로그인

마태복음 9장 Shona Bible

Shona Bible · 쇼나어 · 마태복음 (Matthew) · 38절 · 대역: King James Version

절Shona BibleKing James Version
1 Akabva apinda mugwa, akayambuka ndokusvika muguta rake pachake. And he entered into a ship, and passed over, and came into his own city.
2 Zvino tarira, vakauisa kwaari wakafa mitezo, arere pahwanyanza; zvino Jesu achiona rutendo rwavo akati kune wakafa mitezo: Tsunga moyo, mwana, wakanganwirwa zvivi zvako. And, behold, they brought to him a man sick of the palsy, lying on a bed: and Jesus seeing their faith said unto the sick of the palsy; Son, be of good cheer; thy sins be forgiven thee.
3 Zvino tarira, vamwe vevanyori vakati mukati mavo: Uyu unonyomba. And, behold, certain of the scribes said within themselves, This man blasphemeth.
4 Asi Jesu achiona mifungo yavo wakati: Imwi munofungirei zvakaipa mumoyo yenyu? And Jesus knowing their thoughts said, Wherefore think ye evil in your hearts?
5 Nokuti ndechipi chakareruka, kuti: Wakanganwirwa zvivi; kana kuti: Simuka ufambe? For whether is easier, to say, Thy sins be forgiven thee; or to say, Arise, and walk?
6 Asi kuti muzive kuti Mwanakomana wemunhu ane simba panyika rekukanganwira zvivi (wakabva ati kune wakange akafa mitezo): Simuka, tora hwanyanza hwako, uende kumba kwako. But that ye may know that the Son of man hath power on earth to forgive sins, (then saith he to the sick of the palsy,) Arise, take up thy bed, and go unto thine house.
7 Akasimuka, akaenda kumba kwake. And he arose, and departed to his house.
8 Zvaunga zvakati zvichizviona zvikashamisika, zvikarumbidza Mwari wakapa simba rakadai kuvanhu. But when the multitudes saw it, they marvelled, and glorified God, which had given such power unto men.
9 Zvino Jesu wakati achipfuurapo akaona munhu anonzi Matewu agere pahofisi yemutero, akati kwaari: Nditevere! Ndokusimuka, akamutevera. And as Jesus passed forth from thence, he saw a man, named Matthew, sitting at the receipt of custom: and he saith unto him, Follow me. And he arose, and followed him.
10 Uye zvakaitika agere pakudya mumba, zvino tarira, vateresi vazhinji nevatadzi vakauya vakagara pakudya naJesu nevadzidzi vake. And it came to pass, as Jesus sat at meat in the house, behold, many publicans and sinners came and sat down with him and his disciples.
11 Zvino VaFarisi vakati vachizviona, vakati kuvadzidzi vake: Nemhaka yei Mudzidzisi wenyu achidya nevateresi nevatadzi? And when the Pharisees saw it, they said unto his disciples, Why eateth your Master with publicans and sinners?
12 Asi Jesu wakati anzwa, akati kwavari: Vatano havadi murapi asi vanorwara. But when Jesus heard that, he said unto them, They that be whole need not a physician, but they that are sick.
13 Asi endai mudzidze kuti zvinorevei kuti: Ndinoda tsitsi uye kwete chibairo; nokuti handina kuuya kuzodana vakarurama, asi vatadzi vauye mukutendeuka. But go ye and learn what that meaneth, I will have mercy, and not sacrifice: for I am not come to call the righteous, but sinners to repentance.
14 Ipapo kwakasvika kwaari vadzidzi vaJohwani, vachiti: Nemhaka yei isu neVaFarisi tichitsanya kazhinji, asi vadzidzi venyu vasingatsanyi? Then came to him the disciples of John, saying, Why do we and the Pharisees fast oft, but thy disciples fast not?
15 Jesu ndokuti kwavari: Vana veimba yemuchato vanogona kuchema here apo muwani anavo? Asi mazuva achasvika pachabviswa muwani kwavari, ipapo vachatsanya. And Jesus said unto them, Can the children of the bridechamber mourn, as long as the bridegroom is with them? but the days will come, when the bridegroom shall be taken from them, and then shall they fast.
16 Hakuna anoisa chigamba chemucheka usakaunyana panguvo sharu, nokuti icho chinonamirwa pairi chinobvarura panguvo, buri rikanyanya. No man putteth a piece of new cloth unto an old garment, for that which is put in to fill it up taketh from the garment, and the rent is made worse.
17 Uye havadiri waini itsva muhombodo tsaru; zvikasadaro hombodo dzinoputika, waini ikateuka, nehombodo dzikaparara; asi vanodira waini itsva muhombodo itsva, zvichengeteke zviri zviviri. Neither do men put new wine into old bottles: else the bottles break, and the wine runneth out, and the bottles perish: but they put new wine into new bottles, and both are preserved.
