베드로전서 1장 Shona Bible
Shona Bible · 쇼나어 · 베드로전서 (1 Peter) · 25절 · 대역: King James Version
| 절 | Shona Bible | King James Version |
|---|---|---|
| 1 | Petro, muapositori waJesu Kristu, kuvaeni vakasanangurwa vekupararira kwePonto, Garatia, Kapadhokiasi, Asia, neBhitiniasi, | Peter, an apostle of Jesus Christ, to the strangers scattered throughout Pontus, Galatia, Cappadocia, Asia, and Bithynia, |
| 2 | maererano nekuziva zviri mberi kwaMwari Baba, mukuita vatsvene kweMweya, pakuteerera nekusasa kweropa raJesu Kristu: Nyasha nerugare ngazviwanzwe kwamuri. | Elect according to the foreknowledge of God the Father, through sanctification of the Spirit, unto obedience and sprinkling of the blood of Jesus Christ: Grace unto you, and peace, be multiplied. |
| 3 | Wakaropafadzwa Mwari naBaba vaIshe wedu Jesu Kristu, iye zvichienderana nekuwanda kwetsitsi dzake wakatiberekazve patariro inorarama kubudikidza nekumuka kwaJesu Kristu kubva kuvakafa, | Blessed be the God and Father of our Lord Jesus Christ, which according to his abundant mercy hath begotten us again unto a lively hope by the resurrection of Jesus Christ from the dead, |
| 4 | panhaka isingaori neisina kusvibiswa uye isingabvuruvari, yakachengeterwa imwi kumatenga, | To an inheritance incorruptible, and undefiled, and that fadeth not away, reserved in heaven for you, |
| 5 | imwi munochengetwa nesimba raMwari kubudikidza nerutendo kuruponeso rwakagadzirirwa kuzarurwa panguva yekupedzisira. | Who are kept by the power of God through faith unto salvation ready to be revealed in the last time. |
| 6 | Yamunofara mairi zvikuru, kunyange ikozvino kwechinguvana, kana zvichifanira, muri pakushungurudzwa mumiedzo yakasiyana-siyana, | Wherein ye greatly rejoice, though now for a season, if need be, ye are in heaviness through manifold temptations: |
| 7 | kuti kuedzwa kwerutendo rwenyu kunokosha zvikuru kupfuura kwegoridhe rinoparara, kunyange ichiidzwa nemoto, kuwanikwe mukurumbidzwa nerukudzo nekubwinya pakuonekwa kwaJesu Kristu; | That the trial of your faith, being much more precious than of gold that perisheth, though it be tried with fire, might be found unto praise and honour and glory at the appearing of Jesus Christ: |
| 8 | iye musina kumuona munomuda; iye ikozvino musingamuoni asi munotenda kwaari, munofara nemufaro usingatauriki uye unorumbidzwa, | Whom having not seen, ye love; in whom, though now ye see him not, yet believing, ye rejoice with joy unspeakable and full of glory: |
| 9 | muchigamuchira mugumo werutendo rwenyu, ruponeso rwemweya yenyu. | Receiving the end of your faith, even the salvation of your souls. |
| 10 | Nezveruponeso urwu vaporofita vakabvunzisisa nekunzvera, ivo vakaporofita zvenyasha dzinouya kwamuri; | Of which salvation the prophets have enquired and searched diligently, who prophesied of the grace that should come unto you: |
| 11 | vachinzvera kuti panguva ipi kana yakadini Mweya waKristu akange ari mavari yaakaratidza, paakagara apupura matambudziko maererano naKristu, nekubwinya shure kweizvi. | Searching what, or what manner of time the Spirit of Christ which was in them did signify, when it testified beforehand the sufferings of Christ, and the glory that should follow. |
| 12 | Kwavari kwakaratidzwa kuti kwete kwavari ivo, asi kwatiri vaishandira zvinhu izvi, zvamunoparidzirwa ikozvino nevakakuparidzirai evhangeri neMweya Mutsvene wakatumwa kubva kudenga, zvinhu izvo vatumwa zvavanoshuva kunyatsoongorora. | Unto whom it was revealed, that not unto themselves, but unto us they did minister the things, which are now reported unto you by them that have preached the gospel unto you with the Holy Ghost sent down from heaven; which things the angels desire to look into. |
