로그인

누가복음 14장 Shona Bible

Shona Bible · 쇼나어 · 누가복음 (Luke) · 35절 · 대역: King James Version

절Shona BibleKing James Version
1 Zvino zvakaitika pakupinda kwake mumba meumwe wevakuru kuVaFarisi kuzodya chingwa nesabata, kuti ivo vakamucherekedza. And it came to pass, as he went into the house of one of the chief Pharisees to eat bread on the sabbath day, that they watched him.
2 Zvino tarira, kwakange kune umwe munhu pamberi pake waiva nerukandwe. And, behold, there was a certain man before him which had the dropsy.
3 Jesu ndokupindura akataura kunyanzvi dzemutemo neVaFarisi, achiti: Zviri pamutemo here kuporesa nesabata? And Jesus answering spake unto the lawyers and Pharisees, saying, Is it lawful to heal on the sabbath day?
4 Asi vakanyarara. Zvino akamubata akamuporesa ndokurega achienda. And they held their peace. And he took him, and healed him, and let him go;
5 Akavapindura achiti: Ndiani wenyu, ungati ane mbongoro kana nzombe ikawira mugomba, akasaisimudza pakarepo nezuva resabata? And answered them, saying, Which of you shall have an ass or an ox fallen into a pit, and will not straightway pull him out on the sabbath day?
6 Vakasagona kumupindurazve pamusoro pezvinhu izvi. And they could not answer him again to these things.
7 Zvino wakataura mufananidzo kune vakakokwa, achiona kuti vanosarudza sei zvigaro zvepamusoro, akati kwavari: And he put forth a parable to those which were bidden, when he marked how they chose out the chief rooms; saying unto them,
8 Kana wakokwa neumwe munhu kumuchato, usagara pachigaro chepamusoro; zvimwe umwe anokudzwa kupfuura iwe wakokwa naye, When thou art bidden of any man to a wedding, sit not down in the highest room; lest a more honourable man than thou be bidden of him;
9 zvino wakakukoka iwe naiye asvike ati kwauri: Dziurira uyu; ipapo uchatanga kutora nzvimbo yepasisa nenyadzi. And he that bade thee and him come and say to thee, Give this man place; and thou begin with shame to take the lowest room.
10 Asi kana wakokwa, enda ugare panzvimbo yepasisa, kuti kana uyo wakakukoka achisvika, angati kwauri: Shamwari, kwira kumusoro; zvino uchava nerukudzo pamberi pevagere pakudya newe. But when thou art bidden, go and sit down in the lowest room; that when he that bade thee cometh, he may say unto thee, Friend, go up higher: then shalt thou have worship in the presence of them that sit at meat with thee.
11 Nokuti ani nani anozvikwiridzira, achaninipiswa; neanozvininipisa achakwiridzirwa. For whosoever exalteth himself shall be abased; and he that humbleth himself shall be exalted.
12 Ipapo akatiwo kune wakamukoka: Kana waita chisvusvuro kana chirairo, usadana shamwari dzako, kana vanakomana vamai vako, kana hama dzako, kana vavakidzani vafumi, zvimwe ivowo vangazokukokazve, ugoripirwa. Then said he also to him that bade him, When thou makest a dinner or a supper, call not thy friends, nor thy brethren, neither thy kinsmen, nor thy rich neighbours; lest they also bid thee again, and a recompence be made thee.
13 Asi kana waita mabiko, dana varombo, vanokamhina, mhetamakumbo, mapofu; But when thou makest a feast, call the poor, the maimed, the lame, the blind:
14 uye ucharopafadzwa, nokuti havana zvokukuripira nazvo, nokuti ucharipirwa pakumuka kwevakarurama. And thou shalt be blessed; for they cannot recompense thee: for thou shalt be recompensed at the resurrection of the just.
15 Umwe wevakange vagere naye pakudya wakati achinzwa zvinhu izvi, akati kwaari: Wakaropafadzwa uyo achadya chingwa paushe hwaMwari. And when one of them that sat at meat with him heard these things, he said unto him, Blessed is he that shall eat bread in the kingdom of God.
16 Asi akati kwaari: Umwe munhu wakaita chirairo chikuru, akakokera vazhinji. Then said he unto him, A certain man made a great supper, and bade many:
17 Akatuma muranda wake nenguva yekuraira kuti ati kune vakange vakakokwa: Uyai, nokuti zvese zvagadzirwa zvino. And sent his servant at supper time to say to them that were bidden, Come; for all things are now ready.
