로그인

누가복음 5장 Shona Bible

Shona Bible · 쇼나어 · 누가복음 (Luke) · 39절 · 대역: King James Version

절Shona BibleKing James Version
1 Zvino zvakaitika kuti chaunga chakati chichimumbandidzira kuti vanzwe shoko raMwari, iye akamira parutivi rwegungwa reGenesareti; And it came to pass, that, as the people pressed upon him to hear the word of God, he stood by the lake of Gennesaret,
2 akaona zvikepe zviviri zvimire parutivi rwegungwa; asi varedzi vakange vabuda mazviri vachisuka mimbure. And saw two ships standing by the lake: but the fishermen were gone out of them, and were washing their nets.
3 Akapinda mune chimwe chezvikepe chaiva chaSimoni, akakumbira kwaari kuti abve pavhu zvishoma. Ndokubva agara pasi, akadzidzisa zvaunga ari muchikepe. And he entered into one of the ships, which was Simon’s, and prayed him that he would thrust out a little from the land. And he sat down, and taught the people out of the ship.
4 Zvino wakati amira kutaura, akati kuna Simoni: Pinda kwakadzika udzikise mimbure yenyu kuti ubate. Now when he had left speaking, he said unto Simon, Launch out into the deep, and let down your nets for a draught.
5 Simoni akapindura, akati kwaari: Tenzi, tafondoka usiku hwese, tikasabata chinhu, asi zvamadaro, ndichadzikisa mumbure. And Simon answering said unto him, Master, we have toiled all the night, and have taken nothing: nevertheless at thy word I will let down the net.
6 Vakati vaita izvozvi, vakakomba dutu rehove zhinji; mumbure wavo ukange wobvaruka. And when they had this done, they inclosed a great multitude of fishes: and their net brake.
7 Vakaninira vamwe vavo vakange vari mune chimwe chikepe, kuti vauye vazovabatsira; vakauya vakazadza zvikepe zviri zviviri, zvekuti zvakatanga kunyura. And they beckoned unto their partners, which were in the other ship, that they should come and help them. And they came, and filled both the ships, so that they began to sink.
8 Zvino Simoni Petro wakati achiona, akawira pasi pamabvi aJesu, achiti: Ibvai kwandiri, Ishe, nokuti ndiri munhu mutadzi. When Simon Peter saw it, he fell down at Jesus’ knees, saying, Depart from me; for I am a sinful man, O Lord.
9 Nokuti kushamisika kwakange kwamubata, nevese vakange vanaye, nekubatwa kwehove dzavakange vabata; For he was astonished, and all that were with him, at the draught of the fishes which they had taken:
10 saizvozvowo Jakobho naJohwani, vanakomana vaZebhedhi, vaiva vadyidzani naSimoni. Jesu ndokuti kuna Simoni: Usatya, kubva zvino ucharedza vanhu. And so was also James, and John, the sons of Zebedee, which were partners with Simon. And Jesus said unto Simon, Fear not; from henceforth thou shalt catch men.
11 Zvino, vakati vaisa zvikepe kunyika, vakasiya zvese vakamutevera. And when they had brought their ships to land, they forsook all, and followed him.
12 Zvino zvakaitika, ari kune rimwe remaguta, tarira, murume azere maperembudzi; wakati achiona Jesu akawa nechiso, ndokumugombetedza, achiti: Ishe, kana muchida, munogona kundinatsa. And it came to pass, when he was in a certain city, behold a man full of leprosy: who seeing Jesus fell on his face, and besought him, saying, Lord, if thou wilt, thou canst make me clean.
13 Ndokubva atandavadza ruoko, akamubata, achiti: Ndinoda, chinatswa. Pakarepo maperembudzi akabva kwaari. And he put forth his hand, and touched him, saying, I will: be thou clean. And immediately the leprosy departed from him.
14 Iye akamuraira kuti asaudza munhu; akati: Asi enda unozviratidza kumupristi, ubaire pakunatswa kwako, Mozisi sezvaakaraira, chive chapupu kwavari. And he charged him to tell no man: but go, and shew thyself to the priest, and offer for thy cleansing, according as Moses commanded, for a testimony unto them.
15 Asi shoko pamusoro pake rakanyanya kupararira; zvaunga zvikuru zvikaungana kuzonzwa, nekuporeswa naye pazvifo zvavo. But so much the more went there a fame abroad of him: and great multitudes came together to hear, and to be healed by him of their infirmities.
16 Asi iye waienda kumarenje achinonyengetera. And he withdrew himself into the wilderness, and prayed.
17 Zvino zvakaitika nerimwe remazuva, iye paakange achidzidzisa; zvino VaFarisi nevadzidzisi vemurairo vakange vagerepo, vaibva kumisha yese yeGarirea neJudhiya neJerusarema; nesimba raIshe rakange riripo kuvaporesa. And it came to pass on a certain day, as he was teaching, that there were Pharisees and doctors of the law sitting by, which were come out of every town of Galilee, and Judea, and Jerusalem: and the power of the Lord was present to heal them.
18 Uye tarira, varume vakange vakatakura munhu pahwanyanza wakange akafa mitezo; vakatsvaka kumupinza vaise pamberi pake. And, behold, men brought in a bed a man which was taken with a palsy: and they sought means to bring him in, and to lay him before him.
