로그인

누가복음 13장 Shona Bible

Shona Bible · 쇼나어 · 누가복음 (Luke) · 35절 · 대역: King James Version

절Shona BibleKing James Version
1 Zvino panguva iyo kwakange kune vamwe vakamuudza zveVaGarirea, ropa ravo Pirato raakange avhenganisa nezvibairo zvavo. There were present at that season some that told him of the Galileans, whose blood Pilate had mingled with their sacrifices.
2 Zvino Jesu achipindura wakati kwavari: Munofunga kuti VaGarirea ava vaiva vatadzi kupfuura VaGarirea vese here, nokuti vakatambudzika zvinhu zvakadai? And Jesus answering said unto them, Suppose ye that these Galileans were sinners above all the Galileans, because they suffered such things?
3 Ndinoti kwamuri: Kwete, asi kana musingatendeuki, mese muchaparara saizvozvo. I tell you, Nay: but, except ye repent, ye shall all likewise perish.
4 Kana vaya gumi nevasere, shongwe payakawira pamusoro pavo muSiroami ikavauraya, munofunga kuti ivo vakange vane ngava kukunda vanhu vese vaigara muJerusarema here? Or those eighteen, upon whom the tower in Siloam fell, and slew them, think ye that they were sinners above all men that dwelt in Jerusalem?
5 Ndinoti kwamuri: Kwete, asi kana musingatendeuki, mese muchaparara saizvozvo. I tell you, Nay: but, except ye repent, ye shall all likewise perish.
6 Zvino wakataura mufananidzo uyu akati: Umwe wakange ane muonde wakange wakasimwa mumunda wake wemizambiringa; akasvika achitsvaka chibereko kwauri, asi wakashaiwa. He spake also this parable; A certain man had a fig tree planted in his vineyard; and he came and sought fruit thereon, and found none.
7 Zvino wakati kumurimi wemunda wemizambiringa: Tarira, makore matatu ndichiuya ndichitsvaka chibereko pamuonde uyu, ndikashaiwa; uteme, unourayirei kunyange ivhu? Then said he unto the dresser of his vineyard, Behold, these three years I come seeking fruit on this fig tree, and find none: cut it down; why cumbereth it the ground?
8 Iye achipindura wakati kwaari: Ishe, muregei gore rinowo, kusvikira nditimbe ndichiupoteredza, nekuuisa mupfudze; And he answering said unto him, Lord, let it alone this year also, till I shall dig about it, and dung it:
9 zvino kana ukabereka chibereko, zvakanaka; asi kana zvikasadaro, shure kweizvozvo mungazoutema. And if it bear fruit, well: and if not, then after that thou shalt cut it down.
10 Zvino waiva achidzidzisa mune rimwe remasinagoge nesabata; And he was teaching in one of the synagogues on the sabbath.
11 zvino tarira, kwaiva kune mukadzi waiva nemweya weundonda makore gumi nemasere, wakange akakombama musana, asingagoni kutasamuka zvizere. And, behold, there was a woman which had a spirit of infirmity eighteen years, and was bowed together, and could in no wise lift up herself.
12 Zvino Jesu wakati achimuona, akamudanira kwaari, akati kwaari: Mukadzi, wasunungurwa paundonda hwako. And when Jesus saw her, he called her to him, and said unto her, Woman, thou art loosed from thine infirmity.
13 Ndokuisa maoko pamusoro pake; pakarepo akatasanudzwa, akarumbidza Mwari. And he laid his hands on her: and immediately she was made straight, and glorified God.
14 Asi mutungamiriri wesinagoge wakapindura akatsamwa nokuti Jesu wakaporesa nesabata, akati kuchaunga: Pane mazuva matanhatu anofanira kubatwa nawo; naizvozvo uyai naiwayo muporeswe, asi kwete nemusi wesabata. And the ruler of the synagogue answered with indignation, because that Jesus had healed on the sabbath day, and said unto the people, There are six days in which men ought to work: in them therefore come and be healed, and not on the sabbath day.
15 Naizvozvo Ishe wakamupindura, akati: Munyepedzeri, umwe neumwe wenyu haangasununguri nzombe yake kana mbongoro pachidyiro nesabata akaitungamidza kunoinwisa here? The Lord then answered him, and said, Thou hypocrite, doth not each one of you on the sabbath loose his ox or his ass from the stall, and lead him away to watering?
16 Zvino uyu, ari mukunda waAbhurahama, Satani waakange akasunga, tarira, makore gumi nemasere, hazvina kufanira kuti asunungurwe pachisungo ichi nezuva resabata here? And ought not this woman, being a daughter of Abraham, whom Satan hath bound, lo, these eighteen years, be loosed from this bond on the sabbath day?
17 Zvino achireva zvinhu izvi, vapikisi vake vese vakanyadziswa; asi chaunga chese chakafara nezvinhu zvese zvinorumbidzwa zvakaitwa naye. And when he had said these things, all his adversaries were ashamed: and all the people rejoiced for all the glorious things that were done by him.
18 Zvino akati: Ushe hwaMwari hwakaita sei? Uye ndichahufananidza nei? Then said he, Unto what is the kingdom of God like? and whereunto shall I resemble it?