18 Wakati achitaura zvinhu izvozvi kwavari, tarira, kwakasvika umwe mutungamiriri akamunamata, akati: Mukunda wangu achangofa; asi uyai muise ruoko rwenyu pamusoro pake, uye achararama. While he spake these things unto them, behold, there came a certain ruler, and worshipped him, saying, My daughter is even now dead: but come and lay thy hand upon her, and she shall live.
19 Jesu ndokusimuka akamutevera, nevadzidzi vake. And Jesus arose, and followed him, and so did his disciples.
20 Zvino, tarira, mukadzi waiva nekubuda ropa makore gumi nemaviri, wakaswedera shure kwake, akabata mupendero wenguvo yake. And, behold, a woman, which was diseased with an issue of blood twelve years, came behind him, and touched the hem of his garment:
21 Nokuti wakati mukati make: Kana ndikangobata nguvo yake, ndichaporeswa. For she said within herself, If I may but touch his garment, I shall be whole.
22 Asi Jesu wakatendeuka akati amuona, akati: Mukunda, tsunga moyo; rutendo rwako rwakuponesa. Mukadzi ndokuponeswa kubva panguva iyo. But Jesus turned him about, and when he saw her, he said, Daughter, be of good comfort; thy faith hath made thee whole. And the woman was made whole from that hour.
23 Jesu ndokusvika mumba memutungamiriri akaona varidzi venyere nechaunga chichiita mhere-mhere, And when Jesus came into the ruler’s house, and saw the minstrels and the people making a noise,
24 akati kwavari: Ibvai; nokuti musikana haana kufa, asi arere. Ndokumuseka vachimusvavaidza. He said unto them, Give place: for the maid is not dead, but sleepeth. And they laughed him to scorn.
25 Asi chaunga chakati chabudiswa, akapinda, ndokubata ruoko rwake, musikana ndokumuka. But when the people were put forth, he went in, and took her by the hand, and the maid arose.
26 Mukurumbira uyu ukabudira kunyika iyo yese. And the fame hereof went abroad into all that land.
27 Zvino Jesu wakati opfuurapo, mapofu maviri akamutevera, achidanidzira achiti: Tinzwirei tsitsi, Mwanakomana waDhavhidhi! And when Jesus departed thence, two blind men followed him, crying, and saying, Thou Son of David, have mercy on us.
28 Zvino wakati apinda mumba, mapofu akauya kwaari; Jesu akati kwaari: Munotenda kuti ndinogona kuita izvozvi here? Akati kwaari: Hongu, Ishe. And when he was come into the house, the blind men came to him: and Jesus saith unto them, Believe ye that I am able to do this? They said unto him, Yea, Lord.
29 Ipapo wakabata meso avo achiti: Ngazviitike kwamuri maererano nerutendo rwenyu. Then touched he their eyes, saying, According to your faith be it unto you.
30 Zvino meso avo akasvinudzwa; Jesu akavarairisa achiti: Onai kuti hakuna anozviziva. And their eyes were opened; and Jesus straitly charged them, saying, See that no man know it.
31 Asi vakati vabuda, vakaparidzira mukurumbira wake munyika iyo yese. But they, when they were departed, spread abroad his fame in all that country.
32 Zvino vakati vachibuda, tarira, vakauisa kwaari munhu chimumumu waiva akagarwa nedhimoni. As they went out, behold, they brought to him a dumb man possessed with a devil.
33 Zvino dhimoni rakati rabudiswa, chimumumu chikataura; zvaunga zvikashamisika zvikati: Hakuna kumboonekwa zvakadai muna Israeri. And when the devil was cast out, the dumb spake: and the multitudes marvelled, saying, It was never so seen in Israel.
34 Asi VaFarisi vakati: Anobudisa madhimoni nemukuru wemadhimoni. But the Pharisees said, He casteth out devils through the prince of the devils.
35 Zvino Jesu wakapota nemaguta ese nemisha, achidzidzisa mumasinagoge avo, nekuparidza evhangeri yeushe, nekuporesa denda rese neurwere hwese pakati pevanhu. And Jesus went about all the cities and villages, teaching in their synagogues, and preaching the gospel of the kingdom, and healing every sickness and every disease among the people.
36 Asi wakati achiona zvaunga, akavanzwira tsitsi, nokuti vakange vaneta, vakapararira semakwai asina mufudzi. But when he saw the multitudes, he was moved with compassion on them, because they fainted, and were scattered abroad, as sheep having no shepherd.
37 Ipapo akati kuvadzidzi vake: Zvirokwazvo goho iguru, asi vashandi vashoma; Then saith he unto his disciples, The harvest truly is plenteous, but the labourers are few;
38 naizvozvo kumbirisai kuna Ishe wegoho, kuti atumire vashandi pagoho rake. Pray ye therefore the Lord of the harvest, that he will send forth labourers into his harvest.

Shona Bible — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GFDL · 출처 ↗
King James Version — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GPL