로그인

누가복음 2장 Shona Bible

Shona Bible · 쇼나어 · 누가복음 (Luke) · 52절 · 대역: King James Version

절Shona BibleKing James Version
1 Zvino zvakaitika nemazuva iwayo, chisungo chakabuda kubva kuna Kesari Agasto, kuti nyika yese inyorwe. And it came to pass in those days, that there went out a decree from Cesar Augustus, that all the world should be taxed.
2 Kunyorwa uku kwaiva kwekutanga kwakaitwa Kuriniosi ari mutungamiriri weSiriya. (And this taxing was first made when Cyrenius was governor of Syria.)
3 Vese ndokuenda kunonyorwa, umwe neumwe kuguta rekwake. And all went to be taxed, every one into his own city.
4 NaJosefawo akakwira achibva Garirea muguta Nazareta, akaenda Judhiya kuguta raDhavhidhi, rinonzi Bhetirehemu, nokuti waiva weimba nedzinza raDhavhidhi, And Joseph also went up from Galilee, out of the city of Nazareth, into Judea, unto the city of David, which is called Bethlehem; (because he was of the house and lineage of David:)
5 kunonyorwa naMaria mukadzi wakange atsidzira kuwanikwa naye, ava nemimba. To be taxed with Mary his espoused wife, being great with child.
6 Zvakaitika kuti vachipo, mazuva ekusununguka kwake akazadzisika; And so it was, that, while they were there, the days were accomplished that she should be delivered.
7 ndokuzvara mwanakomana wake wedangwe, akamuputira nemicheka, akamuvanzarika muchidyiro, nokuti makange musina nzvimbo yavo muimba yevaeni. And she brought forth her firstborn son, and wrapped him in swaddling clothes, and laid him in a manger; because there was no room for them in the inn.
8 Zvino kwakange kune vafudzi munyika iyoyo vaigara kuuragu vachichengetedza nguva dzekurinda boka ravo usiku. And there were in the same country shepherds abiding in the field, keeping watch over their flock by night.
9 Zvino tarira, mutumwa waIshe akamira pedo navo, nekubwinya kwaIshe kukapenya kwakavakomba; vakatya nekutya kukuru. And, lo, the angel of the Lord came upon them, and the glory of the Lord shone round about them: and they were sore afraid.
10 Zvino mutumwa akati kwavari: Musatya; nokuti tarirai, ndinokuparidzirai mashoko akanaka emufaro mukuru, uchava kuvanhu vese; And the angel said unto them, Fear not: for, behold, I bring you good tidings of great joy, which shall be to all people.
11 nokuti mazvarirwa nhasi Muponesi, anova Kristu Ishe, muguta raDhavhidhi. For unto you is born this day in the city of David a Saviour, which is Christ the Lord.
12 Zvino ichi chiratidzo kwamuri: Muchawana mucheche akaputirwa nemicheka, arere muchidyiro. And this shall be a sign unto you; Ye shall find the babe wrapped in swaddling clothes, lying in a manger.
13 Uye pakarepo kukavapo pamwe nemutumwa chaunga chehondo yekudenga vachirumbidza Mwari, vachiti: And suddenly there was with the angel a multitude of the heavenly host praising God, and saying,
14 Rumbidzo kuna Mwari kumusoro-soro, nerugare panyika; chishuwo chakanaka kuvanhu. Glory to God in the highest, and on earth peace, good will toward men.
15 Zvino kwakaitika kuti vatumwa vabva kwavari vaenda kudenga, vanhu vafudzi vakataurirana, vachiti: Ngatiende ikozvino Bhetirehemu, tinoona chinhu ichi chakaitika, Ishe chaatizivisa. And it came to pass, as the angels were gone away from them into heaven, the shepherds said one to another, Let us now go even unto Bethlehem, and see this thing which is come to pass, which the Lord hath made known unto us.
16 Zvino vakakurumidza kusvika, vakawana vese Maria naJosefa, nemucheche arere muchidyiro. And they came with haste, and found Mary, and Joseph, and the babe lying in a manger.
17 Vakati vaona, vakazivisa kwese shoko ravakange vaudzwa maererano nemucheche uyu. And when they had seen it, they made known abroad the saying which was told them concerning this child.
18 Zvino vese vakanzwa vakashamisika nezvinhu zvakange zvataurwa kwavari nevafudzi. And all they that heard it wondered at those things which were told them by the shepherds.
19 Asi Maria wakachengeta zvinhu izvi zvese, achifungisisa mumoyo make. But Mary kept all these things, and pondered them in her heart.
20 Zvino vafudzi vakadzokera, vachikudza nekurumbidza Mwari pamusoro pezvinhu zvese zvavakange vanzwa nekuona, sezvakange zvataurwa kwavari. And the shepherds returned, glorifying and praising God for all the things that they had heard and seen, as it was told unto them.
21 Mazuva masere akati apera kuti mucheche adzingiswe, zita rake ndokunzi Jesu, raakange atumidzwa nemutumwa asati agamuchirwa mudumbu. And when eight days were accomplished for the circumcising of the child, his name was called JESUS, which was so named of the angel before he was conceived in the womb.
