로그인

갈라디아서 2장 Shona Bible

Shona Bible · 쇼나어 · 갈라디아서 (Galatians) · 21절 · 대역: King James Version

절Shona BibleKing James Version
1 Shure kweizvozvo kwapfuura makore gumi nemana ndakakwirazve kuJerusarema naBhanabhasi, ndikatorawo naTitosi. Then fourteen years after I went up again to Jerusalem with Barnabas, and took Titus with me also.
2 Zvino ndakakwira nekuzarurirwa, ndokuvarondedzera evhangeri yandinoparidza pakati pevahedheni, asi pachivande kune vakange vachikudzwa, zvimwe ndimhanyire kana ndakamhanyira pasina. And I went up by revelation, and communicated unto them that gospel which I preach among the Gentiles, but privately to them which were of reputation, lest by any means I should run, or had run, in vain.
3 Asi kunyange Titosi waiva neni, ari muGiriki, haana kurovererwa kuti adzingiswe; But neither Titus, who was with me, being a Greek, was compelled to be circumcised:
4 uye nekuda kwehama dzenhema, vakange vapinzwa pachivande, vakange vapinda nekunyangira kuzoshora kusununguka kwedu kwatinako muna Kristu Jesu, kuti vatiise muuranda; And that because of false brethren unawares brought in, who came in privily to spy out our liberty which we have in Christ Jesus, that they might bring us into bondage:
5 vatisina kutendera nekuzviisa pasi kunyange kweawa; kuti chokwadi cheevhangeri chirambe chigere nemwi. To whom we gave place by subjection, no, not for an hour; that the truth of the gospel might continue with you.
6 Asi kune vainzi chinhu (kunyange vaimbova chii hazvirevi chinhu kwandiri; Mwari haagamuchiri chimiro chemunhu), nokuti avo vaikudzwa havana kundiwedzera chinhu; But of these who seemed to be somewhat, (whatsoever they were, it maketh no matter to me: God accepteth no man’s person:) for they who seemed to be somewhat in conference added nothing to me:
7 asi zvakadaro, vakati vaona kuti evhangeri yevasina kudzingiswa yakakumikidzwa kwandiri, saPetro yevasina kudzingiswa, But contrariwise, when they saw that the gospel of the uncircumcision was committed unto me, as the gospel of the circumcision was unto Peter;
8 (nekuti iye wakaita nesimba kuna Petro kuvuapositori hwekudzingiswa, wakaita nesimba nekwandiri kuvahedheni); (For he that wrought effectually in Peter to the apostleship of the circumcision, the same was mighty in me toward the Gentiles:)
9 zvino vaziva nyasha dzandakapiwa, vanaJakobho naKefasi naJohwani, vaikudzwa kuva mbiru, vakapa ini naBhanabhasi ruoko rwerudyi rwekudyidzana, kuti isu tiende kuvahedheni, ivowo kune vakadzingiswa; And when James, Cephas, and John, who seemed to be pillars, perceived the grace that was given unto me, they gave to me and Barnabas the right hands of fellowship; that we should go unto the heathen, and they unto the circumcision.
10 chete kuti tirangarire varombo, ichocho chandakashingairirawo kuita. Only they would that we should remember the poor; the same which I also was forward to do.
11 Zvino Petro wakati asvika Andiyokiya, ndakamupikisa pachiso, nokuti wakange ane mhosva. But when Peter was come to Antioch, I withstood him to the face, because he was to be blamed.
12 Nokuti vamwe vasati vasvika vaibva kuna Jakobho, waidya nevahedheni; asi kana vasvika waisuduruka, achizviraura, achitya vekudzingiswa. For before that certain came from James, he did eat with the Gentiles: but when they were come, he withdrew and separated himself, fearing them which were of the circumcision.
13 Nevamwewo VaJudha vakanyepedzera pamwe naye, zvekuti Bhanabhasiwo wakatorwa neunyepedzeri hwavo. And the other Jews dissembled likewise with him; insomuch that Barnabas also was carried away with their dissimulation.
14 Asi ndakati ndaona kuti havafambi zvakarurama maererano nechokwadi cheevhangeri, ndakati kuna Petro pamberi pevese: Kana iwe uri muJudha, unorarama nemutoo wevahedheni, uye kwete sezvinoita VaJudha, unoroverera sei vahedheni kuti vararame seVaJudha? But when I saw that they walked not uprightly according to the truth of the gospel, I said unto Peter before them all, If thou, being a Jew, livest after the manner of Gentiles, and not as do the Jews, why compellest thou the Gentiles to live as do the Jews?
15 Isu tiri VaJudha pachisikirwo, uye kwete vatadzi vanobva kuvahedheni, We who are Jews by nature, and not sinners of the Gentiles,
16 tichiziva kuti munhu haanzi wakarurama nemabasa emurairo, asi nerutendo kuna Jesu Kristu, nesu takatenda kuna Kristu Jesu, kuti tinzi takarurama nerutendo kuna Kristu, uye kwete nemabasa emurairo; nokuti nemabasa emurairo hakuna nyama ichanzi yakarurama. Knowing that a man is not justified by the works of the law, but by the faith of Jesus Christ, even we have believed in Jesus Christ, that we might be justified by the faith of Christ, and not by the works of the law: for by the works of the law shall no flesh be justified.
17 Asi kana isu, tinotsvaka kunzi takarurama kuna Kristu, nesu tomene tiwanikwe tiri vatadzi, naizvozvo Kristu wava mushumiri wechivi here? Ngazvisadaro! But if, while we seek to be justified by Christ, we ourselves also are found sinners, is therefore Christ the minister of sin? God forbid.
18 Nokuti kana ndikavakazve izvi zvandakaputsa, ndinozviratidza kuva mudariki. For if I build again the things which I destroyed, I make myself a transgressor.
19 Nokuti ini nemurairo ndakafa kumurairo, kuti ndirarame kuna Mwari. For I through the law am dead to the law, that I might live unto God.
20 Ndakarovererwa pamuchinjikwa pamwe naKristu; asi ndinorarama; handisisiri ini, asi Kristu anorarama mandiri; asi zvandinorarama ikozvino panyama, ndinorarama nerutendo rweMwanakomana waMwari, wakandida akazvipa nekuda kwangu. I am crucified with Christ: nevertheless I live; yet not I, but Christ liveth in me: and the life which I now live in the flesh I live by the faith of the Son of God, who loved me, and gave himself for me.
21 Handishaisi nyasha dzaMwari maturo; nokuti kana kunzi wakarurama kunowanikwa nemurairo, saka Kristu wakafira pasina. I do not frustrate the grace of God: for if righteousness come by the law, then Christ is dead in vain.

Shona Bible — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GFDL · 출처 ↗
King James Version — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GPL