요한삼서 1장 Shona Bible
Shona Bible · 쇼나어 · 요한삼서 (3 John) · 14절 · 대역: King James Version
| 절 | Shona Bible | King James Version |
|---|---|---|
| 1 | Mukuru, kuna Gayo anodikanwa, wandinoda ini pachokwadi. | The elder unto the wellbeloved Gaius, whom I love in the truth. |
| 2 | Mudikanwi, ndinonyengetera pazvinhu zvese kuti ubudirire, uye ugwinye, semweya wako uchibudirira. | Beloved, I wish above all things that thou mayest prosper and be in health, even as thy soul prospereth. |
| 3 | Nokuti ndakafara zvikuru, hama padzakasvika ndokupupurira chokwadi chako, sezvaunofamba iwe muchokwadi. | For I rejoiced greatly, when the brethren came and testified of the truth that is in thee, even as thou walkest in the truth. |
| 4 | Handina mufaro unopfuura izvi, kuti ndinzwe vana vangu vachifamba muchokwadi. | I have no greater joy than to hear that my children walk in truth. |
| 5 | Mudikanwi, unoita nekutendeka zvese zvaunobata kuhama nekuvaeni, | Beloved, thou doest faithfully whatsoever thou doest to the brethren, and to strangers; |
| 6 | vakapupurira rudo rwako pamberi pekereke; uchaita zvakanaka kana ukavaperekedza zvakafanira Mwari. | Which have borne witness of thy charity before the church: whom if thou bring forward on their journey after a godly sort, thou shalt do well: |
| 7 | Nokuti nekuda kwezita rake vakabuda vasingagamuchiri chinhu kuvahedheni. | Because that for his name’s sake they went forth, taking nothing of the Gentiles. |
| 8 | Naizvozvo isu tinofanira kugamuchira vakadaro, kuti tigova vanobatsirana pachokwadi. | We therefore ought to receive such, that we might be fellowhelpers to the truth. |
| 9 | Ndakanyorera kereke; asi Dhiotirefesi, anoda kuva wekutanga pakati pavo asingatigamuchiri. | I wrote unto the church: but Diotrephes, who loveth to have the preeminence among them, receiveth us not. |
| 10 | Naizvozvo, kana ndichiuya, ndicharangarira mabasa ake aanoita, achitiitira makuhwa nemashoko akaipa; uye asingagutsikani neizvozvo, kunyange iye amene haagamuchiri hama, uye anovadzivisa vanoda, nekudzinga mukereke. | Wherefore, if I come, I will remember his deeds which he doeth, prating against us with malicious words: and not content therewith, neither doth he himself receive the brethren, and forbiddeth them that would, and casteth them out of the church. |
| 11 | Mudikanwi, usatevera chakaipa, asi chakanaka. Anoita chakanaka ndeanobva kuna Mwari; asi anoita zvakaipa, haana kuona Mwari. | Beloved, follow not that which is evil, but that which is good. He that doeth good is of God: but he that doeth evil hath not seen God. |
| 12 | Dhemetrio anopupurirwa zvakanaka nevese, uye nechokwadi pachacho; nesuwo tinopupura, nemwi munoziva kuti kupupura kwedu ndekwechokwadi. | Demetrius hath good report of all men, and of the truth itself: yea, and we also bear record; and ye know that our record is true. |
| 13 | Ndakange ndine zvizhinji zvekunyora, asi handidi kukunyorera neingi nepeni; | I had many things to write, but I will not with ink and pen write unto thee: |
| 14 | asi ndinovimba kukurumidza kukuona, titauriranewo muromo nemuromo. Rugare kwauri. Vadikanwi vanokukwazisa. Kwazisa vadikanwi nezita. | But I trust I shall shortly see thee, and we shall speak face to face. Peace be to thee. Our friends salute thee. Greet the friends by name. |
Shona Bible — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GFDL · 출처 ↗
King James Version — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GPL