갈라디아서 1장 Shona Bible
Shona Bible · 쇼나어 · 갈라디아서 (Galatians) · 24절 · 대역: King James Version
| 절 | Shona Bible | King James Version |
|---|---|---|
| 1 | Pauro muapositori asingabvi kuvanhu, uye kwete nemunhu, asi naJesu Kristu, naMwari Baba vakamumutsa kubva kuvakafa, | Paul, an apostle, (not of men, neither by man, but by Jesus Christ, and God the Father, who raised him from the dead;) |
| 2 | nehama dzese dzineni, kumakereke eGaratia: | And all the brethren which are with me, unto the churches of Galatia: |
| 3 | Nyasha kwamuri nerugare rwunobva kuna Mwari Baba, naIshe wedu Jesu Kristu, | Grace be to you and peace from God the Father, and from our Lord Jesus Christ, |
| 4 | wakazvipa nekuda kwezvivi zvedu, kuti atisunungure panyika yakaipa yaikozvino, maererano nechido chaMwari naBaba vedu; | Who gave himself for our sins, that he might deliver us from this present evil world, according to the will of God and our Father: |
| 5 | kuve nekubwinya kwaari kusvikira rinhi narinhi. Ameni. | To whom be glory for ever and ever. Amen. |
| 6 | Ndinoshamisika kuti munokurumidza zvakadai kubva kune uyo wakakudanai munyasha dzaKristu, muchienda kune imwe evhangeri; | I marvel that ye are so soon removed from him that called you into the grace of Christ unto another gospel: |
| 7 | isati iri imwe; asi kune vamwe vanokutambudzai vachidawo kutsaudzira evhangeri yaKristu. | Which is not another; but there be some that trouble you, and would pervert the gospel of Christ. |
| 8 | Asi kunyange isu kana mutumwa anobva kudenga akakuparidzirai evhangeri yakasiyana neyatakaparidza kwamuri, ngaave chakatukwa. | But though we, or an angel from heaven, preach any other gospel unto you than that which we have preached unto you, let him be accursed. |
| 9 | Sezvatakamboreva, uye ndinorevazve ikozvino: Kana umwe akakuparidzirai evhangeri yakasiyana neyamakagamuchira, ngaave chakatukwa. | As we said before, so say I now again, If any man preach any other gospel unto you than that ye have received, let him be accursed. |
| 10 | Nokuti ikozvino ndinonyengetedza vanhu here kana Mwari? Kana ndinotsvaka kufadza vanhu here? Nokuti kana ndichiri kufadza vanhu, ndingadai ndisiri muranda waKristu. | For do I now persuade men, or God? or do I seek to please men? for if I yet pleased men, I should not be the servant of Christ. |
| 11 | Asi ndinokuzivisai, hama, evhangeri yakaparidzwa neni, kuti haina kuita seyevanhu. | But I certify you, brethren, that the gospel which was preached of me is not after man. |
| 12 | Nokuti neni handina kuigamuchira kumunhu, uye handina kuidzidziswa, asi nekuzarurirwa kwaJesu Kristu. | For I neither received it of man, neither was I taught it, but by the revelation of Jesus Christ. |
| 13 | Nokuti makanzwa mufambiro wangu kwekutanga pachiJudha, kuti ndaishusha kereke yaMwari zvikurusa sei, nekuiparadza; | For ye have heard of my conversation in time past in the Jews’ religion, how that beyond measure I persecuted the church of God, and wasted it: |
| 14 | uye ndaibudirira pachiJudha kupfuura vazhinji vezero rangu parudzi rwangu, ndichishingairisisa tsika dzemadzibaba angu. | And profited in the Jews’ religion above many my equals in mine own nation, being more exceedingly zealous of the traditions of my fathers. |
| 15 | Asi zvakati zvafadza Mwari, iye wakandisanangura kubva padumbu ramai vangu, akandidana nenyasha dzake, | But when it pleased God, who separated me from my mother’s womb, and called me by his grace, |
| 16 | kuratidza Mwanakomana wake mandiri, kuti ndimuparidze pakati pevahedheni, pakarepo handina kurangana nenyama neropa; | To reveal his Son in me, that I might preach him among the heathen; immediately I conferred not with flesh and blood: |
| 17 | uye handina kukwira kuJerusarema kune vakanditangira kuva vaapositori, asi ndakaenda kuArabhiya, ndikadzokerazve kuDhamasiko. | Neither went I up to Jerusalem to them which were apostles before me; but I went into Arabia, and returned again unto Damascus. |
| 18 | Ipapo shure kwemakore matatu ndakakwira kuJerusarema kunoona Petro, ndikagara naye mazuva gumi nemashanu. | Then after three years I went up to Jerusalem to see Peter, and abode with him fifteen days. |
| 19 | Asi handina kuona umwe wevaapositori, kunze kwaJakobho munin'ina waIshe. | But other of the apostles saw I none, save James the Lord’s brother. |
| 20 | Zvino zvinhu zvandinokunyorerai, tarira pamberi paMwari, kuti handinyepi. | Now the things which I write unto you, behold, before God, I lie not. |
| 21 | Shure kwaizvozvo ndakaenda kumatunhu eSiriya neeKirikia. | Afterwards I came into the regions of Syria and Cilicia; |
| 22 | Asi ndakange ndisingazikanwi pachiso nemakereke eJudhiya aiva muna Kristu; | And was unknown by face unto the churches of Judea which were in Christ: |
| 23 | asi vakange vanzwa chete kuti: Waititambudza nguva dzakapfuura, zvino woparidza rutendo rwaaimboparadza. | But they had heard only, That he which persecuted us in times past now preacheth the faith which once he destroyed. |
| 24 | Vakarumbidzawo Mwari mandiri. | And they glorified God in me. |
Shona Bible — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GFDL · 출처 ↗
King James Version — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GPL