마태복음 26장 Shona Bible
Shona Bible · 쇼나어 · 마태복음 (Matthew) · 75절 · 대역: King James Version
| 절 | Shona Bible | King James Version |
|---|---|---|
| 1 | Zvakaitika Jesu apedza mashoko aya ese, akati kuvadzidzi vake: | And it came to pass, when Jesus had finished all these sayings, he said unto his disciples, |
| 2 | Munoziva kuti mushure memazuva maviri ichava pasika, uye Mwanakomana wemunhu achatengeswa kuti arovererwe pamuchinjikwa. | Ye know that after two days is the feast of the passover, and the Son of man is betrayed to be crucified. |
| 3 | Ipapo kwakaungana vapristi vakuru nevanyori nevakuru vevanhu muchivanze chemupristi mukuru wainzi Kayafasi. | Then assembled together the chief priests, and the scribes, and the elders of the people, unto the palace of the high priest, who was called Caiaphas, |
| 4 | Vakarangana kuti vabate Jesu nemano, vagomuuraya. | And consulted that they might take Jesus by subtilty, and kill him. |
| 5 | Asi vakati: Kwete pamutambo, kuti kurege kuva nebongozozo pakati pevanhu. | But they said, Not on the feast day, lest there be an uproar among the people. |
| 6 | Zvino Jesu wakati ari paBhetaniya mumba maSimoni wemaperembudzi, | Now when Jesus was in Bethany, in the house of Simon the leper, |
| 7 | kwakasvika kwaari mukadzi nechinu chearibhasiteri* chechizoro chinokosha zvikuru, akadururira mumusoro wake agere pakudya. | There came unto him a woman having an alabaster box of very precious ointment, and poured it on his head, as he sat at meat. |
| 8 | Asi vadzidzi vake vakati vachiona, vakatsamwa vachiti: Kutambisa uku ndokwei? | But when his disciples saw it, they had indignation, saying, To what purpose is this waste? |
| 9 | Nokuti chizoro ichi chingadai chatengeswa nemari zhinji, ikapiwa varombo. | For this ointment might have been sold for much, and given to the poor. |
| 10 | Asi Jesu aziva wakati kwavari: Munotambudzirei mukadzi? Nokuti aita basa rakanaka kwandiri. | When Jesus understood it, he said unto them, Why trouble ye the woman? for she hath wrought a good work upon me. |
| 11 | Nokuti varombo munavo nguva dzese, asi ini hamuneni nguva dzese. | For ye have the poor always with you; but me ye have not always. |
| 12 | Nokuti pakundidira chizoro ichi pamuviri wangu, waitira kuvigwa kwangu. | For in that she hath poured this ointment on my body, she did it for my burial. |
| 13 | Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Kwese kunozoparidzirwa evhangeri iyi panyika yese, izvi mukadzi zvaaitawo zvicharehwa, chive chirangaridzo chake. | Verily I say unto you, Wheresoever this gospel shall be preached in the whole world, there shall also this, that this woman hath done, be told for a memorial of her. |
| 14 | Ipapo umwe wevanegumi nevaviri, wainzi Judhasi Isikariyoti, wakaenda kuvapristi vakuru, | Then one of the twelve, called Judas Iscariot, went unto the chief priests, |
| 15 | akati: Munoda kundipei, ini ndigomukumikidza kwamuri? Vakamutemera masirivheri makumi matatu. | And said unto them, What will ye give me, and I will deliver him unto you? And they covenanted with him for thirty pieces of silver. |
| 16 | Uye kubva panguva iyo akatsvaka mukana wakafanira kuti amukumikidze. | And from that time he sought opportunity to betray him. |
| 17 | Nerekutanga rezvingwa zvisina mbiriso vadzidzi vakauya kuna Jesu vachiti kwaari: Ndekupi kwamunoda kuti tikugadzirirei kudya pasika? | Now the first day of the feast of unleavened bread the disciples came to Jesus, saying unto him, Where wilt thou that we prepare for thee to eat the passover? |
| 18 | Akati: Endai muguta kune umwe munhu, muti kwaari: Mudzidzisi anoti: Nguva yangu yava pedo; ndichaita pasika kwauri nevadzidzi vangu. | And he said, Go into the city to such a man, and say unto him, The Master saith, My time is at hand; I will keep the passover at thy house with my disciples. |
| 19 | Vadzidzi vakaita Jesu sezvaakavaraira; vakagadzirira pasika. | And the disciples did as Jesus had appointed them; and they made ready the passover. |
| 20 | Zvino ava madekwani akagara pakudya nevanegumi nevaviri. | Now when the even was come, he sat down with the twelve. |
| 21 | Vakati vachidya akati: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Umwe wenyu achanditengesa. | And as they did eat, he said, Verily I say unto you, that one of you shall betray me. |
