pamwe vadzidzi vake gumi nevaviri, akavapa simba nechikuriri pamusoro pemadhimoni ese, nekuporesa zvirwere. Then he called his twelve disciples together, and gave them power and authority over all devils, and to cure diseases.
2 Akavatuma kuparidza ushe hwaMwari nekuporesa varwere. And he sent them to preach the kingdom of God, and to heal the sick.
3 Zvino akati kwavari: Musatakura chinhu cherwendo, kana mudonzvo, kana nhava, kana chingwa, kana mari; uye musava nenguvo refu mbiri umwe neumwe. And he said unto them, Take nothing for your journey, neither staves, nor scrip, neither bread, neither money; neither have two coats apiece.
4 Uye imba ipi neipi yamunopinda mairi, garaimo, mugobvamo. And whatsoever house ye enter into, there abide, and thence depart.
5 Uye ani nani asingakugamuchirii, kana mobuda paguta iro, zuzai kunyange guruva patsoka dzenyu, huve uchapupu hunopikisana navo. And whosoever will not receive you, when ye go out of that city, shake off the very dust from your feet for a testimony against them.
6 Zvino vakabva vakaenda vachigura nemumisha yese, vachiparidza evhangeri, nekuporesa pese-pese. And they departed, and went through the towns, preaching the gospel, and healing every where.
7 Zvino Herodhe, umwe wevatongi vana, wakanzwa zvese zvakaitwa naye; akakanganisika, nokuti zvairehwa nevamwe kuti Johwani wakange amuka kubva kuvakafa; Now Herod the tetrarch heard of all that was done by him: and he was perplexed, because that it was said of some, that John was risen from the dead;
8 nevamwe kuti Eria waonekwa; nevamwe kuti umwe muporofita wevekare wamuka. And of some, that Elias had appeared; and of others, that one of the old prophets was risen again.
9 Asi Herodhe wakati: Johwani ndakagura musoro ini; asi ndiani uyu, ini wandinonzwa zvinhu zvakadai pamusoro pake? Akatsvaka kumuona. And Herod said, John have I beheaded: but who is this, of whom I hear such things? And he desired to see him.
10 Zvino vaapositori vakati vadzoka, vakamurondedzera zvese zvavakange vaita. Akavatora, akaenda navo vari vega kunzvimbo yerenje reguta rinonzi Bhetisaidha. And the apostles, when they were returned, told him all that they had done. And he took them, and went aside privately into a desert place belonging to the city called Bethsaida.
11 Zvino zvaunga zvakati zvazviziva, zvikamutevera; akavagamuchira, akataura kwavari zveushe hwaMwari, akaporesa vakange vachida kuporeswa. And the people, when they knew it, followed him: and he received them, and spake unto them of the kingdom of God, and healed them that had need of healing.
12 Zuva raiva rotanga kuvira; vanegumi nevaviri vakaswedera vakati kwaari: Regai chaunga chiende, kuti vaende kumisha nekuruwa rwakapoteredza, vagare, vawane kudya; nokuti pano patiri panzvimbo yerenje. And when the day began to wear away, then came the twelve, and said unto him, Send the multitude away, that they may go into the towns and country round about, and lodge, and get victuals: for we are here in a desert place.
13 Asi wakati kwavari: Vapei imwi ivo kuti vadye. Vakati: Hatina zvinopfuura zvingwa zvishanu, nehove mbiri, kunze kwekuti isu taenda kunotengera vanhu ava vese kudya. But he said unto them, Give ye them to eat. And they said, We have no more but five loaves and two fishes; except we should go and buy meat for all this people.
14 Nokuti vaiva varume vanenge zvuru zvishanu. Akati kuvadzidzi vake: Vagarisei pasi mumapoka, rimwe nerimwe makumi mashanu. For they were about five thousand men. And he said to his disciples, Make them sit down by fifties in a company.
