히브리서 3장 Shona Bible
Shona Bible · 쇼나어 · 히브리서 (Hebrews) · 19절 · 대역: King James Version
| 절 | Shona Bible | King James Version |
|---|---|---|
| 1 | Naizvozvo, hama tsvene, vagovani vekudanwa kwekudenga, rangarirai muapositori nemupristi mukuru wekupupura kwedu, iye Kristu Jesu, | Wherefore, holy brethren, partakers of the heavenly calling, consider the Apostle and High Priest of our profession, Christ Jesus; |
| 2 | wakatendeka kuna iye wakamugadza, saMozisiwo muimba yake yese. | Who was faithful to him that appointed him, as also Moses was faithful in all his house. |
| 3 | Nokuti uyu wakanzi wakafanira rukudzo kupfuura Mozisi, sezvo anovaka imba ane rukudzo kuipfuura. | For this man was counted worthy of more glory than Moses, inasmuch as he who hath builded the house hath more honour than the house. |
| 4 | Nokuti imba imwe neimwe inovakwa neumwe; asi anovaka zvese ndiMwari. | For every house is builded by some man; but he that built all things is God. |
| 5 | Zvino Mozisi zvirokwazvo wakanga akatendeka muimba yake yese semuranda, kuti huve uchapupu hwezvinhu zvaizotaurwa; | And Moses verily was faithful in all his house, as a servant, for a testimony of those things which were to be spoken after; |
| 6 | asi Kristu seMwanakomana pamusoro peimba yake; imba yake yatiri isu, kana chete tikabatisisa kushinga nekuzvirumbidza kwetariro kusvika pakuguma. | But Christ as a son over his own house; whose house are we, if we hold fast the confidence and the rejoicing of the hope firm unto the end. |
| 7 | Naizvozvo sezvinotaura Mweya Mutsvene achiti: Nhasi kana muchinzwa inzwi rake, | Wherefore (as the Holy Ghost saith, To day if ye will hear his voice, |
| 8 | musaomesa moyo yenyu, sepakumukira, nezuva rekuedzwa murenje, | Harden not your hearts, as in the provocation, in the day of temptation in the wilderness: |
| 9 | madzibaba enyu paakandiedza, vachindinzvera, ndokuona mabasa angu makore makumi mana. | When your fathers tempted me, proved me, and saw my works forty years. |
| 10 | Naizvozvo ndakatsamwiswa nezera iro, ndokuti: Vanogara vachitsauka pamoyo; uye ava havana kuziva nzira dzangu; | Wherefore I was grieved with that generation, and said, They do alway err in their heart; and they have not known my ways. |
| 11 | naizvozvo ndakapika pakutsamwa kwangu, ndikati: Havangatongopindi pazororo rangu. | So I sware in my wrath, They shall not enter into my rest.) |
| 12 | Chenjererai, hama, kuti kusava nemoyo wakashata wekusatenda pakati peumwe neumwe wenyu, pakutsauka kubva kuna Mwari mupenyu; | Take heed, brethren, lest there be in any of you an evil heart of unbelief, in departing from the living God. |
| 13 | asi kurudziranai pazuva nezuva, kuchanzi nhasi; kuti kurege kuva neumwe wenyu anoomeswa nekunyengera kwechivi; | But exhort one another daily, while it is called To day; lest any of you be hardened through the deceitfulness of sin. |
| 14 | nokuti tava vagovani vaKristu, kana chete tichibatisisa kuvamba kwechivimbo kusvikira pakuguma; | For we are made partakers of Christ, if we hold the beginning of our confidence stedfast unto the end; |
| 15 | kuchanzi: Nhasi kana muchinzwa inzwi rake, musaomesa moyo yenyu, sepakumukira. | While it is said, To day if ye will hear his voice, harden not your hearts, as in the provocation. |
| 16 | Nokuti vamwe vakati vanzwa vakamukira, asi havasi vese vakabva Egipita kubudikidza naMozisi. | For some, when they had heard, did provoke: howbeit not all that came out of Egypt by Moses. |
| 17 | Asi wakatsamwiswa nani makore makumi mana? Havasi ivo vakatadza here, vane mitumbi yakawira murenje? | But with whom was he grieved forty years? was it not with them that had sinned, whose carcases fell in the wilderness? |
| 18 | Uye ndivana ani vaakapikira kuti havangapindi pazororo rake, kunze kweavo vasina kutenda? | And to whom sware he that they should not enter into his rest, but to them that believed not? |
| 19 | Zvino tinoona kuti vakange vasingagoni kupinda nekuda kwekusatenda. | So we see that they could not enter in because of unbelief. |
Shona Bible — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GFDL · 출처 ↗
King James Version — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GPL