로그인

고린도후서 5장 Shona Bible

Shona Bible · 쇼나어 · 고린도후서 (2 Corinthians) · 21절 · 대역: King James Version

절Shona BibleKing James Version
1 Nokuti tinoziva kuti kana imba yedu yenyika yetende ichiputswa, tine chivakwa chinobva kuna Mwari, imba isina kuitwa nemaoko, isingaperi kumatenga. For we know that if our earthly house of this tabernacle were dissolved, we have a building of God, an house not made with hands, eternal in the heavens.
2 Nokuti nemune iyi tinogomera, tichishuva kuti tifukidzwe neimba yedu inobva kudenga; For in this we groan, earnestly desiring to be clothed upon with our house which is from heaven:
3 kana nesu takapfekedzwa hatingawanikwi tisina chatakapfeka. If so be that being clothed we shall not be found naked.
4 Nokuti nesu tiri mutende tinogomera, tichiremerwa; nokuti hatishuvi kukururwa, asi kufukidzwa, kuti chinofa chimedzwe neupenyu. For we that are in this tabernacle do groan, being burdened: not for that we would be unclothed, but clothed upon, that mortality might be swallowed up of life.
5 Zvino wakatigadzirira chinhu ichochi ndiMwari, wakatipawo rubatso rweMweya. Now he that hath wrought us for the selfsame thing is God, who also hath given unto us the earnest of the Spirit.
6 Naizvozvo tine ushingi nguva dzose, tichiziva kuti tichiri kumusha mumuviri, tiri kure naIshe; Therefore we are always confident, knowing that, whilst we are at home in the body, we are absent from the Lord:
7 nokuti tinofamba nerutendo, kwete nekuona; (For we walk by faith, not by sight:)
8 naizvozvo tine ushingi, uye tinofara zvikuru kuti zviri nani kusava pamuviri, uye kuva kumusha naIshe. We are confident, I say, and willing rather to be absent from the body, and to be present with the Lord.
9 Naizvozvowo tinoedza zvikuru, kana tiri pamusha kana tisiri pamusha, kuti tigamuchirike kwaari. Wherefore we labour, that, whether present or absent, we may be accepted of him.
10 Nokuti tese tinofanira kuonekwa pamberi pechigaro chekutonga chaKristu, kuti umwe neumwe agamuchire zvinhu zvaakaita nemuviri, zvichienderana nezvaakaita, kana zvakanaka kana zvakaipa. For we must all appear before the judgment seat of Christ; that every one may receive the things done in his body, according to that he hath done, whether it be good or bad.
11 Naizvozvo tichiziva kutyisa kwaIshe tinonyengetedza vanhu, asi tinoratidzwa kuna Mwari; uye ndine chivimbo kuti tiratidzwewo pahana dzenyu. Knowing therefore the terror of the Lord, we persuade men; but we are made manifest unto God; and I trust also are made manifest in your consciences.
12 Nokuti hatizvizivisizve kwamuri, asi tinokupai mukana wekuzvirumbidza nekuda kwedu, kuti mugone kumirisana nevanozvirumbidza pachiso, kwetewo pamoyo. For we commend not ourselves again unto you, but give you occasion to glory on our behalf, that ye may have somewhat to answer them which glory in appearance, and not in heart.
13 Nokuti kana tichipenga, tinopenga kuna Mwari; kana tiri vanhu kwavo, tiri kwavo kwamuri. For whether we be beside ourselves, it is to God: or whether we be sober, it is for your cause.
14 Nokuti rudo rwaKristu rwunotimanikidza, nokuti tinoona izvozvi kuti kana umwe akafira vese, zvino vese vakafa; For the love of Christ constraineth us; because we thus judge, that if one died for all, then were all dead:
15 uye wakafira vese kuti avo vanorarama vachirega kuzozviraramira ivo, asi iye wakavafira nekumukazve. And that he died for all, that they which live should not henceforth live unto themselves, but unto him which died for them, and rose again.
16 Naizvozvo kubvira ikozvino isu hatizivi munhu panyama; uye kunyange kana takaziva Kristu panyama, asi ikozvino hatichamuzivi saizvozvo. Wherefore henceforth know we no man after the flesh: yea, though we have known Christ after the flesh, yet now henceforth know we him no more.
17 Kuti kana munhu ari muna Kristu, wava chisikwa chitsva; zvekare zvapfuura, tarira zvese zvava zvitsva. Therefore if any man be in Christ, he is a new creature: old things are passed away; behold, all things are become new.
18 Uye zvese zvinobva kuna Mwari, wakatiyananisa naye kubudikidza naJesu Kristu, uye wakatipa shumiro yeyananiso; And all things are of God, who hath reconciled us to himself by Jesus Christ, and hath given to us the ministry of reconciliation;
19 sezvinonzi Mwari wakange achiyananisa nyika kwaari muna Kristu, asingavaverengeri kudarika kwavo, akaisa kwatiri shoko reyananiso. To wit, that God was in Christ, reconciling the world unto himself, not imputing their trespasses unto them; and hath committed unto us the word of reconciliation.
20 Naizvozvo tiri nhume pachinzvimbo chaKristu, Mwari saanenge achikumbirisa nesu; tinokumbirisa pachinzvimbo chaKristu tichiti: Yananiswai naMwari. Now then we are ambassadors for Christ, as though God did beseech you by us: we pray you in Christ’s stead, be ye reconciled to God.
21 Nokuti uyo wakange asingazivi chivi wakamuita chivi pachinzvimbo chedu, kuti isu tive kururama kwaMwari maari. For he hath made him to be sin for us, who knew no sin; that we might be made the righteousness of God in him.

Shona Bible — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GFDL · 출처 ↗
King James Version — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GPL