| 22 | Zvino vakashungurudzika zvikuru, vakatanga umwe neumwe wavo kuti kwaari: Ishe, zvirokwazvo handisi ini, ndizvo here? | And they were exceeding sorrowful, and began every one of them to say unto him, Lord, is it I? |
| 23 | Ndokupindura akati: Anoseva ruoko neni mundiro ndiye achanditengesa. | And he answered and said, He that dippeth his hand with me in the dish, the same shall betray me. |
| 24 | Mwanakomana wemunhu anoenda hake sezvazvakanyorwa pamusoro pake; asi ane nhamo munhu uyo Mwanakomana wemunhu waanotengeswa naye! Zvaiva nani kwaari kana munhu uyo aiva asina kuberekwa. | The Son of man goeth as it is written of him: but woe unto that man by whom the Son of man is betrayed! it had been good for that man if he had not been born. |
| 25 | Judhasi uyo wakamutengesa ndokupindura akati: Rabhi*, zvirokwazvo handisi ini, ndizvo here? Akati kwaari: Wataura iwe. | Then Judas, which betrayed him, answered and said, Master, is it I? He said unto him, Thou hast said. |
| 26 | Zvino vakati vachidya, Jesu akatora chingwa akaropafadza, akamedura ndokupa vadzidzi akati: Torai, idyai, ichi ndiwo muviri wangu. | And as they were eating, Jesus took bread, and blessed it, and brake it, and gave it to the disciples, and said, Take, eat; this is my body. |
| 27 | Akatora mukombe, akavonga, akapa kwavari, achiti: Inwai mese pauri. | And he took the cup, and gave thanks, and gave it to them, saying, Drink ye all of it; |
| 28 | Nokuti iri iropa rangu, iro resungano itsva, rinoteurirwa vazhinji rekukanganwirwa kwezvivi. | For this is my blood of the new testament, which is shed for many for the remission of sins. |
| 29 | Asi ndinoti kwamuri: Kubva zvino handichatongonwi zvechibereko ichi chemuzambiringa, kusvikira zuva iro randichazonwa naro nemwi chava chitsva muushe hwaBaba vangu. | But I say unto you, I will not drink henceforth of this fruit of the vine, until that day when I drink it new with you in my Father’s kingdom. |
| 30 | Zvino vakati vaimba rwiyo vakabuda vakaenda kugomo reMiorivhi. | And when they had sung an hymn, they went out into the mount of Olives. |
| 31 | Ipapo Jesu wakati kwavari: Imwi mese muchagumburwa nekuda kwangu usiku huno; nokuti kwakanyorwa kuchinzi: Ndicharova mufudzi, uye makwai eboka achaparadzirwa. | Then saith Jesus unto them, All ye shall be offended because of me this night: for it is written, I will smite the shepherd, and the sheep of the flock shall be scattered abroad. |
| 32 | Asi shure kwekunge ndamutswa, ndichakutungamirirai kuGarirea. | But after I am risen again, I will go before you into Galilee. |
| 33 | Asi Petro wakapindura akati kwaari: Kunyange vese vakagumburwa nekuda kwenyu, ini handingatongogumburwi. | Peter answered and said unto him, Though all men shall be offended because of thee, yet will I never be offended. |
| 34 | Jesu akati kwaari: Zvirokwazvo ndinoti kwauri: Muusiku huno, jongwe risati rarira, uchandiramba katatu. | Jesus said unto him, Verily I say unto thee, That this night, before the cock crow, thou shalt deny me thrice. |
| 35 | Petro akati kwaari: Kunyange zvakandifanira kufa nemwi, handingatongokurambiyi. Vadzidziwo vese vakadaro. | Peter said unto him, Though I should die with thee, yet will I not deny thee. Likewise also said all the disciples. |
| 36 | Zvino Jesu wakasvika navo panzvimbo inonzi Getsemani, akati kuvadzidzi: Garai pano ndichamboenda ndinonyengetera uko. | Then cometh Jesus with them unto a place called Gethsemane, and saith unto the disciples, Sit ye here, while I go and pray yonder. |
| 37 | Akatora pamwe naye Petro nevanakomana vaviri vaZebhedhi, akatanga kusuruvara nekushungurudzika. | And he took with him Peter and the two sons of Zebedee, and began to be sorrowful and very heavy. |
| 38 | Ipapo akati kwavari: Mweya wangu unosuruvara kwazvo kusvikira parufu; garai pano murinde neni. | Then saith he unto them, My soul is exceeding sorrowful, even unto death: tarry ye here, and watch with me. |
| 39 | Akaenda mberi zvishoma, akawa nechiso chake, akanyengetera achiti: Baba vangu, kana zvichibvira, mukombe uyu ngaupfuure kwandiri. Asi kusava sezvandinoda ini asi sezvamunoda imwi. | And he went a little further, and fell on his face, and prayed, saying, O my Father, if it be possible, let this cup pass from me: nevertheless not as I will, but as thou wilt. |
