로그인

고린도후서 3장 Shona Bible

Shona Bible · 쇼나어 · 고린도후서 (2 Corinthians) · 18절 · 대역: King James Version

절Shona BibleKing James Version
1 Tinotangazve kuzviratidza here? Kana tinotsvaka here, sevamwe, tsamba dzekuzviratidza kwamuri, kana dzekuratidza kunobva kwamuri? Do we begin again to commend ourselves? or need we, as some others, epistles of commendation to you, or letters of commendation from you?
2 Imwi muri tsamba yedu, yakanyorwa mumoyo yedu, inozikanwa nekuverengwa nevanhu vese; Ye are our epistle written in our hearts, known and read of all men:
3 muchiratidzwa kuti muri tsamba yaKristu inoshandiswa nesu, yakanyorwa kwete neingi, asi neMweya waMwari anorarama; kwete pamahwendefa emabwe, asi pamahwendefa enyama emoyo. Forasmuch as ye are manifestly declared to be the epistle of Christ ministered by us, written not with ink, but with the Spirit of the living God; not in tables of stone, but in fleshy tables of the heart.
4 Nechivimbo chakadai tinacho naKristu kuna Mwari; And such trust have we through Christ to God-ward:
5 kwete kuti tinokwanisa isu pachedu kufunga chimwe chinhu sechinobva kwatiri, asi kukwanisa kwedu kunobva kuna Mwari; Not that we are sufficient of ourselves to think any thing as of ourselves; but our sufficiency is of God;
6 iye wakatigonesa kuva vashumiri vesungano itsva, kwete yechakanyorwa asi yeMweya; nokuti chakanyorwa chinouraya, asi Mweya unoraramisa. Who also hath made us able ministers of the new testament; not of the letter, but of the spirit: for the letter killeth, but the spirit giveth life.
7 Asi kana ushumiri hwerufu, pazvinyorwa zvakavezwa pamabwe hwakasvikira mukubwinya, zvekuti vana vaIsraeri vakakoniwa kutarisisa chiso chaMozisi nekuda kwekubwinya kwechiso chake, kwaipedzwa, But if the ministration of death, written and engraven in stones, was glorious, so that the children of Israel could not stedfastly behold the face of Moses for the glory of his countenance; which glory was to be done away:
8 ko shumiro yeMweya haingazovi nekubwinya kukuru here? How shall not the ministration of the spirit be rather glorious?
9 Nokuti kana shumiro yekupiwa mhosva iri kubwinya, shumiro yekururama ichakunda zvikuru sei mukubwinya. For if the ministration of condemnation be glory, much more doth the ministration of righteousness exceed in glory.
10 Nokuti kunyange icho chakabwinyiswa hachina kubwinyiswa pachinhu ichi nekuda kwekubwinya uku kwakanyanyisa. For even that which was made glorious had no glory in this respect, by reason of the glory that excelleth.
11 Nokuti kana icho chinopedzwa chaiva nekubwinya, zvikuru sei icho chinogara, pakubwinya. For if that which is done away was glorious, much more that which remaineth is glorious.
12 Naizvozvo tine tariro yakadai, tinoshandisa ushingi ukuru mukutaura; Seeing then that we have such hope, we use great plainness of speech:
13 uye kwete saMozisi waiisa chifukidziro pachiso chake, kuti vana vaIsraeri varege kutarisisa kuguma kwezvinopedzwa. And not as Moses, which put a vail over his face, that the children of Israel could not stedfastly look to the end of that which is abolished:
14 Asi fungwa dzavo dzakaomeswa, nokuti kusvikira zuva rino chifukidziro ichochi chichiripo chisina kubviswa pakuverengwa kwetesitamende yekare, chakapedzwa muna Kristu. But their minds were blinded: for until this day remaineth the same vail untaken away in the reading of the old testament; which vail is done away in Christ.
15 Asi kusvikira zuva rino, kana kuchiverengwa Mozisi, chifukidziro chirere pamoyo wavo. But even unto this day, when Moses is read, the vail is upon their heart.
16 Chero rinhi kana achidzokera kuna Ishe, chifukidziro chinobviswa. Nevertheless when it shall turn to the Lord, the vail shall be taken away.
17 Zvino Ishe ndiye Mweya; uye pane Mweya waIshe pane rusununguko. Now the Lord is that Spirit: and where the Spirit of the Lord is, there is liberty.
18 Asi isu tese, nechiso chakashama tichiona sepachionioni kubwinya kwaIshe, tinoshandurirwa kumufananidzo iwoyo kubva pakubwinya kuenda pakubwinya, sezvinobva kuMweya waIshe. But we all, with open face beholding as in a glass the glory of the Lord, are changed into the same image from glory to glory, even as by the Spirit of the Lord.

Shona Bible — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GFDL · 출처 ↗
King James Version — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GPL