로그인

베드로전서 3장 Shona Bible

Shona Bible · 쇼나어 · 베드로전서 (1 Peter) · 22절 · 대역: King James Version

절Shona BibleKing James Version
1 Saizvozvo vakadzi, muzviise pasi pevarume venyu pachenyu; kuti kanawo vamwe vasingateereri kushoko, vawanikwe nemafambiro evakadzi pasina shoko, Likewise, ye wives, be in subjection to your own husbands; that, if any obey not the word, they also may without the word be won by the conversation of the wives;
2 vachiona mafambiro enyu akachena pakutya. While they behold your chaste conversation coupled with fear.
3 Kushonga kwenyu ngakurege kuva kwekunze kwekuruka vhudzi nekwekupfeka goridhe, kana kupfeka nguvo; Whose adorning let it not be that outward adorning of plaiting the hair, and of wearing of gold, or of putting on of apparel;
4 asi ngakuve munhu wakavanzika wemoyo, pachinhu chisingaori chemweya munyoro wakanyarara, anokosha zvikuru pamberi paMwari. But let it be the hidden man of the heart, in that which is not corruptible, even the ornament of a meek and quiet spirit, which is in the sight of God of great price.
5 Nokuti karewo vakazvishongedza saizvozvo vakadzi vatsvene vaivimba naMwari, vachizviisa pasi pevarume vavo pachavo; For after this manner in the old time the holy women also, who trusted in God, adorned themselves, being in subjection unto their own husbands:
6 saSara akateerera Abhurahama akamuidza ishe; vakunda vake vamuri imwi, kana muchiita zvakanaka, uye musingatyiswi nechipi nechipi chinovhundusa. Even as Sara obeyed Abraham, calling him lord: whose daughters ye are, as long as ye do well, and are not afraid with any amazement.
7 Saizvozvo varume, garisanai nevakadzi venyu zvinoenderana neruzivo, muchikudza mukadzi sekumudziyo usina simba, sevadyiwo venhaka yenyasha dzeupenyu pamwe navo; kuti minyengetero yenyu irege kudzivirirwa. Likewise, ye husbands, dwell with them according to knowledge, giving honour unto the wife, as unto the weaker vessel, and as being heirs together of the grace of life; that your prayers be not hindered.
8 Pakupedzisirawo, ivai nemoyo umwe mese, muchinzwirana tsitsi, mude hama, muve nemoyo munyoro, mune rudo; Finally, be ye all of one mind, having compassion one of another, love as brethren, be pitiful, be courteous:
9 musingatsivi chakaipa nechakaipa, kana kutuka nekutuka; asi pachinzvimbo chaizvozvo muchiropafadze, muchiziva kuti ndizvo zvamakadanirwa, kuti mugare nhaka yeropafadzo. Not rendering evil for evil, or railing for railing: but contrariwise blessing; knowing that ye are thereunto called, that ye should inherit a blessing.
10 Nokuti uyo anoda kuda upenyu, nekuona mazuva akanaka, ngaadzore rurimi rwake pane zvakaipa, nemiromo yake kuti irege kutaura kunyengera. For he that will love life, and see good days, let him refrain his tongue from evil, and his lips that they speak no guile:
11 Ngaatsauke pane zvakaipa ndokuita zvakanaka; ngaatsvake rugare arutevere. Let him eschew evil, and do good; let him seek peace, and ensue it.
12 Nokuti meso aIshe ari pamusoro pevakarurama, nenzeve dzake pamunyengetero wavo. Asi chiso chaIshe chinopikisa vanoita zvakaipa. For the eyes of the Lord are over the righteous, and his ears are open unto their prayers: but the face of the Lord is against them that do evil.
13 Zvino ndiani achakukuvadzai, kana muri vatevedzeri vezvakanaka? And who is he that will harm you, if ye be followers of that which is good?
14 Asi kunyange kana imwi muchitambudzika nekuda kwekururama, makaropafadzwa; uye musatya kutyisa kwavo, kana kuvhiringidzwa; But and if ye suffer for righteousness’ sake, happy are ye: and be not afraid of their terror, neither be troubled;
15 asi itai Ishe Mwari mutsvene mumoyo yenyu; mugare makazvigadzirira kupindura umwe neumwe anokubvunzai chikonzero chetariro iri mukati menyu, neunyoro nekutya; But sanctify the Lord God in your hearts: and be ready always to give an answer to every man that asketh you a reason of the hope that is in you with meekness and fear:
16 mune hana yakanaka, kuti pavanokucherai sevaiti vezvakaipa vanyare, ivo vanotuka mafambiro enyu akanaka muna Kristu. Having a good conscience; that, whereas they speak evil of you, as of evildoers, they may be ashamed that falsely accuse your good conversation in Christ.
17 Nokuti zviri nani kutambudzika muchiita zvakanaka, kana chido chaMwari chichida, pane muchiita zvakaipa. For it is better, if the will of God be so, that ye suffer for well doing, than for evil doing.
18 Nokuti Kristuwo wakatambudzika kamwe nekuda kwezvivi, iye wakarurama pachinzvimbo chevasakarurama, kuti atiise kuna Mwari; aurawa zvirokwazvo panyama, asi wakararamiswa neMweya; For Christ also hath once suffered for sins, the just for the unjust, that he might bring us to God, being put to death in the flesh, but quickened by the Spirit:
19 mauri wakaendawo akaparidzira kumweya iri mutirongo, By which also he went and preached unto the spirits in prison;
20 iyo yaimbova isingateereri, apo moyo murefu waMwari uchimirira, pamazuva aNowa apo areka ichagadzirwa, kukaponeswa mairi vashoma, ndiko kuti mweya misere nemvura. Which sometime were disobedient, when once the longsuffering of God waited in the days of Noah, while the ark was a preparing, wherein few, that is, eight souls were saved by water.
21 Mufananidzo wayo rubhabhatidzo rwunotiponesawo ikozvino, kwete kubviswa kwetsvina yenyama, asi kukumbira kwehana yakanaka kuna Mwari kubudikidza nekumukazve kwaJesu Kristu, The like figure whereunto even baptism doth also now save us (not the putting away of the filth of the flesh, but the answer of a good conscience toward God,) by the resurrection of Jesus Christ:
22 ari kuruoko rwerudyi rwaMwari aenda kudenga; vatumwa neumambo nemasimba zvaiswa pasi pake. Who is gone into heaven, and is on the right hand of God; angels and authorities and powers being made subject unto him.

Shona Bible — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GFDL · 출처 ↗
King James Version — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GPL