로그인

고린도후서 10장 Shona Bible

Shona Bible · 쇼나어 · 고린도후서 (2 Corinthians) · 18절 · 대역: King James Version

절Shona BibleKing James Version
1 Zvino ini Pauro ndomene ndinokukumbirisai neunyoro, uye moyochena waKristu, wakaninipiswa pakati penyu kana ndiripo, asi kana ndisipo ndine ushingi kwamuri; Now I Paul myself beseech you by the meekness and gentleness of Christ, who in presence am base among you, but being absent am bold toward you:
2 ndinokumbirisawo, kuti kana ndiripo, ndirege kuva neushingi nekuzvipira uku kwandinoverengerwa kuti ndine ushingi hwekumirisana nevamwe vanotifungira sevanofamba panyama. But I beseech you, that I may not be bold when I am present with that confidence, wherewith I think to be bold against some, which think of us as if we walked according to the flesh.
3 Nokuti kunyange tichifamba panyama, hatirwi maererano nenyama; For though we walk in the flesh, we do not war after the flesh:
4 nokuti zvombo zvehondo yedu hazvisi zvenyama, asi zvakasimba kubudikidza naMwari pakuputsa nhare, (For the weapons of our warfare are not carnal, but mighty through God to the pulling down of strong holds;)
5 tichiwisa mirangariro nechese chakakwirira chinozvikwiridza chichipesana neruzivo rwaMwari, nekuisa muutapwa murangariro wese pakuteerera Kristu; Casting down imaginations, and every high thing that exalteth itself against the knowledge of God, and bringing into captivity every thought to the obedience of Christ;
6 takazvigadzira kutsiva kusateerera kwese, kana kuteerera kwenyu kwazadzisika. And having in a readiness to revenge all disobedience, when your obedience is fulfilled.
7 Munotarira zvinhu pamaonekero azvo ekunze here? Kana munhu achizvivimba kuti iye ndewaKristu, ngaazvirangarirezve, kuti iye sezvaari waKristu, saizvozvo nesu tiri vaKristu. Do ye look on things after the outward appearance? If any man trust to himself that he is Christ’s, let him of himself think this again, that, as he is Christ’s, even so are we Christ’s.
8 Nokuti kana nezvinhu zvizhinjisa ndisazvirumbidzazve maererano nesimba redu, Ishe raakatipa pakuvaka, uye kwete rekuparadza kwedu, handinganyadziswi; For though I should boast somewhat more of our authority, which the Lord hath given us for edification, and not for your destruction, I should not be ashamed:
9 kuti ndirege kuonekwa sendinokutyityidzirai netsamba. That I may not seem as if I would terrify you by letters.
10 Nokuti vanoti: Tsamba dzake dzinorema uye dzine simba; asi kuvapo kwemuviri kune utera nekutaura kwake kunozvidzika. For his letters, say they, are weighty and powerful; but his bodily presence is weak, and his speech contemptible.
11 Wakadaro ngaarangarire ichi, kuti sezvatakadaro pashoko kubudikidza netsamba kana tisipo, nesu takadaro pakuita kana tiripo. Let such an one think this, that, such as we are in word by letters when we are absent, such will we be also in deed when we are present.
12 Nokuti hatina ushingi hwekuzviverengera kana kuzvifananidza nevamwe vevanozvirumbidza; asi ivo vanozvienzanisa vega, nekuzvifananidza pachavo, havanzwisisi. For we dare not make ourselves of the number, or compare ourselves with some that commend themselves: but they measuring themselves by themselves, and comparing themselves among themselves, are not wise.
13 Asi isu hatingazvikudzi zvinopfuura chipimo, asi zvinoenderana nechipimo chemuganhu Mwari waakatitemera, chipimo chekusvika nekwamuri. But we will not boast of things without our measure, but according to the measure of the rule which God hath distributed to us, a measure to reach even unto you.
14 Nokuti hatizvitandavadzi kupfuurikidza setisingasvikiri kwamuri, nokuti nekwamuriwo takasvika muevhangeri yaKristu; For we stretch not ourselves beyond our measure, as though we reached not unto you: for we are come as far as to you also in preaching the gospel of Christ:
15 tisingazvikudzi kupfuurikidza chipimo pamabasa evamwe; asi tine tariro, kuti kana rutendo rwenyu rwuchiwanzwa, isu tichakuriswa pakati penyu zvinoenderana nemuganhu wedu nekupfuurisa, Not boasting of things without our measure, that is, of other men’s labours; but having hope, when your faith is increased, that we shall be enlarged by you according to our rule abundantly,
16 kuparidza evhangeri pamatunhu ari mhiri kwenyu, kwete kuzvirumbidza pamuganhu weumwe pazvinhu zvakagadzirwa. To preach the gospel in the regions beyond you, and not to boast in another man’s line of things made ready to our hand.
17 Asi anozvirumbidza, ngaazvirumbidze muna Ishe. But he that glorieth, let him glory in the Lord.
18 Nokuti haasi anozvirumbidza uyo anogamuchirwa, asi Ishe waanorumbidza. For not he that commendeth himself is approved, but whom the Lord commendeth.

Shona Bible — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GFDL · 출처 ↗
King James Version — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GPL