고린도후서 6장 Shona Bible
Shona Bible · 쇼나어 · 고린도후서 (2 Corinthians) · 18절 · 대역: King James Version
| 절 | Shona Bible | King James Version |
|---|---|---|
| 1 | Zvino tinobata pamwe naye, nesu tinokumbira zvikuru kuti musagamuchira nyasha dzaMwari pasina; | We then, as workers together with him, beseech you also that ye receive not the grace of God in vain. |
| 2 | nokuti anoti: Nenguva yakafanira ndakakunzwa, uye nepazuva reruponeso ndakakubatsira; tarira, ikozvino inguva yakafanira; tarira, ikozvino izuva reruponeso. | (For he saith, I have heard thee in a time accepted, and in the day of salvation have I succoured thee: behold, now is the accepted time; behold, now is the day of salvation.) |
| 3 | Hatigumbusi kunyange pachinhu, kuti shumiro irege kumhurwa; | Giving no offence in any thing, that the ministry be not blamed: |
| 4 | asi pazvese tinozviratidza sevashumiri vaMwari, pakutsungirira kuzhinji, pamatambudziko, pakuomerwa, pakudzvinyirirwa, | But in all things approving ourselves as the ministers of God, in much patience, in afflictions, in necessities, in distresses, |
| 5 | pakurohwa, pakusungwa, pamabongozozo, pamabasa anorema, pakusarara, pakutsanya, | In stripes, in imprisonments, in tumults, in labours, in watchings, in fastings; |
| 6 | pakuchena, paruzivo, pamoyo murefu, paunyoro, paMweya Mutsvene, parudo rusinganyepedzeri, | By pureness, by knowledge, by longsuffering, by kindness, by the Holy Ghost, by love unfeigned, |
| 7 | pashoko rechokwadi, pasimba raMwari, pazvombo zvekururama kurudyi nekuruboshwe, | By the word of truth, by the power of God, by the armour of righteousness on the right hand and on the left, |
| 8 | nekukudzwa uye kuzvidzwa, nekureverwa zvakaipa uye kureverwa zvakanaka; sevanyepedzeri, tiri vechokwadiwo; | By honour and dishonour, by evil report and good report: as deceivers, and yet true; |
| 9 | sevasingazikanwi, tichizikanwawo zvikuru; sevanofa, tarirawo, tinorarama; sevanorohwa, tisingaurawiwo; | As unknown, and yet well known; as dying, and, behold, we live; as chastened, and not killed; |
| 10 | sevakasuruvadzwa, asi tichifara nguva dzese; sevarombo, asi tichifumisa vazhinji; sevasina chinhu, asi tine zvese. | As sorrowful, yet alway rejoicing; as poor, yet making many rich; as having nothing, and yet possessing all things. |
| 11 | VeKorinde, muromo wedu wakashamira imwi, moyo wedu wakuriswa. | O ye Corinthians, our mouth is open unto you, our heart is enlarged. |
| 12 | Hamudzvinyidzirwi matiri, asi munodzvinyidzirwa muvura hwenyu. | Ye are not straitened in us, but ye are straitened in your own bowels. |
| 13 | Zvino pakutsiva kwakadaro (ndinotaura sekune vana vangu), imwiwo kuriswai. | Now for a recompence in the same, (I speak as unto my children,) be ye also enlarged. |
| 14 | Musasungwa zvisina kufanira pajoko pamwe nevasingatendi; nokuti kururama kungava nekudyidzana kwei nekusarurama? Chiedza chingadyidzana sei nerima? | Be ye not unequally yoked together with unbelievers: for what fellowship hath righteousness with unrighteousness? and what communion hath light with darkness? |
| 15 | Uye Kristu ane kunzwana kwei naBeriari? Kana anotenda angava nemugove wei neasingatendi? | And what concord hath Christ with Belial? or what part hath he that believeth with an infidel? |
| 16 | Netembere yaMwari ine kutenderana kupi nezvifananidzo? Nokuti imwi muri tembere yaMwari mupenyu, Mwari sezvaakareva kuti: Ndichagara mavari, uye ndichafamba pakati pavo; ndichavawo Mwari wavo, uye ivo vachava vanhu vangu. | And what agreement hath the temple of God with idols? for ye are the temple of the living God; as God hath said, I will dwell in them, and walk in them; and I will be their God, and they shall be my people. |
| 17 | Naizvozvo budai pakati pavo mutsaurwe, anoreva Ishe, uye musabata chakasviba; iniwo ndichakugamuchirai. | Wherefore come out from among them, and be ye separate, saith the Lord, and touch not the unclean thing; and I will receive you, |
| 18 | Uye ndichava Baba kwamuri, nemwi muchava vanakomana nevanasikana kwandiri, anoreva Ishe Wemasimbaose. | And will be a Father unto you, and ye shall be my sons and daughters, saith the Lord Almighty. |
Shona Bible — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GFDL · 출처 ↗
King James Version — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GPL