로그인

요한계시록 15장 Shona Bible

Shona Bible · 쇼나어 · 요한계시록 (Revelation) · 8절

  1. 1 Zvino ndakaona chimwe chiratidzo kudenga chikuru uye chinoshamisa, vatumwa vanomwe vane matambudziko manomwe ekupedzisira, nokuti mune awa kutsamwa kwaMwari kwakapedzeredzwa.
  2. 2 Ndikaona segungwa regirazi rakavhenganiswa nemoto, neavo vakakunda chikara nemufananidzo wacho nemucherechedzo wacho, nenhamba* yezita racho, vamire pagungwa regirazi, vane udimbwa hwaMwari.
  3. 3 Vakaimba rwiyo rwaMozisi muranda waMwari nerwiyo rweGwayana, vachiti: Makuru uye anoshamisa mabasa enyu, Ishe Mwari Wemasimbaose; dzakarurama uye ndedzechokwadi nzira dzenyu, Mambo wevatsvene.
  4. 4 Ndiani angatongorega kukutyai, Ishe, nekukudza zita renyu? Nokuti ndimwi mega mutsvene; nokuti marudzi ese achauya uye achanamata pamberi penyu; nokuti zviito zvenyu zvakarurama zvakaratidzwa.
  5. 5 Zvino shure kweizvozvo ndakaona, zvino tarira, yakazarurwa tembere yetabhenakeri yeuchapupu mukudenga;
  6. 6 zvino kwakabuda vatumwa vanomwe vane matambudziko manomwe mutembere, vakapfeka mucheka wakachena unopenya, uye vakamonerwa pazvifuva nemabhanhire egoridhe.
  7. 7 Uye chimwe chezvisikwa zvipenyu zvina chakapa vatumwa vanomwe ndiro nomwe dzegoridhe dzizere nehasha dzaMwari, anorarama kusvikira rinhi narinhi.
  8. 8 Tembere ndokuzadzwa neutsi hunobva pakubwinya kwaMwari nepasimba rake; kukasava newakagona kupinda mutembere, kusvikira matambudziko manomwe evatumwa vanomwe apera.

Shona Bible — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GFDL · 출처 ↗