로그인

요한계시록 16장 Shona Bible

Shona Bible · 쇼나어 · 요한계시록 (Revelation) · 21절 · 대역: King James Version

절Shona BibleKing James Version
1 Zvino ndakanzwa inzwi guru kubva mutembere richiti kuvatumwa vanomwe: Endai, munodurura ndiro dzehasha dzaMwari panyika. And I heard a great voice out of the temple saying to the seven angels, Go your ways, and pour out the vials of the wrath of God upon the earth.
2 Zvino wekutanga wakaenda, akadurura ndiro yake panyika; ndokuuya ronda rakaipa rinorwadza pavanhu vakange vane mucherechedzo wechikara, nevakanamata mufananidzo wacho. And the first went, and poured out his vial upon the earth; and there fell a noisome and grievous sore upon the men which had the mark of the beast, and upon them which worshipped his image.
3 Zvino mutumwa wechipiri akadurura ndiro yake mugungwa; ndokuva ropa serewakafa; uye mweya mupenyu wega-wega ukafa mugungwa. And the second angel poured out his vial upon the sea; and it became as the blood of a dead man: and every living soul died in the sea.
4 Zvino mutumwa wechitatu akadurura ndiro yake munzizi nemuzvitubu zvemvura; ndokuva ropa. And the third angel poured out his vial upon the rivers and fountains of waters; and they became blood.
5 Zvino ndakanzwa mutumwa wemvura achiti: Makarurama, Ishe, aripo, newakange aripo, neachazovapo, nokuti makatonga izvi. And I heard the angel of the waters say, Thou art righteous, O Lord, which art, and wast, and shalt be, because thou hast judged thus.
6 Nokuti vakadurura ropa revatsvene nevaporofita, uye ropa makavapa kuti vanwe; nokuti vakafanira. For they have shed the blood of saints and prophets, and thou hast given them blood to drink; for they are worthy.
7 Zvino ndakanzwa umwe kubva muaritari achiti: Hongu, Ishe Mwari Wemasimbaose, kutonga kwenyu ndekwechokwadi uye kwakarurama. And I heard another out of the altar say, Even so, Lord God Almighty, true and righteous are thy judgments.
8 Zvino mutumwa wechina akadurura ndiro yake pamusoro pezuva; kukapiwa kwariri kupisa vanhu nemoto. And the fourth angel poured out his vial upon the sun; and power was given unto him to scorch men with fire.
9 Vanhu ndokupiswa nekupisa kukuru, ndokunyomba zita raMwari ane simba pamusoro pematambudziko awa, vakasatendeukawo kuti vamupe rukudzo. And men were scorched with great heat, and blasphemed the name of God, which hath power over these plagues: and they repented not to give him glory.
10 Zvino mutumwa wechishanu wakadurura ndiro yake pamusoro pechigaro cheushe chechikara; ushe hwacho ndokuva rima, ndokutsenga marimi avo nekurwadzwa. And the fifth angel poured out his vial upon the seat of the beast; and his kingdom was full of darkness; and they gnawed their tongues for pain,
11 Zvino vakanyomba Mwari wekudenga nekuda kwemarwadzo avo uye nekuda kwemaronda avo; asi havana kutendeuka pamabasa avo. And blasphemed the God of heaven because of their pains and their sores, and repented not of their deeds.
12 Zvino mutumwa wechitanhatu akadurura ndiro yake pamusoro perwizi rukuru Yufuratesi; mvura yarwo ndokupwa, kuti nzira yemadzimambo anobva kumabvazuva igadzirwe. And the sixth angel poured out his vial upon the great river Euphrates; and the water thereof was dried up, that the way of the kings of the east might be prepared.
13 Zvino ndakaona kubva mumuromo wezibukanana, nekubva mumuromo wechikara, nekubva mumuromo wemuporofita wenhema, mweya yetsvina mitatu sematafi; And I saw three unclean spirits like frogs come out of the mouth of the dragon, and out of the mouth of the beast, and out of the mouth of the false prophet.
14 nokuti ndiyo mweya yemadhimoni inoita zviratidzo, inobudira pamadzimambo epasi neenyika yese, kuvaunganidzira kuhondo yezuva iro guru raMwari Wemasimbaose. For they are the spirits of devils, working miracles, which go forth unto the kings of the earth and of the whole world, to gather them to the battle of that great day of God Almighty.
15 Tarira, ndinouya sembavha. Wakaropafadzwa anorinda, nekuchengeta nguvo dzake, kuti arege kufamba akashama, vaone nyadzi dzake. Behold, I come as a thief. Blessed is he that watcheth, and keepeth his garments, lest he walk naked, and they see his shame.
16 Zvino wakavaunganidzira kunzvimbo inonzi nechiHebheru Arimagedhoni. And he gathered them together into a place called in the Hebrew tongue Armageddon.
17 Zvino mutumwa wechinomwe akadurura ndiro yake mudenga; kukabuda inzwi guru kubva mutembere yekudenga, kubva pachigaro cheushe, richiti: Zvaitika! And the seventh angel poured out his vial into the air; and there came a great voice out of the temple of heaven, from the throne, saying, It is done.
18 Zvino kwakava nemanzwi nemitinhiro nemheni, ndokuva nekudengenyeka kwenyika kukuru, kwakadaro kusina kumbovapo kubva pakuvapo kwevanhu panyika, kudengenyeka kwenyika kune simba rakadai, kwakakura zvakadai. And there were voices, and thunders, and lightnings; and there was a great earthquake, such as was not since men were upon the earth, so mighty an earthquake, and so great.
19 Zvino guta guru rakava zvikamu zvitatu, maguta emarudzi ndokuwa; Bhabhironi guru ndokurangarirwa pamberi paMwari, kuti aripe mukombe wewaini yekutsamwa kwehasha dzake. And the great city was divided into three parts, and the cities of the nations fell: and great Babylon came in remembrance before God, to give unto her the cup of the wine of the fierceness of his wrath.
20 Zvino chiwi chega-chega chikatiza, nemakomo akasawanikwa. And every island fled away, and the mountains were not found.
21 Zvino chimvuramabwe chikuru chinorema setarenda* chikawira pamusoro pevanhu kubva kudenga; vanhu vakanyomba Mwari nekuda kwedambudziko rechimvuramambwe, nokuti dambudziko racho raiva guru kwazvo. And there fell upon men a great hail out of heaven, every stone about the weight of a talent: and men blasphemed God because of the plague of the hail; for the plague thereof was exceeding great.

Shona Bible — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GFDL · 출처 ↗
King James Version — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GPL