누가복음 10장 Shona Bible
Shona Bible · 쇼나어 · 누가복음 (Luke) · 42절 · 대역: King James Version
| 절 | Shona Bible | King James Version |
|---|---|---|
| 1 | Shure kwezvinhu izvi, Ishe akagadza vamwe makumi manomwewo, akavatuma vaviri vaviri pamberi pechiso chake muguta rimwe nerimwe nenzvimbo imwe neimwe iye kwaakange achizoenda. | After these things the Lord appointed other seventy also, and sent them two and two before his face into every city and place, whither he himself would come. |
| 2 | Naizvozvo wakati kwavari: Goho zvirokwazvo iguru, asi vashandi vashoma. Naizvozvo kumbirai Ishe wegoho kuti abudisire vashandi pagoho rake. | Therefore said he unto them, The harvest truly is great, but the labourers are few: pray ye therefore the Lord of the harvest, that he would send forth labourers into his harvest. |
| 3 | Endai; tarirai, ini ndinokutumai semakwayana pakati pemapumhi. | Go your ways: behold, I send you forth as lambs among wolves. |
| 4 | Musatakura chikwama, kana nhava, kana manyatera; uye musakwazisa munhu panzira. | Carry neither purse, nor scrip, nor shoes: and salute no man by the way. |
| 5 | Zvino paimba ipi neipi yamunopinda, tangai kuti: Rugare kuimba ino. | And into whatsoever house ye enter, first say, Peace be to this house. |
| 6 | Uye kana mwanakomana werugare ari ipapo, rugare rwenyu ruchazorora pamusoro payo; kana zvisakadaro, ruchadzokera kwamuri. | And if the son of peace be there, your peace shall rest upon it: if not, it shall turn to you again. |
| 7 | Garai muimba iyo, muchidya nekunwa zvinobva kwavari; nokuti mushandi wakafanirwa nemubairo wake; musapota-pota nedzimba. | And in the same house remain, eating and drinking such things as they give: for the labourer is worthy of his hire. Go not from house to house. |
| 8 | Muguta ripi neripi mamunopinda vakakugamuchirai, idyai zvinoiswa mberi kwenyu, | And into whatsoever city ye enter, and they receive you, eat such things as are set before you: |
| 9 | muporese varwere varimo, muchiti kwavari: Ushe hwaMwari hwaswedera kwamuri. | And heal the sick that are therein, and say unto them, The kingdom of God is come nigh unto you. |
| 10 | Asi muguta ripi neripi ramunopinda, vakasakugamuchirayi, budirai munzira dzaro, muti: | But into whatsoever city ye enter, and they receive you not, go your ways out into the streets of the same, and say, |
| 11 | Kunyange guruva reguta renyu rakatinamatira, tinorikuhumurira kwamuri; asi muzive chinhu ichi, kuti ushe hwaMwari hwaswedera kwamuri. | Even the very dust of your city, which cleaveth on us, we do wipe off against you: notwithstanding be ye sure of this, that the kingdom of God is come nigh unto you. |
| 12 | Asi ndinoti kwamuri: Zvichava nani kuSodhoma nezuva iro, kupfuura guta iro. | But I say unto you, that it shall be more tolerable in that day for Sodom, than for that city. |
| 13 | Une nhamo, Korazini! Une nhamo, Bhetisaidha! Nokuti dai akaitwa muTire neSidhoni mabasa esimba akaitwa mamuri, vangadai vatendeuka kare, vakagara vakapfeka masaga nedota. | Woe unto thee, Chorazin! woe unto thee, Bethsaida! for if the mighty works had been done in Tyre and Sidon, which have been done in you, they had a great while ago repented, sitting in sackcloth and ashes. |
| 14 | Asi zvichava nani kuTire neSidhoni pakutongwa, kupfuura imwi. | But it shall be more tolerable for Tyre and Sidon at the judgment, than for you. |
| 15 | Newe Kapenaume, wakasimudzirwa kudenga, uchawisirwa pasi kuhadhesi*. | And thou, Capernaum, which art exalted to heaven, shalt be thrust down to hell. |
