마태복음 11장 Shona Bible
Shona Bible · 쇼나어 · 마태복음 (Matthew) · 30절 · 대역: King James Version
| 절 | Shona Bible | King James Version |
|---|---|---|
| 1 | Zvino zvakaitika apo Jesu apedza kuraira vadzidzi vake gumi nevaviri, akabvira ipapo kudzidzisa nekuparidza pamaguta avo. | And it came to pass, when Jesus had made an end of commanding his twelve disciples, he departed thence to teach and to preach in their cities. |
| 2 | Zvino Johwani wakati anzwa ari mutirongo mabasa aKristu, akatuma vaviri vevadzidzi vake, | Now when John had heard in the prison the works of Christ, he sent two of his disciples, |
| 3 | akati kwaari: Imwi ndimwi anouya here, kana titarisire umwe? | And said unto him, Art thou he that should come, or do we look for another? |
| 4 | Jesu akapindura akati kwavari: Endai munoudza Johwani zvinhu zvamunonzwa nezvamunoona: | Jesus answered and said unto them, Go and shew John again those things which ye do hear and see: |
| 5 | Mapofu anoonazve, uye mhetamakumbo dzinofamba, vane maperembudzi vanonatswa, nevematsi vanonzwa, vakafa vanomutswa, nevarombo vanoparidzirwa evhangeri; | The blind receive their sight, and the lame walk, the lepers are cleansed, and the deaf hear, the dead are raised up, and the poor have the gospel preached to them. |
| 6 | wakaropafadzwa ani nani asingagumbuswi neni. | And blessed is he, whosoever shall not be offended in me. |
| 7 | Ava vakati vachienda, Jesu akatanga kuudza zvaunga pamusoro paJohwani akati: Makange mabuda kurenje kunoonei? Rutsanga rwunozungunuswa nemhepo here? | And as they departed, Jesus began to say unto the multitudes concerning John, What went ye out into the wilderness to see? A reed shaken with the wind? |
| 8 | Asi makange mabuda kunoonei? Munhu wakapfeka nguvo dzakapfava here? Tarirai, vanopfeka zvakapfava vari mudzimba dzemadzimambo. | But what went ye out for to see? A man clothed in soft raiment? behold, they that wear soft clothing are in kings’ houses. |
| 9 | Asi makange mabuda kunoonei? Muporofita here? Hongu, ndinoti kwamuri: Kunyange anopfuura kwazvo muporofita; | But what went ye out for to see? A prophet? yea, I say unto you, and more than a prophet. |
| 10 | nokuti uyu ndiye wakanyorwa pamusoro pake zvichinzi: Tarira, ini ndinotuma mutumwa wangu pamberi pechiso chako, achagadzira nzira yako pamberi pako. | For this is he, of whom it is written, Behold, I send my messenger before thy face, which shall prepare thy way before thee. |
| 11 | Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Hakuna kumuka pakati pevakaberekwa nevakadzi mukuru kuna Johwani Mubhabhatidzi. Asi mudikisa muushe hwekumatenga mukuru kwaari. | Verily I say unto you, Among them that are born of women there hath not risen a greater than John the Baptist: notwithstanding he that is least in the kingdom of heaven is greater than he. |
| 12 | Uye kubva pamazuva aJohwani Mubhabhatidzi kusvikira zvino, ushe hwekumatenga hunopambiwa, nevapambi vanohutora nesimba. | And from the days of John the Baptist until now the kingdom of heaven suffereth violence, and the violent take it by force. |
| 13 | Nokuti vaporofita vese nemurairo vakaporofita kusvikira kuna Johwani; | For all the prophets and the law prophesied until John. |
| 14 | zvino kana muchida kuzvigamuchira, uyu ndiye Eria wakange achizouya. | And if ye will receive it, this is Elias, which was for to come. |
| 15 | Une nzeve dzekunzwa, ngaanzwe. | He that hath ears to hear, let him hear. |
| 16 | Asi ndicharifananidza nei zera iri? Rakafanana nevana vagere pamisika, vachidanidzira kushamwari dzavo, | But whereunto shall I liken this generation? It is like unto children sitting in the markets, and calling unto their fellows, |
