고린도후서 2장 Shona Bible
Shona Bible · 쇼나어 · 고린도후서 (2 Corinthians) · 17절 · 대역: King James Version
| 절 | Shona Bible | King James Version |
|---|---|---|
| 1 | Asi ndakazvipira izvi, kusauyazve kwamuri mukusuwa. | But I determined this with myself, that I would not come again to you in heaviness. |
| 2 | Nokuti kana ini ndichikusuwisai, ndiani zvino anondifadza, kunze kwaiye wakasuruvadzwa neni? | For if I make you sorry, who is he then that maketh me glad, but the same which is made sorry by me? |
| 3 | Zvino ndakakunyorerai chinhu ichi chakadai kuti ndasvika, ndirege kusuwiswa naivo vanofanira kundifadza, ndine chivimbo mamuri mese, kuti mufaro wangu ndewenyu mese. | And I wrote this same unto you, lest, when I came, I should have sorrow from them of whom I ought to rejoice; having confidence in you all, that my joy is the joy of you all. |
| 4 | Nokuti kubva mudambudziko guru nekusuruvara kwemoyo ndakakunyorerai nemisodzi mizhinji, kwete kuti murwadziswe, asi kuti muzive rudo rukurusa rwandinarwo kwamuri. | For out of much affliction and anguish of heart I wrote unto you with many tears; not that ye should be grieved, but that ye might know the love which I have more abundantly unto you. |
| 5 | Zvino kana umwe akarwadzisa, haana kurwadzisa ini, asi muchidimbu (kuti ndirege kukutakudzai mutoro) mese. | But if any have caused grief, he hath not grieved me, but in part: that I may not overcharge you all. |
| 6 | Kuranga uku kwakakwanira wakadai ndiko kwevazhinji; | Sufficient to such a man is this punishment, which was inflicted of many. |
| 7 | kuti panzvimbo yaizvozvi zviri nani kuti mumukanganwire nekunyaradza, zvimwe wakadaro arege kuodzwa moyo kwazvo nekusuruvara kukuru. | So that contrariwise ye ought rather to forgive him, and comfort him, lest perhaps such a one should be swallowed up with overmuch sorrow. |
| 8 | Naizvozvo ndinokukumbirisai kuti musimbise rudo kwaari. | Wherefore I beseech you that ye would confirm your love toward him. |
| 9 | Nokuti ndizvo zvandakanyorerawo, kuti ndizive kuedzwa kwenyu, kana muchiteerera pazvinhu zvese. | For to this end also did I write, that I might know the proof of you, whether ye be obedient in all things. |
| 10 | Zvino iye wamunokanganwira chinhu, neni ndinomukanganwira; nokuti kana neni ndichikanganwira chinhu, uyo wandinenge ndakakanganwira, ndinozviita nekuda kwenyu pamberi pechiso chaKristu, | To whom ye forgive any thing, I forgive also: for if I forgave any thing, to whom I forgave it, for your sakes forgave I it in the person of Christ; |
| 11 | kuti tirege kushandiswa naSatani; nokuti hatizi vasingazivi mano ake. | Lest Satan should get an advantage of us: for we are not ignorant of his devices. |
| 12 | Zvino ndichisvika paTroasi neevhangeri yaKristu, ndazarurirwa mukova muna Ishe, | Furthermore, when I came to Troas to preach Christ’s gospel, and a door was opened unto me of the Lord, |
| 13 | handina kuwana zororo pamweya wangu, pakusawana kwangu Tito hama yangu; asi ndakawonekana navo ndikabva ndikaenda kuMakedhonia. | I had no rest in my spirit, because I found not Titus my brother: but taking my leave of them, I went from thence into Macedonia. |
| 14 | Zvino ngaavongwe Mwari, anotikundisa nguva dzese muna Kristu, uye anoratidza nesu panzvimbo dzese hwema hweruzivo rwake. | Now thanks be unto God, which always causeth us to triumph in Christ, and maketh manifest the savour of his knowledge by us in every place. |
| 15 | Nokuti tiri hwema hunonhuhwira hwaKristu kuna Mwari pane ivo vanoponeswa nepane ivo vanoparara; | For we are unto God a sweet savour of Christ, in them that are saved, and in them that perish: |
| 16 | kune vamwe hwema hwerufu mukufa, nekune vamwe hwema hweupenyu muupenyu. Zvino ndiani angakwanira zvinhu izvi? | To the one we are the savour of death unto death; and to the other the savour of life unto life. And who is sufficient for these things? |
| 17 | Nokuti hatifanani nevazhinji vanokanganisa shoko raMwari; asi sevanobva pauchokwadi, asi sezvinobva kuna Mwari pamberi paMwari tinotaura muna Kristu. | For we are not as many, which corrupt the word of God: but as of sincerity, but as of God, in the sight of God speak we in Christ. |
Shona Bible — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GFDL · 출처 ↗
King James Version — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GPL