| 16 | Anokunzwai imwi anondinzwa ini; neanokurambai imwi anondiramba ini; neanondiramba ini anomuramba wakandituma. | He that heareth you heareth me; and he that despiseth you despiseth me; and he that despiseth me despiseth him that sent me. |
| 17 | Vanemakumi manomwe vakadzoka nemufaro, vachiti: Ishe, nemadhimoni anozviisa pasi pedu muzita renyu. | And the seventy returned again with joy, saying, Lord, even the devils are subject unto us through thy name. |
| 18 | Zvino akati kwavari: Ndakaona Satani semheni achiwa achibva kudenga. | And he said unto them, I beheld Satan as lightning fall from heaven. |
| 19 | Tarirai, ndinopa kwamuri simba rekutsika pamusoro penyoka nezvinyavada, nepamusoro pesimba rese remuvengi; hakuna chinhu chingatongokukuvadzai. | Behold, I give unto you power to tread on serpents and scorpions, and over all the power of the enemy: and nothing shall by any means hurt you. |
| 20 | Asi musafara nechinhu ichi kuti mweya inozviisa pasi penyu; asi zvikuru mufare kuti mazita enyu akanyorwa kumatenga. | Notwithstanding in this rejoice not, that the spirits are subject unto you; but rather rejoice, because your names are written in heaven. |
| 21 | Neawa iro Jesu wakafara mumweya, akati: Ndinokuvongai, Baba, Ishe wekudenga nenyika, kuti makavanza zvinhu izvi kune vakachenjera nevanonzwisisa, mukazvizarurira vacheche; hongu, Baba, nokuti saizvozvo zvakava zvakanaka pamberi penyu. | In that hour Jesus rejoiced in spirit, and said, I thank thee, O Father, Lord of heaven and earth, that thou hast hid these things from the wise and prudent, and hast revealed them unto babes: even so, Father; for so it seemed good in thy sight. |
| 22 | Zvese zvakakumikidzwa kwandiri naBaba vangu; uye hakuna anoziva kuti Mwanakomana ndiani, kunze kwaBaba, uye kuti Baba ndiani, kunze kweMwanakomana, uye ani nani Mwanakomana waanoda kuzarurira. | All things are delivered to me of my Father: and no man knoweth who the Son is, but the Father; and who the Father is, but the Son, and he to whom the Son will reveal him. |
| 23 | Zvino akatendeukira kuvadzidzi vari vega akati: Akaropafadzwa meso anoona zvamunoona. | And he turned him unto his disciples, and said privately, Blessed are the eyes which see the things that ye see: |
| 24 | Nokuti ndinoti kwamuri: Vaporofita vazhinji nemadzimambo vaishuva kuona zvinhu zvamunoona imwi, asi havana kuzviona, nekunzwa zvinhu zvamunonzwa, asi havana kuzvinzwa. | For I tell you, that many prophets and kings have desired to see those things which ye see, and have not seen them; and to hear those things which ye hear, and have not heard them. |
| 25 | Zvino tarira, imwe nyanzvi yemutemo yakasimuka, ichimuidza, ichiti: Mudzidzisi, ndingaitei kuti ndigare nhaka yeupenyu husingaperi? | And, behold, a certain lawyer stood up, and tempted him, saying, Master, what shall I do to inherit eternal life? |
| 26 | Ndokuti kwaari: Pamurairo pakanyorwei? Unoverenga sei? | He said unto him, What is written in the law? how readest thou? |
| 27 | Uye achipindura, akati: Ude Ishe Mwari wako, nemoyo wako wese, uye nemweya wako wese, uye nesimba rako rese, uye nefungwa dzako dzese; neumwe wako sezvaunozvida iwe. | And he answering said, Thou shalt love the Lord thy God with all thy heart, and with all thy soul, and with all thy strength, and with all thy mind; and thy neighbour as thyself. |
| 28 | Akati kwaari: Wapindura zvakarurama; ita izvi, ugorarama. | And he said unto him, Thou hast answered right: this do, and thou shalt live. |
| 29 | Iye, achida kuzviruramisa, wakati kuna Jesu: Zvino ndiani umwe wangu? | But he, willing to justify himself, said unto Jesus, And who is my neighbour? |