18 Zvino vese vakatanga umwe neumwe kuzvikumbirira ruregerero. Wekutanga akati kwaari: Ndatenga munda, ndinofanira kuenda ndinomuona; ndinokukumbira, ini undiregerere. And they all with one consent began to make excuse. The first said unto him, I have bought a piece of ground, and I must needs go and see it: I pray thee have me excused.
19 Uye umwe akati: Ndatenga zvipani zvishanu zvenzombe, ndinoenda kunodziidza; ndinokumbira, ini undiregerere. And another said, I have bought five yoke of oxen, and I go to prove them: I pray thee have me excused.
20 Uye umwe akati: Ndawana mukadzi, naizvozvo handigoni kuuya. And another said, I have married a wife, and therefore I cannot come.
21 Zvino muranda uyo wakauya akapira zvinhu izvi ishe wake. Ipapo mwene weimba akatsamwa, akati kumuranda wake: Buda nekukurumidza uende kumigwagwa nemunzira dzemuguta, upinze pano varombo, nevanokamhina, nemhetamakumbo, nemapofu. So that servant came, and shewed his lord these things. Then the master of the house being angry said to his servant, Go out quickly into the streets and lanes of the city, and bring in hither the poor, and the maimed, and the halt, and the blind.
22 Muranda ndokuti: Ishe, zvaitwa sezvamaraira, asi nzvimbo ichipo. And the servant said, Lord, it is done as thou hast commanded, and yet there is room.
23 Ishe akati kumuranda: Buda kumigwagwa nekuuzhowa, ugombedzere vapinde, kuti imba yangu izadzwe. And the lord said unto the servant, Go out into the highways and hedges, and compel them to come in, that my house may be filled.
24 Nokuti ndinoti kwamuri: Hakuna umwe kune varume avo vakakokwa acharavira chirairo changu. For I say unto you, That none of those men which were bidden shall taste of my supper.
25 Zvino zvaunga zvikuru zvaifamba naye; akatendeuka akati kwavari: And there went great multitudes with him: and he turned, and said unto them,
26 Kana ani nani achiuya kwandiri, akasavenga baba vake namai, nemukadzi, nevana, nevanin'ina nemadzikoma, nehanzvadzi, hongu, kunyange neupenyu hwake, haagoni kuva mudzidzi wangu. If any man come to me, and hate not his father, and mother, and wife, and children, and brethren, and sisters, yea, and his own life also, he cannot be my disciple.
27 Zvino ani nani asingatakuri muchinjikwa wake akanditevera, haagoni kuva mudzidzi wangu. And whosoever doth not bear his cross, and come after me, cannot be my disciple.
28 Nokuti ndiani wenyu, anoti achida kuvaka shongwe, asingatangi agara pasi, akaverenga madhuriro, kana ane zvekupedzesa? For which of you, intending to build a tower, sitteth not down first, and counteth the cost, whether he have sufficient to finish it?
29 Kuti zvimwe ateya nheyo akasagona kupedza, vese vanoona vanotanga kumuseka, Lest haply, after he hath laid the foundation, and is not able to finish it, all that behold it begin to mock him,
30 vachiti: Uyu munhu akatanga kuvaka, asi akakoniwa kupedzisa. Saying, This man began to build, and was not able to finish.
31 Kana ndeupi mambo, kana achienda kuhondo akamirisana neumwe mambo, asingatangi agara pasi, akafungisisa kuti angagona here nezvuru gumi kusangana neanouya akapikisana naye nezvuru makumi maviri? Or what king, going to make war against another king, sitteth not down first, and consulteth whether he be able with ten thousand to meet him that cometh against him with twenty thousand?
32 Asi kana zvisakadaro, iye achiri kure, anotuma nhume, akumbire zverugare. Or else, while the other is yet a great way off, he sendeth an ambassage, and desireth conditions of peace.
33 Saka saizvozvo, ani nani kwamuri asingasii zvese zvaanazvo, haagoni kuva mudzidzi wangu. So likewise, whosoever he be of you that forsaketh not all that he hath, he cannot be my disciple.
34 Munyu wakanaka; asi kana munyu warasa kuvava, ucharungwa nei? Salt is good: but if the salt have lost his savour, wherewith shall it be seasoned?
35 Hauchina kufanira kunyange pamunda, kana padutu remupfudze; vanourasira kunze. Ane nzeve dzekunzwa, ngaanzwe. It is neither fit for the land, nor yet for the dunghill; but men cast it out. He that hath ears to hear, let him hear.

Shona Bible — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GFDL · 출처 ↗
King James Version — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GPL