15 Vakaita saizvozvo, vakavagarisa vese pasi. And they did so, and made them all sit down.
16 Zvino akatora zvingwa zvishanu nehove mbiri, akatarira kumusoro kudenga, akazviropafadza, akazvimedura, ndokupa vadzidzi kuti vagadzike pamberi pechaunga. Then he took the five loaves and the two fishes, and looking up to heaven, he blessed them, and brake, and gave to the disciples to set before the multitude.
17 Vakadya, vakaguta vese; kukanongwa zvimedu zvakasara kwavari, matengu gumi nemaviri. And they did eat, and were all filled: and there was taken up of fragments that remained to them twelve baskets.
18 Zvino zvakaitika ari ega achinyengetera, vadzidzi vakange vanaye; akavabvunza, achiti: Zvaunga zvinoti ndini ani? And it came to pass, as he was alone praying, his disciples were with him: and he asked them, saying, Whom say the people that I am?
19 Ivo vakapindura vakati: Johwani Mubhabhatidzi; asi vamwe: Eria; nevamwe vakati: Umwe muporofita wevekare wamuka. They answering said, John the Baptist; but some say, Elias; and others say, that one of the old prophets is risen again.
20 Akati kwavari: Ko imwi munoti ndini ani? Petro akapindura akati: Kristu waMwari. He said unto them, But whom say ye that I am? Peter answering said, The Christ of God.
21 Akavayambirisa, akaraira kuti varege kuudza munhu izvi; And he straitly charged them, and commanded them to tell no man that thing;
22 achiti: Mwanakomana wemunhu anofanira kutambudzika zvikuru, nekurambwa nevakuru nevapristi vakuru nevanyori, nekuurawa, nekumutswa zuva retatu. Saying, The Son of man must suffer many things, and be rejected of the elders and chief priests and scribes, and be slain, and be raised the third day.
23 Zvino wakati kune vese: Kana munhu achida kuuya shure kwangu, ngaazvirambe, atakure muchinjikwa wake zuva rimwe nerimwe, anditevere. And he said to them all, If any man will come after me, let him deny himself, and take up his cross daily, and follow me.
24 Nokuti ani nani anoda kuponesa upenyu hwake, acharasikirwa nahwo; asi ani nani anorasikirwa neupenyu hwake nekuda kwangu, iye achahuponesa. For whosoever will save his life shall lose it: but whosoever will lose his life for my sake, the same shall save it.
25 Nokuti munhu angabatsirwa nei, kana akawana nyika yese, asi iye pachake azvitadzire kana kurasikirwa? For what is a man advantaged, if he gain the whole world, and lose himself, or be cast away?
26 Nokuti ani nani anonyara pamusoro pangu nepamashoko angu, Mwanakomana wemunhu achanyara pamusoro pake paanouya mukubwinya kwake nekwaBaba nekwevatumwa vatsvene. For whosoever shall be ashamed of me and of my words, of him shall the Son of man be ashamed, when he shall come in his own glory, and in his Father’s, and of the holy angels.
27 Asi ndinokuudzai zvechokwadi: Varipo vamwe vevamire pano vasingazoraviri rufu, kusvikira vaona ushe hwaMwari. But I tell you of a truth, there be some standing here, which shall not taste of death, till they see the kingdom of God.
28 Zvino zvakaitika mazuva anenge masere mushure memashoko awa, kuti wakatora Petro naJohwani naJakobho, akakwira mugomo kunonyengetera. And it came to pass about an eight days after these sayings, he took Peter and John and James, and went up into a mountain to pray.
29 Zvino zvakaitika mukunyengetera kwake, chimiro chechiso chake chikashanduka, uye nguvo yake ikachena, ikapenya. And as he prayed, the fashion of his countenance was altered, and his raiment was white and glistering.
30 Zvino tarira, varume vaviri vakataura naye, vaiva Mozisi naEria. And, behold, there talked with him two men, which were Moses and Elias:
31 Vakaonekwa mukubwinya, vakataura zvekubva kwake kwaakange achinopedzisa paJerusarema. Who appeared in glory, and spake of his decease which he should accomplish at Jerusalem.