| 17 | vachiti: Takakuridzirai nyere, asi hamuna kutamba; takakuririrai, asi hamuna kuchema. | And saying, We have piped unto you, and ye have not danced; we have mourned unto you, and ye have not lamented. |
| 18 | Nokuti Johwani wakauya asingadyi kana kunwa, asi vanoti: Ane dhimoni. | For John came neither eating nor drinking, and they say, He hath a devil. |
| 19 | Mwanakomana wemunhu wakauya achidya, achinwa, zvino vanoti: Tarirai munhu anokara uye munwi wewaini, shamwari yevateresi nevatadzi. Asi njere dzinonzi dzakarurama nevana vadzo. | The Son of man came eating and drinking, and they say, Behold a man gluttonous, and a winebibber, a friend of publicans and sinners. But wisdom is justified of her children. |
| 20 | Ipapo akatanga kutsiura maguta makange maitwa mabasa ake esimba mazhinji, nokuti haana kutendeuka, akati: | Then began he to upbraid the cities wherein most of his mighty works were done, because they repented not: |
| 21 | Une nhamo, Korazini! Une nhamo, Bhetisaidha! Nokuti dai akaitwa muTire neSidhoni mabasa esimba akaitwa mamuri, vangadai vakatendeuka kare vakapfeka masaga nedota. | Woe unto thee, Chorazin! woe unto thee, Bethsaida! for if the mighty works, which were done in you, had been done in Tyre and Sidon, they would have repented long ago in sackcloth and ashes. |
| 22 | Asi ndinoti kwamuri: Zvichava nani kuTire neSidhoni nezuva rekutongwa kupfuura imwi. | But I say unto you, It shall be more tolerable for Tyre and Sidon at the day of judgment, than for you. |
| 23 | Newe Kapenaume, wakasimudzirwa kudenga, uchawisirwa pasi muhadhesi; nokuti dai akaitwa muSodhoma mabasa esimba akaitwa mauri, vangadai vachipo kusvikira zuva rino. | And thou, Capernaum, which art exalted unto heaven, shalt be brought down to hell: for if the mighty works, which have been done in thee, had been done in Sodom, it would have remained until this day. |
| 24 | Asi ndinoti kwamuri: Zvichava nani kunyika yeSodhoma nezuva rekutongwa kupfuura iwe. | But I say unto you, That it shall be more tolerable for the land of Sodom in the day of judgment, than for thee. |
| 25 | Nenguva iyo Jesu akapindura akati: Ndinokutendai, Baba, Ishe wedenga nenyika, nokuti makavanzira zvinhu izvi vakachenjera nevakangwara, mukazvizarurira vacheche. | At that time Jesus answered and said, I thank thee, O Father, Lord of heaven and earth, because thou hast hid these things from the wise and prudent, and hast revealed them unto babes. |
| 26 | Hongu Baba, nokuti zvakadaro zvakava zvakanaka pamberi penyu. | Even so, Father: for so it seemed good in thy sight. |
| 27 | Zvinhu zvese zvakakumikidzwa kwandiri naBaba vangu; uye hakuna anoziva Mwanakomana kunze kwaBaba; hakunazve anoziva Baba kunze kweMwanakomana, uye ani nani Mwanakomana waanenge achida kuzarurira. | All things are delivered unto me of my Father: and no man knoweth the Son, but the Father; neither knoweth any man the Father, save the Son, and he to whomsoever the Son will reveal him. |
| 28 | Uyai kwandiri mese makaneta makaremerwa, uye ini ndichakupai zororo. | Come unto me, all ye that labour and are heavy laden, and I will give you rest. |
| 29 | Torai joko rangu muise pamusoro penyu, mudzidze kwandiri, nokuti ndiri munyoro, ndakaderera mumoyo; uye muchawana zororo pamweya yenyu; | Take my yoke upon you, and learn of me; for I am meek and lowly in heart: and ye shall find rest unto your souls. |
| 30 | nokuti joko rangu rakanakisa, nemutoro wangu wakareruka. | For my yoke is easy, and my burden is light. |
Shona Bible — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GFDL · 출처 ↗
King James Version — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GPL