로그인

디모데전서 4장 Shona Bible

Shona Bible · 쇼나어 · 디모데전서 (1 Timothy) · 16절 · 대역: King James Version

절Shona BibleKing James Version
1 Zvino Mweya anoreva zvakajeka, kuti panguva dzekupedzisira vamwe vachatsauka parutendo, vachiteerera mweya inonyengera nedzidziso dzemadhimoni, Now the Spirit speaketh expressly, that in the latter times some shall depart from the faith, giving heed to seducing spirits, and doctrines of devils;
2 paunyepedzeri hwevanoreva nhema, vakapiswa pahana dzavo pachavo nedare rinopisa, Speaking lies in hypocrisy; having their conscience seared with a hot iron;
3 vachidzivisa kuwanana nekuraira kurega kudya Mwari kwaakasika kuti kugamuchirwe nekuvonga nevanotenda uye vanoziva chokwadi. Forbidding to marry, and commanding to abstain from meats, which God hath created to be received with thanksgiving of them which believe and know the truth.
4 Nokuti chese chisikwa chaMwari chakanaka, uye hakuna chingafanira kuraswa kana chichigamuchirwa nekuvonga; For every creature of God is good, and nothing to be refused, if it be received with thanksgiving:
5 nokuti chinoitwa chitsvene neshoko raMwari nemunyengetero. For it is sanctified by the word of God and prayer.
6 Kana uchiraira hama zvinhu izvi, uchava mushumiri wakanaka waJesu Kristu, wakafundwa nemashoko erutendo needzidziso yakanaka, yaunonyatsotevera. If thou put the brethren in remembrance of these things, thou shalt be a good minister of Jesus Christ, nourished up in the words of faith and of good doctrine, whereunto thou hast attained.
7 Asi urambe ngano dzakaipa nedzechembere. Uzvirovedze pakunamata Mwari; But refuse profane and old wives’ fables, and exercise thyself rather unto godliness.
8 nokuti kurovedza muviri kunobatsira zvishoma; asi kunamata Mwari kunobatsira pazvinhu zvese, zvahune chivimbiso cheupenyu hwazvino nehwunouya. For bodily exercise profiteth little: but godliness is profitable unto all things, having promise of the life that now is, and of that which is to come.
9 Shoko iri rakatendeka uye rinofanirwa nekugamuchirwa kwese. This is a faithful saying and worthy of all acceptation.
10 Nokuti naizvozvo nesu tinoshanda nesimba, nekushorwa, nokuti tinovimba naMwari mupenyu, anova Muponesi wevanhu vese, zvikuru weavo vanotenda. For therefore we both labour and suffer reproach, because we trust in the living God, who is the Saviour of all men, specially of those that believe.
11 Raira zvinhu izvi udzidzise. These things command and teach.
12 Kusava nemunhu anozvidza udiki hwako, asi uve muenzaniso wevanotenda pashoko, pamufambiro, parudo, pamweya, parutendo, nepautsvene. Let no man despise thy youth; but be thou an example of the believers, in word, in conversation, in charity, in spirit, in faith, in purity.
13 Kusvikira ndasvika, ngwarira pakuverenga, pakuraira, nepadzidziso. Till I come, give attendance to reading, to exhortation, to doctrine.
14 Usashaya hanya nechipo chiri mauri, chawakapiwa kubudikidza nechiporofita pamwe nekuiswa maoko eutariri. Neglect not the gift that is in thee, which was given thee by prophecy, with the laying on of the hands of the presbytery.
15 Funganya pamusoro pezvinhu izvi, uve pazvinhu izvi, kuti kupfuurira mberi kwako kuonekwe kune vese. Meditate upon these things; give thyself wholly to them; that thy profiting may appear to all.
16 Uzvichenjerere iwe nedzidziso. Urambire pazviri, nokuti mukuita izvi, uchazviponesa iwe pamwe nevanokunzwa. Take heed unto thyself, and unto the doctrine; continue in them: for in doing this thou shalt both save thyself, and them that hear thee.

Shona Bible — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GFDL · 출처 ↗
King James Version — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GPL