32 Asi Petro nevaiva naye vakange varemerwa nehope; asi vakati vapepuka, vakaona kubwinya kwake, nevarume vaviri vaiva vamire naye. But Peter and they that were with him were heavy with sleep: and when they were awake, they saw his glory, and the two men that stood with him.
33 Zvino zvakaitika pakubva kwavo paari, Petro akati kuna Jesu: Tenzi, zvakanaka kuti tive pano; zvino ngatiite matende matatu, rimwe renyu, nerimwe raMozisi, nerimwe raEria, asingazivi zvaanoreva. And it came to pass, as they departed from him, Peter said unto Jesus, Master, it is good for us to be here: and let us make three tabernacles; one for thee, and one for Moses, and one for Elias: not knowing what he said.
34 Wakati achitaura izvi, kwakauya gore rikavadzikatira; vakatya pakupinda kwavo mugore. While he thus spake, there came a cloud, and overshadowed them: and they feared as they entered into the cloud.
35 Zvino kwakabuda inzwi mugore, richiti: Uyu Mwanakomana wangu anodikanwa; inzwai iye. And there came a voice out of the cloud, saying, This is my beloved Son: hear him.
36 Zvino inzwi rakati raitika, Jesu akawanikwa ari ega. Asi ivo vakanyarara, vakasaudza munhu mumazuva iwayo chimwe chezvinhu zvavakange vaona. And when the voice was past, Jesus was found alone. And they kept it close, and told no man in those days any of those things which they had seen.
37 Zvino zvakaitika kuti nezuva raitevera, vaburuka mugomo, chaunga chikuru chikamuchingamidza. And it came to pass, that on the next day, when they were come down from the hill, much people met him.
38 Zvino tarira, murume muchaunga wakadanidzira, achiti: Mudzidzisi, ndinokukumbirisai, tarirai mwanakomana wangu nokuti ndiye wakaberekwa umwe wega wangu; And, behold, a man of the company cried out, saying, Master, I beseech thee, look upon my son: for he is mine only child.
39 zvino tarirai, mweya unomubata, pakarepo woridza mhere, uye unomugwinhisa achipupuma furo, unorema kubva paari, asi uchimusvuura. And, lo, a spirit taketh him, and he suddenly crieth out; and it teareth him that he foameth again, and bruising him hardly departeth from him.
40 Zvino ndakakumbirisa vadzidzi venyu kuti vaubudise, asi vakasagona. And I besought thy disciples to cast him out; and they could not.
41 Jesu achipindura akati: Haiwa zera risina rutendo rakatsauka, ndichava nemwi kusvikira rinhi, ndichikuitirai moyo murefu? Uisa mwanakomana wako pano. And Jesus answering said, O faithless and perverse generation, how long shall I be with you, and suffer you? Bring thy son hither.
42 Zvino wakati achaswedera, dhimoni rikamudambura, rikamugwinhisa zvikuru; asi Jesu akatsiura mweya wetsvina, akaporesa mwana, akamudzosera kuna baba vake. And as he was yet a coming, the devil threw him down, and tare him. And Jesus rebuked the unclean spirit, and healed the child, and delivered him again to his father.
43 Vese ndokushamiswa zvikuru neukuru hwaMwari. Zvino vese vachakashamisika nezvese Jesu zvaakaita, akati kuvadzidzi vake: And they were all amazed at the mighty power of God. But while they wondered every one at all things which Jesus did, he said unto his disciples,
44 Imwi isai mashoko awa munzeve dzenyu: Nokuti Mwanakomana wemunhu achakumikidzwa mumaoko evanhu. Let these sayings sink down into your ears: for the Son of man shall be delivered into the hands of men.
45 Asi havana kuziva chirevo ichi, uye chakange chakavanzika kwavari, kuti vasachinzwisisa; vakatya kumubvunza pamusoro pechirevo ichi. But they understood not this saying, and it was hid from them, that they perceived it not: and they feared to ask him of that saying.
46 Zvino kwakamuka nharo pakati pavo, kuti ndiani angava mukurusa kwavari. Then there arose a reasoning among them, which of them should be greatest.