19 Zvino, vakati vachishaiwa pavangamupinza napo nekuda kwechaunga, vakakwira padenga peimba, vakamuburusira pasi nemumapfuriro pamwe nehwanyanza hwake, pakati pamberi paJesu. And when they could not find by what way they might bring him in because of the multitude, they went upon the housetop, and let him down through the tiling with his couch into the midst before Jesus.
20 Iye wakati aona rutendo rwavo, akati kwaari: Munhu, zvivi zvako wazvikanganwirwa. And when he saw their faith, he said unto him, Man, thy sins are forgiven thee.
21 Zvino vanyori neVaFarisi vakatanga kufunga, vachiti: Ndiani uyu anotaura kunyomba? Ndiani anogona kukanganwira zvivi, kunze kwaMwari ega? And the scribes and the Pharisees began to reason, saying, Who is this which speaketh blasphemies? Who can forgive sins, but God alone?
22 Zvino Jesu paakaziva mifungo yavo, akapindura, akati kwavari: Munofungei mumoyo yenyu? But when Jesus perceived their thoughts, he answering said unto them, What reason ye in your hearts?
23 Chii chakareruka, kuti: Zvivi zvako wazviregererwa; kana kuti: Simuka, ufambe? Whether is easier, to say, Thy sins be forgiven thee; or to say, Rise up and walk?
24 Asi kuti muzive kuti Mwanakomana wemunhu ane simba panyika rekuregerera zvivi (akati kune wakange akafa mitezo): Ndinoti kwauri: Simuka, utore hwanyanza hwako, uende kumba kwako. But that ye may know that the Son of man hath power upon earth to forgive sins, (he said unto the sick of the palsy,) I say unto thee, Arise, and take up thy couch, and go into thine house.
25 Pakarepo akasimuka pamberi pavo, akatora chaakange arere pachiri, akaenda kumba kwake, achirumbidza Mwari. And immediately he rose up before them, and took up that whereon he lay, and departed to his own house, glorifying God.
26 Kuvhiringidzika kukabata vese, vakarumbidza Mwari, vakazadzwa nekutya, vachiti: Taona chisionekwe nhasi. And they were all amazed, and they glorified God, and were filled with fear, saying, We have seen strange things to day.
27 Zvino shure kwezvinhu izvi wakabuda, akaona muteresi, wainzi Revhi, agere paimba yemutero, akati kwaari: Nditevere. And after these things he went forth, and saw a publican, named Levi, sitting at the receipt of custom: and he said unto him, Follow me.
28 Ndokubva asiya zvese, akasimuka akamutevera. And he left all, rose up, and followed him.
29 Revhi ndokumuitira mabiko makuru mumba make; kukavapo chaunga chikuru chevateresi nevamwe vakange vagere navo pakudya. And Levi made him a great feast in his own house: and there was a great company of publicans and of others that sat down with them.
30 Asi vanyori vavo neVaFarisi vakanyunyutira vadzidzi vake, vachiti: Nemhaka yei muchidya nekunwa nevateresi nevatadzi? But their scribes and Pharisees murmured against his disciples, saying, Why do ye eat and drink with publicans and sinners?
31 Jesu achipindura akati kwavari: Vatano havadi murapi, asi avo vanorwara. And Jesus answering said unto them, They that are whole need not a physician; but they that are sick.
32 Handina kuuya kuzodana vakarurama, asi vatadzi vauye mukutendeuka. I came not to call the righteous, but sinners to repentance.
33 Zvino vakati kwaari: Nemhaka yei vadzidzi vaJohwani vachitsanya kazhinji, vachiita minyengetero, uye saizvozvo veVaFarisi, asi venyu vanodya nekunwa? And they said unto him, Why do the disciples of John fast often, and make prayers, and likewise the disciples of the Pharisees; but thine eat and drink?
34 Asi wakati kwavari: Munogona kutsanyisa vana veimba yemuchato muwani achiri kwavari here? And he said unto them, Can ye make the children of the bridechamber fast, while the bridegroom is with them?
35 Asi mazuva achasvika, apo muwani achabviswa kwavari, ipapo vachatsanya nemazuva iwayo. But the days will come, when the bridegroom shall be taken away from them, and then shall they fast in those days.
36 Akataurawo mufananidzo kwavari, akati: Hakuna munhu anoisa chigamba chemucheka mutsva panguvo sharu; kana zvikasadaro naichowo chitsva chinobvarura, nechigamba chemucheka mutsva hachipindirani nesharu. And he spake also a parable unto them; No man putteth a piece of a new garment upon an old; if otherwise, then both the new maketh a rent, and the piece that was taken out of the new agreeth not with the old.
37 Uye hakuna munhu anodira waini itsva muhombodo sharu; kana zvikasadaro, waini itsva ichaparusa hombodo iyo ikateuka, uye hombodo dzikaparara. And no man putteth new wine into old bottles; else the new wine will burst the bottles, and be spilled, and the bottles shall perish.
38 Asi waini itsva inofanira kuiswa muhombodo itsva, zvichengetedzeke zviri zviviri. But new wine must be put into new bottles; and both are preserved.
39 Uye hakuna munhu anoti anwa waini sharu pakarepo akashuva itsva; nokuti anoti: Sharu iri nani. No man also having drunk old wine straightway desireth new: for he saith, The old is better.

Shona Bible — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GFDL · 출처 ↗
King James Version — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GPL