19 Hwakaita setsanga yemasitadha, munhu yaakatora akakanda mubindu rake; ikakura, ikaita muti mukuru, neshiri dzekudenga dzikavaka matendere pamatavi awo. It is like a grain of mustard seed, which a man took, and cast into his garden; and it grew, and waxed a great tree; and the fowls of the air lodged in the branches of it.
20 Akatizve: Ndichahufananidza nei ushe hwaMwari? And again he said, Whereunto shall I liken the kingdom of God?
21 Hwakaita sembiriso, mukadzi yaakatora akaiisa muzviyero zvitatu zveupfu, kusvikira hwese hwaviriswa. It is like leaven, which a woman took and hid in three measures of meal, till the whole was leavened.
22 Zvino wakafamba achipfuura mumaguta nemisha achidzidzisa, ari munzira kuenda kuJerusarema. And he went through the cities and villages, teaching, and journeying toward Jerusalem.
23 Umwe ndokuti kwaari: Ishe, vachaponeswa vashoma here? Akati kwavari: Then said one unto him, Lord, are there few that be saved? And he said unto them,
24 Rwisai kupinda nesuwo rakamanikana; nokuti vazhinji, ndinoti kwamuri, vachatsvaka kupinda, asi havangagoni. Strive to enter in at the strait gate: for many, I say unto you, will seek to enter in, and shall not be able.
25 Shure kwekunge mwene weimba asimuka avhara mukova, zvino mukatanga kumira kunze nekugogodza pamukova, muchiti: Ishe, Ishe, tizarurirei; iye agopindura achiti kwamuri: Handikuziviyi kwamunobva. When once the master of the house is risen up, and hath shut to the door, and ye begin to stand without, and to knock at the door, saying, Lord, Lord, open unto us; and he shall answer and say unto you, I know you not whence ye are:
26 Ipapo muchatanga kuti: Takadya nekunwa pamberi penyu, uye makadzidzisa panzira dzekwedu. Then shall ye begin to say, We have eaten and drunk in thy presence, and thou hast taught in our streets.
27 Asi achati: Ndinoti kwamuri: Handikuziviyi kwamunobva; ibvai kwandiri imwi mese vaiti vezvakaipa. But he shall say, I tell you, I know you not whence ye are; depart from me, all ye workers of iniquity.
28 Apo pachava nekuchema nekugeda-geda kwemeno, kana moona Abhurahama naIsaka naJakobho nevaporofita vese muushe hwaMwari, asi imwi marasirwa kunze. There shall be weeping and gnashing of teeth, when ye shall see Abraham, and Isaac, and Jacob, and all the prophets, in the kingdom of God, and you yourselves thrust out.
29 Uye vachabva kumabvazuva nemavirira, uye kubva kumaodzanyemba nechamhembe, vachagara pakudya muushe hwaMwari. And they shall come from the east, and from the west, and from the north, and from the south, and shall sit down in the kingdom of God.
30 Zvino tarirai, varipo vekupedzisira vachava vekutanga, uye varipo vekutanga vachava vekupedzisira. And, behold, there are last which shall be first, and there are first which shall be last.
31 Nezuva iroro kwakasvika vamwe VaFarisi, vachiti kwaari: Budai mubve pano, nokuti Herodhe anoda kukuurayai. The same day there came certain of the Pharisees, saying unto him, Get thee out, and depart hence: for Herod will kill thee.
32 Akati kwavari: Endai, munoudza gava iro, muti: Tarira, ndinobudisa madhimoni nekuita kuporesa nhasi namangwana, neretatu ndinopedzeredza. And he said unto them, Go ye, and tell that fox, Behold, I cast out devils, and I do cures to day and to morrow, and the third day I shall be perfected.
33 Asi zvakafanira kuti ndifambe nhasi namangwana nerinotevera, nokuti hazvigoneki kuti muporofita apararire kunze kweJerusarema. Nevertheless I must walk to day, and to morrow, and the day following: for it cannot be that a prophet perish out of Jerusalem.
34 Jerusarema, Jerusarema, iwe anouraya vaporofita, nekutaka nemabwe avo vanotumwa kwauri! Ndakange ndichida kazhinji sei kuunganidza vana vako semhambo hukwana dzayo pasi pemapapiro, asi hamuna kuda. O Jerusalem, Jerusalem, which killest the prophets, and stonest them that are sent unto thee; how often would I have gathered thy children together, as a hen doth gather her brood under her wings, and ye would not!
35 Tarirai, imba yenyu yasiiwa kwamuri riri dongo; asi zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Hamuchatongondioni, kusvikira zvasvika kuti muti: Ngaarumbidzwe iye anouya nezita raIshe! Behold, your house is left unto you desolate: and verily I say unto you, Ye shall not see me, until the time come when ye shall say, Blessed is he that cometh in the name of the Lord.

Shona Bible — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GFDL · 출처 ↗
King James Version — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GPL