47 Asi Jesu wakati achiona kufunga kwemoyo wavo, akatora mucheche, akamuisa parutivi rwake, And Jesus, perceiving the thought of their heart, took a child, and set him by him,
48 akati kwavari: Ani nani anogamuchira mucheche uyu muzita rangu, anogamuchira ini, uye ani nani anogamuchira ini anogamuchira wakandituma; nokuti mudikisa pakati penyu mese, ndiye achava mukuru. And said unto them, Whosoever shall receive this child in my name receiveth me: and whosoever shall receive me receiveth him that sent me: for he that is least among you all, the same shall be great.
49 Johwani akapindura akati: Tenzi, taona umwe achibudisa madhimoni muzita renyu, tikamudzivisa, nokuti haateverani nesu. And John answered and said, Master, we saw one casting out devils in thy name; and we forbad him, because he followeth not with us.
50 Asi Jesu akati kwaari: Musamudzivisa, nokuti uyo asingatipikisi, ndewedu. And Jesus said unto him, Forbid him not: for he that is not against us is for us.
51 Zvino zvakaitika pakupera kwemazuva ekukwidzwa kwake, kuti iye akarinzira chiso chake kuenda kuJerusarema, And it came to pass, when the time was come that he should be received up, he stedfastly set his face to go to Jerusalem,
52 akatuma vatumwa pamberi pechiso chake; vakaenda, vakapinda mumusha weVaSamaria, kunomugadzirira. And sent messengers before his face: and they went, and entered into a village of the Samaritans, to make ready for him.
53 Asi havana kumugamuchira, nokuti chiso chake chaienda kuJerusarema. And they did not receive him, because his face was as though he would go to Jerusalem.
54 Zvino vadzidzi vake, Jakobho naJohwani, vakati vachizviona vakati: Ishe, munoda kuti tiraire moto uburuke kubva kudenga, uvapedze, Eria sezvaakaitawo here? And when his disciples James and John saw this, they said, Lord, wilt thou that we command fire to come down from heaven, and consume them, even as Elias did?
55 Asi wakatendeuka akavatsiura akati: Hamuzivi kuti imwi muri vemweya wakadii. But he turned, and rebuked them, and said, Ye know not what manner of spirit ye are of.
56 Nokuti Mwanakomana wemunhu haana kuuya kuzoparadza upenyu hwevanhu asi kuhuponesa. Ndokuenda kune umwe musha. For the Son of man is not come to destroy men’s lives, but to save them. And they went to another village.
57 Zvino zvakaitika vachifamba munzira, umwe wakati kwaari: Ishe, ndichakuteverai kupi zvako kwamunoenda. And it came to pass, that, as they went in the way, a certain man said unto him, Lord, I will follow thee whithersoever thou goest.
58 Jesu akati kwaari: Makava ane mwena, neshiri dzedenga matendere; asi Mwanakomana wemunhu haana paanotsamhidza musoro. And Jesus said unto him, Foxes have holes, and birds of the air have nests; but the Son of man hath not where to lay his head.
59 Akati kune umwe: Nditevere. Asi iye akati: Ishe, nditenderei ndiende kunoviga baba vangu pakutanga. And he said unto another, Follow me. But he said, Lord, suffer me first to go and bury my father.
60 Asi Jesu wakati kwaari: Rega vakafa vavige vakafa vavo; asi iwe enda unoparidza ushe hwaMwari. Jesus said unto him, Let the dead bury their dead: but go thou and preach the kingdom of God.
61 Umwezve akati: Ndichakuteverai Ishe, asi nditenderei kutanga kuti ndinovawoneka ivo vari mumba mangu. And another also said, Lord, I will follow thee; but let me first go bid them farewell, which are at home at my house.
62 Asi Jesu akati kwaari: Hakuna ungati kana aisa ruoko rwake pagejo, akacheukira kuzvinhu zviri shure, wakafanira ushe hwaMwari. And Jesus said unto him, No man, having put his hand to the plough, and looking back, is fit for the kingdom of God.

Shona Bible — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GFDL · 출처 ↗
King James Version — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GPL