| 40 | Akauya kuvadzidzi, akavawana varere, akati kuna Petro: Saka hamuna kugona kurinda neni awa rimwe here? | And he cometh unto the disciples, and findeth them asleep, and saith unto Peter, What, could ye not watch with me one hour? |
| 41 | Rindai munyengetere, kuti musapinda mumuedzo; mweya unoda zvirokwazvo, asi nyama ine utera. | Watch and pray, that ye enter not into temptation: the spirit indeed is willing, but the flesh is weak. |
| 42 | Akaendazve rwechipiri akanyengetera, achiti: Baba vangu, kana mukombe uyu usingagoni kupfuura kubva kwandiri, kunze kwekuti ndaunwa, kuda kwenyu ngakuitwe. | He went away again the second time, and prayed, saying, O my Father, if this cup may not pass away from me, except I drink it, thy will be done. |
| 43 | Akauya, akavawana vavatazve, nokuti meso avo akange orema. | And he came and found them asleep again: for their eyes were heavy. |
| 44 | Akavasiya, akaendazve akanyengetera rwechitatu, achitaura mashoko iwawo. | And he left them, and went away again, and prayed the third time, saying the same words. |
| 45 | Ndokuuya kuvadzidzi vake ndokuti kwavari: Chirambai murere muzorore; tarirai, awa raswedera, Mwanakomana wemunhu wotengeswa mumaoko evatadzi. | Then cometh he to his disciples, and saith unto them, Sleep on now, and take your rest: behold, the hour is at hand, and the Son of man is betrayed into the hands of sinners. |
| 46 | Simukai, ngatiende, tarirai, wonditengesa wava pedo. | Rise, let us be going: behold, he is at hand that doth betray me. |
| 47 | Zvino achataura, tarira, Judhasi umwe wevanegumi nevaviri wakasvika, chaunga chikuru chinaye chine minondo netsvimbo chichibva kuvapristi vakuru nevakuru vevanhu. | And while he yet spake, lo, Judas, one of the twelve, came, and with him a great multitude with swords and staves, from the chief priests and elders of the people. |
| 48 | Zvino iye wakamutengesa wakavapa chiratidzo achiti: Uyo wandichatsvoda, ndiye, mumubate. | Now he that betrayed him gave them a sign, saying, Whomsoever I shall kiss, that same is he: hold him fast. |
| 49 | Uye pakarepo akasvika kuna Jesu, akati: Hekanhi, Rabhi! Akamutsvoda. | And forthwith he came to Jesus, and said, Hail, master; and kissed him. |
| 50 | Jesu akati kwaari: Shamwari, wavingei? Ipapo vakaswedera vakaisa maoko pana Jesu, vakamubata. | And Jesus said unto him, Friend, wherefore art thou come? Then came they, and laid hands on Jesus, and took him. |
| 51 | Uye tarira, umwe wevaiva naJesu akatandavadza ruoko, akavhomora munondo wake akatema muranda wemupristi mukuru, akagura nzeve yake. | And, behold, one of them which were with Jesus stretched out his hand, and drew his sword, and struck a servant of the high priest’s, and smote off his ear. |
| 52 | Ipapo Jesu akati kwaari: Dzosera munondo wako munzvimbo yawo, nokuti vese vanobata munondo vanoparara nemunondo. | Then said Jesus unto him, Put up again thy sword into his place: for all they that take the sword shall perish with the sword. |
| 53 | Kana unofunga here kuti handigoni ikozvino kukumbira kuna Baba vangu, vakandigadzikira mapoka emauto evatumwa anopfuura gumi nemaviri? | Thinkest thou that I cannot now pray to my Father, and he shall presently give me more than twelve legions of angels? |
| 54 | Ko magwaro angazadziswa sei kuti zvinofanira kuva saizvozvo? | But how then shall the scriptures be fulfilled, that thus it must be? |
| 55 | Nenguva iyo Jesu wakati kuzvaunga: Mabuda semunovinga gororo neminondo netsvimbo kuzondibata here? Ndaigara nemwi zuva nezuva ndichidzidzisa mutembere, asi hamuna kundibata. | In that same hour said Jesus to the multitudes, Are ye come out as against a thief with swords and staves for to take me? I sat daily with you teaching in the temple, and ye laid no hold on me. |
| 56 | Asi izvi zvese zvaitika, kuti magwaro evaporofita azadziswe. Ipapo vadzidzi vese vakamusiya, vakatiza. | But all this was done, that the scriptures of the prophets might be fulfilled. Then all the disciples forsook him, and fled. |
| 57 | Avo vakange vabata Jesu vakamuendesa kuna Kayafasi mupristi mukuru, apo pakange paungana vanyori nevakuru. | And they that had laid hold on Jesus led him away to Caiaphas the high priest, where the scribes and the elders were assembled. |