| 13 | Naizvozvo masunga zviuno zvemurangariro wenyu, zvidzorei, mutaririre zvakakwana kunyasha dzinouyiswa kwamuri pakuratidzwa kwaJesu Kristu; | Wherefore gird up the loins of your mind, be sober, and hope to the end for the grace that is to be brought unto you at the revelation of Jesus Christ; |
| 14 | sevana vanoteerera, musingazvifananidzi nekuchiva kwakare pakusaziva kwenyu. | As obedient children, not fashioning yourselves according to the former lusts in your ignorance: |
| 15 | Asi sezvo wakakudanai ari mutsvene, nemwiwo ivai vatsvene pamafambiro ese; | But as he which hath called you is holy, so be ye holy in all manner of conversation; |
| 16 | nokuti kwakanyorwa, kuchinzi: Ivai vatsvene, nokuti ini ndiri mutsvene. | Because it is written, Be ye holy; for I am holy. |
| 17 | Zvino kana muchimuidza Baba, iye pasina rusarura anotonga zvinoenderana nebasa reumwe neumwe, garai panguva yeutorwa hwenyu mukutya; | And if ye call on the Father, who without respect of persons judgeth according to every man’s work, pass the time of your sojourning here in fear: |
| 18 | muchiziva kuti hamuna kudzikunurwa nezvinoora, sirivheri kana goridhe, pamafambiro enyu asina maturo amakagamuchira kumadzibaba enyu; | Forasmuch as ye know that ye were not redeemed with corruptible things, as silver and gold, from your vain conversation received by tradition from your fathers; |
| 19 | asi neropa rinokosha raKristu seregwayana risina charinopomerwa uye risina gwapa. | But with the precious blood of Christ, as of a lamb without blemish and without spot: |
| 20 | Iye zvirokwazvo wakagara azikanwa nyika isati yavambwa, asi wakaratidzwa panguva dzekupedzisira nekuda kwenyu, | Who verily was foreordained before the foundation of the world, but was manifest in these last times for you, |
| 21 | iye wamunotenda naye kuna Mwari, wakamumutsa kubva kuvakafa, akamupa kubwinya; kuti rutendo rwenyu netariro zvive kuna Mwari. | Who by him do believe in God, that raised him up from the dead, and gave him glory; that your faith and hope might be in God. |
| 22 | Manatsa mweya yenyu pakuteerera chokwadi kubudikidza neMweya mukuda hama nekusanyengera, dananai zvikuru nemoyo wakachena; | Seeing ye have purified your souls in obeying the truth through the Spirit unto unfeigned love of the brethren, see that ye love one another with a pure heart fervently: |
| 23 | maberekwa kutsva kwete zvichibva pambeu inoora, asi isingaori, neshoko raMwari rinorarama nekugara nekusingaperi. | Being born again, not of corruptible seed, but of incorruptible, by the word of God, which liveth and abideth for ever. |
| 24 | Nokuti nyama yese yakaita seuswa, nekubwinya kwese kwemunhu seruva reuswa. Uswa hwunosvava, neruva rahwo rinodonha; | For all flesh is as grass, and all the glory of man as the flower of grass. The grass withereth, and the flower thereof falleth away: |
| 25 | asi shoko raIshe rinogara nekusingaperi. Uye iri ishoko rakaparidzirwa kwamuri neevhangeri. | But the word of the Lord endureth for ever. And this is the word which by the gospel is preached unto you. |
Shona Bible — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GFDL · 출처 ↗
King James Version — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GPL