로그인

요한계시록 19장 Shona Bible

Shona Bible · 쇼나어 · 요한계시록 (Revelation) · 21절 · 대역: King James Version

절Shona BibleKing James Version
1 Zvino shure kweizvi ndakanzwa inzwi guru rechaunga chikuru kudenga, richiti: Hareruya! Ruponeso nekubwinya nerukudzo nesimba kuna Ishe Mwari wedu; And after these things I heard a great voice of much people in heaven, saying, Alleluia; Salvation, and glory, and honour, and power, unto the Lord our God:
2 nokuti mitongo yake ndeyechokwadi uye yakarurama; nokuti wakatonga mhombwe huru yakaodza nyika neupombwe hwayo, uye wakatsiva ropa revaranda vake paruoko rwayo. For true and righteous are his judgments: for he hath judged the great whore, which did corrupt the earth with her fornication, and hath avenged the blood of his servants at her hand.
3 Zvino vakati rwechipiri: Hareruya! Neutsi hwaro hunokwira kusvikira rinhi narinhi. And again they said, Alleluia. And her smoke rose up for ever and ever.
4 Zvino vakuru makumi maviri nevana nezvisikwa zvipenyu zvina vakawa vakanamata Mwari wakange agere pachigaro cheushe, vachiti: Ameni, Hareruya! And the four and twenty elders and the four beasts fell down and worshipped God that sat on the throne, saying, Amen; Alleluia.
5 Inzwi ndokubuda pachigaro cheushe, richiti: Rumbidzai Mwari wedu, imwi mese varanda vake, nevanomutya, zvese vadiki nevakuru. And a voice came out of the throne, saying, Praise our God, all ye his servants, and ye that fear him, both small and great.
6 Zvino ndakanzwa senzwi rechaunga chikuru, uye senzwi remvura zhinji, uye senzwi rekutinhira kune simba richiti: Hareruya! Nokuti anotonga Ishe Mwari Wemasimbaose. And I heard as it were the voice of a great multitude, and as the voice of many waters, and as the voice of mighty thunderings, saying, Alleluia: for the Lord God omnipotent reigneth.
7 Ngatifare, tipembere, nekupa rukudzo kwaari; nokuti muchato weGwayana wasvika, uye mukadzi waro wazvigadzirira. Let us be glad and rejoice, and give honour to him: for the marriage of the Lamb is come, and his wife hath made herself ready.
8 Kwaari kwakapiwa kuti amonere mucheka wakaisvonaka wakachena uye unopenya; nokuti mucheka wakaisvonaka ndiwo kururama kwevatsvene. And to her was granted that she should be arrayed in fine linen, clean and white: for the fine linen is the righteousness of saints.
9 Zvino wakati kwandiri: Nyora, uti: Vakaropafadzwa vakakokwa kuchirairo chemuchato weGwayana. Ndokuti kwandiri: Awa mashoko echokwadi aMwari. And he saith unto me, Write, Blessed are they which are called unto the marriage supper of the Lamb. And he saith unto me, These are the true sayings of God.
10 Zvino ndakawira pamberi petsoka dzake kuti ndimunamate; ndokuti kwandiri: Rega kudaro; ndiri muranda pamwe newe nehama dzako dzine uchapupu hwaJesu; namata Mwari, nokuti ndihwo uchapupu hwaJesu mweya wechiporofita. And I fell at his feet to worship him. And he said unto me, See thou do it not: I am thy fellowservant, and of thy brethren that have the testimony of Jesus: worship God: for the testimony of Jesus is the spirit of prophecy.
11 Zvino ndakaona denga rakazarurwa, zvino tarira, bhiza jena, newakange agere pamusoro paro anonzi Wakatendeka neWechokwadi, uye pakururama anotonga nekurwa. And I saw heaven opened, and behold a white horse; and he that sat upon him was called Faithful and True, and in righteousness he doth judge and make war.
12 Zvino meso ake akaita semurazvo wemoto; nepamusoro wake pane korona zhinji, ane zita rakanyorwa risina munhu wakariziva kunze kwake. His eyes were as a flame of fire, and on his head were many crowns; and he had a name written, that no man knew, but he himself.
13 Zvino wakamonera nguvo yakanyikwa muropa; uye zita rake rinonzi shoko raMwari. And he was clothed with a vesture dipped in blood: and his name is called The Word of God.
14 Uye hondo dzaiva kudenga dzakamutevera dzakatasva mabhizha machena, dzakapfeka mucheka wakaisvonaka muchena wakashambidzika. And the armies which were in heaven followed him upon white horses, clothed in fine linen, white and clean.
15 Zvino mumuromo make makabuda munondo unopinza, kuti nawo arove marudzi; uye iye achaatonga netsvimbo yedare; uye iye anotsika chisviniro chewaini chehasha uye chekutsamwa kwaMwari Wemasimbaose. And out of his mouth goeth a sharp sword, that with it he should smite the nations: and he shall rule them with a rod of iron: and he treadeth the winepress of the fierceness and wrath of Almighty God.
16 Uye panguvo nepachidzva chake pakange pakanyorwa zita rinoti: MAMBO WEMADZIMAMBO NAISHE WEMADZISHE. And he hath on his vesture and on his thigh a name written, KING OF KINGS, AND LORD OF LORDS.
17 Zvino ndakaona mutumwa umwe amire muzuva; akadanidzira nenzwi guru, achiti kushiri dzese dzinobhururuka pakati pedenga: Uyai muungane pamwe pachirairo chaMwari mukuru, And I saw an angel standing in the sun; and he cried with a loud voice, saying to all the fowls that fly in the midst of heaven, Come and gather yourselves together unto the supper of the great God;
18 kuti mudye nyama yemadzimambo, nenyama yevakuru vezvuru zvemazana, nenyama yevanhu vane simba, nenyama yemabhiza neyevatasvi vawo, nenyama yezvese, zvese yevakasununguka neyevakasungwa, zvese yevadiki neyevakuru. That ye may eat the flesh of kings, and the flesh of captains, and the flesh of mighty men, and the flesh of horses, and of them that sit on them, and the flesh of all men, both free and bond, both small and great.
19 Zvino ndakaona chikara, nemadzimambo enyika nehondo dzavo vakaungana pamwe kuti vaite hondo newakange akatasva bhiza, uye nehondo yake. And I saw the beast, and the kings of the earth, and their armies, gathered together to make war against him that sat on the horse, and against his army.
20 Zvino chikara chakabatwa, uye pamwe nacho muporofita wenhema wakaita zviratidzo pamberi pacho, zvaakanyengera nazvo vaya vakagamuchira mucherechedzo wechikara, nevakanamata mufananidzo wacho. Ava vese vakakandirwa vari vapenyu mudziva remoto unotsva nesarufa. And the beast was taken, and with him the false prophet that wrought miracles before him, with which he deceived them that had received the mark of the beast, and them that worshipped his image. These both were cast alive into a lake of fire burning with brimstone.
21 Uye vakasara vakaurawa nemunondo wewakange akatasva bhizha, wakabuda mumuromo make; neshiri dzese dzikagutiswa nenyama yavo. And the remnant were slain with the sword of him that sat upon the horse, which sword proceeded out of his mouth: and all the fowls were filled with their flesh.

Shona Bible — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GFDL · 출처 ↗
King James Version — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GPL