로그인

히브리서 7장 Shona Bible

Shona Bible · 쇼나어 · 히브리서 (Hebrews) · 28절 · 대역: King James Version

절Shona BibleKing James Version
1 Nokuti Merikizedheki uyu, mambo weSaremi, mupristi waMwari Wekumusoro-soro, wakasangana naAbhurahama achidzoka kubva kunouraya madzimambo, ndokumuropafadza, For this Melchisedec, king of Salem, priest of the most high God, who met Abraham returning from the slaughter of the kings, and blessed him;
2 Abhurahama wakamugovera chegumi chezvese; iye pakutanga ari nekuturikirwa mambo wekururama, uye shure kweizvozvo mambo weSaremiwo, ndokuti mambo werugare; To whom also Abraham gave a tenth part of all; first being by interpretation King of righteousness, and after that also King of Salem, which is, King of peace;
3 asina baba, asina mai, asina dzinza, asina mavambo amazuva, kana kuguma kweupenyu, asi wakafananidzwa neMwanakomana waMwari, anogara ari mupristi nekusingaperi. Without father, without mother, without descent, having neither beginning of days, nor end of life; but made like unto the Son of God; abideth a priest continually.
4 Zvino rangarirai kuti mukuru sei uyu, teteguru Abhurahama vaakapawo chegumi chezvakapambiwa. Now consider how great this man was, unto whom even the patriarch Abraham gave the tenth of the spoils.
5 Zvino zvirokwazvo avo vanobva kuvanakomana VaRevhi vakagamuchira basa reupristi vane murairo wekutora chegumi kuvanhu zvichienderana nemurairo, ndiko kuti kuhama dzavo, kunyange vakabva muchiuno chaAbhurahama; And verily they that are of the sons of Levi, who receive the office of the priesthood, have a commandment to take tithes of the people according to the law, that is, of their brethren, though they come out of the loins of Abraham:
6 asi iye dzinza rake risina kuverengerwa kwavari wakagamuchira chegumi kuna Abhurahama, akamuropafadza iye wakange ane zvivimbiso. But he whose descent is not counted from them received tithes of Abraham, and blessed him that had the promises.
7 Zvino pasina kupikisa kwese, mudiki unoropafadzwa nemukuru. And without all contradiction the less is blessed of the better.
8 Uye pano vanhu vanofa vanogamuchira zvegumi; asi apo, anopupurirwa kuti mupenyu ndiye anogamuchira. And here men that die receive tithes; but there he receiveth them, of whom it is witnessed that he liveth.
9 Zvino, kunganzi, kubudikidza naAbhurahama Revhiwo anogamuchira zvegumi wakapa zvegumi; And as I may so say, Levi also, who receiveth tithes, payed tithes in Abraham.
10 nokuti wakange achiri muchiuno chababa, apo Merikizedheki akamuchingamidza. For he was yet in the loins of his father, when Melchisedec met him.
11 Naizvozvo, kana kupedzeredzwa kwaivapo neupristi hwaRevhi (nokuti pasi pahwo vanhu rwakapiwa murairo), ko umwe mupristi waifanira kuzomukirei kubva kurudzi rwaMerikizedheki, uye asingaidzwi werudzi rwaAroni? If therefore perfection were by the Levitical priesthood, (for under it the people received the law,) what further need was there that another priest should rise after the order of Melchisedec, and not be called after the order of Aaron?
12 Nokuti kana upristi huchishandurwa, zvinofanirawo kuti kuve neshanduko yemurairo. For the priesthood being changed, there is made of necessity a change also of the law.
13 Nokuti iye anorehwa zvinhu izvi pamusoro pake ndewerumwe rudzi, rwakange rusina munhu wakashumira paaritari. For he of whom these things are spoken pertaineth to another tribe, of which no man gave attendance at the altar.
14 Nokuti zviri pachena kuti Ishe wedu wakamuka kuna Judha, rudzi Mozisi rwaasina kumbotaura pamusoro parwo maererano neupristi. For it is evident that our Lord sprang out of Juda; of which tribe Moses spake nothing concerning priesthood.
15 Uye zvichiri pachena kwazvo kwazvo, kana kuchimuka umwe mupristi sewakatodzana naMerikizedheki, And it is yet far more evident: for that after the similitude of Melchisedec there ariseth another priest,
16 asina kuitwa nenzira yemurairo wekuraira kwenyama, asi nenzira yesimba reupenyu husingaparadziki. Who is made, not after the law of a carnal commandment, but after the power of an endless life.
17 Nokuti anopupura achiti: Iwe uri mupristi nekusingaperi kubva kurudzi rwaMerikizedheki. For he testifieth, Thou art a priest for ever after the order of Melchisedec.
18 Nokuti kuparadzwa kwemurairo wekutanga kwakavapo nekuda kweutera nekusabatsira kwawo; For there is verily a disannulling of the commandment going before for the weakness and unprofitableness thereof.
19 nokuti murairo hauna kupedzeredza chinhu, asi kutangiswa kwetariro iri nani kwakazviita, yatinoswedera nayo kuna Mwari. For the law made nothing perfect, but the bringing in of a better hope did; by the which we draw nigh unto God.
20 Uye zvaasina kuitwa pasina mhiko, And inasmuch as not without an oath he was made priest:
21 (nokuti ivo vakava vapristi pasina mhiko, asi iye nemhiko, kubudikidza naiye wakati kwaari: Ishe wakapika uye haangazvidembi achiti: Iwe uri mupristi nekusingaperi kubva kurudzi rwaMerikizedheki); (For those priests were made without an oath; but this with an oath by him that said unto him, The Lord sware and will not repent, Thou art a priest for ever after the order of Melchisedec:)
22 saizvozvo Jesu wakaitwa rubatso rwesungano inopfuura pakunaka. By so much was Jesus made a surety of a better testament.
23 Naivo zvirokwazvo vaiva vapristi vazhinji, nokuti vakadziviswa kugara nekuda kwerufu. And they truly were many priests, because they were not suffered to continue by reason of death:
24 Asi uyu, nokuti anogara nekusingaperi ane upristi husingapfuuri. But this man, because he continueth ever, hath an unchangeable priesthood.
25 Naizvozvo ane simbawo rekuponesa zvakakwana avo vanouya kuna Mwari nemaari, zvaanoraramira kuvareverera nekusingaperi. Wherefore he is able also to save them to the uttermost that come unto God by him, seeing he ever liveth to make intercession for them.
26 Nokuti mupristi mukuru wakadaro ndiye wakatifanira, mutsvene, asina chakaipa, asina kusvibiswa, wakaparadzaniswa nevatadzi, wakakwidzwa kupfuura matenga; For such an high priest became us, who is holy, harmless, undefiled, separate from sinners, and made higher than the heavens;
27 asingafaniri zuva nezuva, sevaya vapristi vakuru, kubaira chibairo pakutanga pamusoro pezvivi zvake pachake, pashure zvevanhu; nokuti wakaita izvozvi kamwe chete, paakazvibaira iye. Who needeth not daily, as those high priests, to offer up sacrifice, first for his own sins, and then for the people’s: for this he did once, when he offered up himself.
28 Nokuti murairo unogadza vanhu kuva vapristi vakuru, vane utera; asi shoko remhiko, rakatevera murairo, rinogadza Mwanakomana, wakakwana nekusingaperi. For the law maketh men high priests which have infirmity; but the word of the oath, which was since the law, maketh the Son, who is consecrated for evermore.

Shona Bible — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GFDL · 출처 ↗
King James Version — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GPL