| 58 | Asi Petro wakamutevera ari kure kusvikira pachivanze chemupristi mukuru, akapinda mukati, akagara nevaranda kuzoona mugumo. | But Peter followed him afar off unto the high priest’s palace, and went in, and sat with the servants, to see the end. |
| 59 | Zvino vapristi vakuru nevakuru nedare remakurukota rese vakatsvaka uchapupu hwenhema hunopikisa Jesu kuti vamuuraye. | Now the chief priests, and elders, and all the council, sought false witness against Jesus, to put him to death; |
| 60 | Asi havana kuhuwana, kunyange zvapupu zvenhema zvizhinji zvakauya, zvikasahuwana. Pakupedzisira kwakasvika zvapupu zvenhema zviviri, | But found none: yea, though many false witnesses came, yet found they none. At the last came two false witnesses, |
| 61 | zvikati: Uyu wakati: Ndinogona kuputsa tembere yaMwari, nekuivaka nemazuva matatu. | And said, This fellow said, I am able to destroy the temple of God, and to build it in three days. |
| 62 | Zvino mupristi mukuru akasimuka akati kwaari: Haupinduri chinhu here? Ava vanopupurei zvinopikisana newe? | And the high priest arose, and said unto him, Answerest thou nothing? what is it which these witness against thee? |
| 63 | Asi Jesu wakanyarara. Mupristi mukuru akapindura akati kwaari: Ndinokupikisa naMwari mupenyu kuti utiudze kana iwe uri Kristu, Mwanakomana waMwari. | But Jesus held his peace. And the high priest answered and said unto him, I adjure thee by the living God, that thou tell us whether thou be the Christ, the Son of God. |
| 64 | Jesu akati kwaari: Wataura iwe; asi ndinoti kwamuri: Kubva zvino muchaona Mwanakomana wemunhu agere kuruoko rwerudyi rwesimba, achiuya pamakore edenga. | Jesus saith unto him, Thou hast said: nevertheless I say unto you, Hereafter shall ye see the Son of man sitting on the right hand of power, and coming in the clouds of heaven. |
| 65 | Ipapo mupristi mukuru akabvarura nguvo dzake achiti: Wanyomba; tichiri kudirei zvapupu? Tarirai, ikozvino manzwa kunyomba kwake. | Then the high priest rent his clothes, saying, He hath spoken blasphemy; what further need have we of witnesses? behold, now ye have heard his blasphemy. |
| 66 | Munofungei? Vakapindura vakati: Ane mhosva yerufu. | What think ye? They answered and said, He is guilty of death. |
| 67 | Zvino vakamupfira pachiso, vakamurova netsiva; vamwe vakamurova nembama, | Then did they spit in his face, and buffeted him; and others smote him with the palms of their hands, |
| 68 | vachiti: Porofita kwatiri, Kristu, ndiani wakurova? | Saying, Prophesy unto us, thou Christ, Who is he that smote thee? |
| 69 | Petro wakange agere panze pachivanze; ndokuuya kwaari umwe murandakadzi achiti: Iwewo wakange una Jesu weGarirea. | Now Peter sat without in the palace: and a damsel came unto him, saying, Thou also wast with Jesus of Galilee. |
| 70 | Asi iye wakaramba pamberi pevese achiti: Handizivi zvaunoreva. | But he denied before them all, saying, I know not what thou sayest. |
| 71 | Zvino wakati abuda pasuwo, umwe mukadzi akamuona, akati kune vaivapo: Uyuwo wakange ana Jesu weNazareta. | And when he was gone out into the porch, another maid saw him, and said unto them that were there, This fellow was also with Jesus of Nazareth. |
| 72 | Akarambazve nemhiko, kuti: Handizivi munhu uyu. | And again he denied with an oath, I do not know the man. |
| 73 | Shure kwechinguva chidiki kwakauya vakange vamirepo vachiti kuna Petro: Zvirokwazvo iwewo uri wavo; nokuti kunyange kutaura kwako kunokuratidza. | And after a while came unto him they that stood by, and said to Peter, Surely thou also art one of them; for thy speech bewrayeth thee. |
| 74 | Zvino wakatanga kutuka nekupika kuti: Handizivi munhu uyu. Pakarepo jongwe rikarira. | Then began he to curse and to swear, saying, I know not the man. And immediately the cock crew. |
| 75 | Petro ndokurangarira shoko raJesu raakati kwaari: Jongwe risati rarira, uchandiramba katatu. Ndokubuda panze akachema zvinorwadza. | And Peter remembered the word of Jesus, which said unto him, Before the cock crow, thou shalt deny me thrice. And he went out, and wept bitterly. |
Shona Bible — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GFDL · 출처 ↗
King James Version — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GPL