| 30 | Jesu akapindura akati: Umwe munhu wakaburuka kubva kuJerusarema achienda kuJeriko; akawira pakati pemakororo, akamukururawo akamupa mavanga akaenda, ndokusiya oda kufa. | And Jesus answering said, A certain man went down from Jerusalem to Jericho, and fell among thieves, which stripped him of his raiment, and wounded him, and departed, leaving him half dead. |
| 31 | Zvakangoitikawo kuti umwe mupristi wakange achiburuka nenzira iyo; akati achimuona, akapfuura neparutivi rwakapesa. | And by chance there came down a certain priest that way: and when he saw him, he passed by on the other side. |
| 32 | Saizvozvowo muRevhi asvika panzvimbo iyo, akamuona, akapfuura neparutivi rwakapesa. | And likewise a Levite, when he was at the place, came and looked on him, and passed by on the other side. |
| 33 | Zvino umwe muSamaria, wakange achifamba wakasvika paaiva, akati achimuona akanzwa tsitsi, | But a certain Samaritan, as he journeyed, came where he was: and when he saw him, he had compassion on him, |
| 34 | akaswedera ndokupomba mavanga ake, achidira mafuta newaini; akamugadza pachipfuwo chake pachake, ndokumuisa kuimba yevafambi, ndokumuchengeta. | And went to him, and bound up his wounds, pouring in oil and wine, and set him on his own beast, and brought him to an inn, and took care of him. |
| 35 | Zvino pamangwana oenda, wakabudisa madhenario* maviri akapa kumwene weimba, akati kwaari: Muchengete; uye zvese zvaunoshandisa kupfuura izvi, ini ndichakupazve, kana ndichidzoka. | And on the morrow when he departed, he took out two pence, and gave them to the host, and said unto him, Take care of him; and whatsoever thou spendest more, when I come again, I will repay thee. |
| 36 | Naizvozvo ndeupi wevatatu ava waunofunga kuti waiva umwe waiye wakawira pakati pemakororo? | Which now of these three, thinkest thou, was neighbour unto him that fell among the thieves? |
| 37 | Akati: Ndiye wakamuitira tsitsi. Ipapo Jesu akati kwaari: Enda, newe unoita saizvozvo. | And he said, He that shewed mercy on him. Then said Jesus unto him, Go, and do thou likewise. |
| 38 | Zvino zvakaitika pakufamba kwavo, kuti iye wakapinda mune umwe musha; umwe mukadzi wainzi Marita akamugamuchira mumba make. | Now it came to pass, as they went, that he entered into a certain village: and a certain woman named Martha received him into her house. |
| 39 | Uye iye wakange ane munin'inawo wainzi Maria, wakagarawo pamakumbo aJesu, akanzwa shoko rake. | And she had a sister called Mary, which also sat at Jesus’ feet, and heard his word. |
| 40 | Asi Marita wakange akabatikana kwazvo nekushanda kukuru, akaswedera akati: Ishe, hamuna hanya here nokuti munin'ina wangu wandisiya ndega ndichishanda? Naizvozvo muudzei kuti andibatsire. | But Martha was cumbered about much serving, and came to him, and said, Lord, dost thou not care that my sister hath left me to serve alone? bid her therefore that she help me. |
| 41 | Jesu akapindura akati kwaari: Marita, Marita, unozvidya moyo nekutambudzika nezvinhu zvizhinji; | And Jesus answered and said unto her, Martha, Martha, thou art careful and troubled about many things: |
| 42 | asi chinhu chimwe chinodikanwa; asi Maria wasanangura mugove wakanaka, waasingazotorerwi. | But one thing is needful: and Mary hath chosen that good part, which shall not be taken away from her. |
Shona Bible — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GFDL · 출처 ↗
King James Version — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GPL