22 Zvino mazuva ekunatswa kwake nemurairo waMozisi akati apera, vakauya naye kuJerusarema, kuti vamukumikidze kuna Ishe, And when the days of her purification according to the law of Moses were accomplished, they brought him to Jerusalem, to present him to the Lord;
23 (sezvazvakanyorwa pamurairo waIshe kuti: Chirume chese chinozarura chizvaro, chichanzi chitsvene kuna Ishe), (As it is written in the law of the Lord, Every male that openeth the womb shall be called holy to the Lord;)
24 uye vabaire chibairo sezvazvakarehwa pamurairo waIshe, njiva mbiri, kana vana vaviri vehangaiwa. And to offer a sacrifice according to that which is said in the law of the Lord, A pair of turtledoves, or two young pigeons.
25 Zvino tarira, kwakange kune munhu muJerusarema, zita rake raiva Simioni, ndiyewo munhu waiva akarurama akazvipira kushumira Mwari, akamirira kunyaradzwa kwaIsraeri, neMweya Mutsvene wakange uri pamusoro pake. And, behold, there was a man in Jerusalem, whose name was Simeon; and the same man was just and devout, waiting for the consolation of Israel: and the Holy Ghost was upon him.
26 Zvino zvakange zvaratidzwa kwaari neMweya Mutsvene, kuti haangaoni rufu asati aona Kristu waIshe. And it was revealed unto him by the Holy Ghost, that he should not see death, before he had seen the Lord’s Christ.
27 Wakapinda mutembere neMweya; zvino vabereki vakati vachiuisa mucheche Jesu mukati, kuti vaite pamusoro pake netsika yemurairo, And he came by the Spirit into the temple: and when the parents brought in the child Jesus, to do for him after the custom of the law,
28 iye akamutora mumaoko ake, akarumbidza Mwari, achiti: Then took he him up in his arms, and blessed God, and said,
29 Tenzi, ikozvino regai muranda wenyu aende nerugare, seshoko renyu; Lord, now lettest thou thy servant depart in peace, according to thy word:
30 nokuti meso angu aona ruponeso rwenyu, For mine eyes have seen thy salvation,
31 rwamakagadzirira pamberi pezviso zvevanhu vese; Which thou hast prepared before the face of all people;
32 chiedza chekuzarurira vahedheni, nekubwinya kwerudzi rwenyu Israeri. A light to lighten the Gentiles, and the glory of thy people Israel.
33 Josefa namai vake vakashamisika nezvinhu zvakarehwa pamusoro pake. And Joseph and his mother marvelled at those things which were spoken of him.
34 Zvino Simioni akavaropafadza, akati kuna Maria mai vake: Tarira, uyu wakaisirwa kuwa nekumuka kwevazhinji muna Israeri, nekuva chiratidzo chichapikiswa; And Simeon blessed them, and said unto Mary his mother, Behold, this child is set for the fall and rising again of many in Israel; and for a sign which shall be spoken against;
35 uye newe, munondo uchagura nemumweya wako pachako; kuti ndangariro dzemoyo mizhinji dzifukurwe. (Yea, a sword shall pierce through thy own soul also,) that the thoughts of many hearts may be revealed.
36 Zvino kwakange kuna Ana muporofitakadzi, mukunda waFanueri, wedzinza raAsheri; wakange akwegura kwazvo, wakararama nemurume makore manomwe kubvira paumhandara hwake. And there was one Anna, a prophetess, the daughter of Phanuel, of the tribe of Aser: she was of a great age, and had lived with an husband seven years from her virginity;
37 Uye ari chirikadzi yemakore angava makumi masere nemana, wakange asingabvi mutembere, achishumira nemitsanyo neminyengetero usiku nemasikati. And she was a widow of about fourscore and four years, which departed not from the temple, but served God with fastings and prayers night and day.
38 Naiye wakati achisvika nenguva iyoyo akatenda Mwari, akataura pamusoro pake kuna vese vakange vachitarisira kusunungurwa muJerusarema. And she coming in that instant gave thanks likewise unto the Lord, and spake of him to all them that looked for redemption in Jerusalem.
39 Zvino vakati vapedza zvinhu zvese zvaienderana nemurairo waIshe, vakadzokera Garirea kuguta ravo Nazareta. And when they had performed all things according to the law of the Lord, they returned into Galilee, to their own city Nazareth.
40 Mucheche akakura, akasimba mumweya, akazara nenjere; nenyasha dzaMwari dzakange dziri pamusoro pake. And the child grew, and waxed strong in spirit, filled with wisdom: and the grace of God was upon him.
41 Zvino vabereki vake vaienda kuJerusarema makore ese pamutambo wepasika. Now his parents went to Jerusalem every year at the feast of the passover.
42 Zvino wakati ava nemakore gumi nemaviri, vakakwira kuJerusarema zvichienderana netsika yemutambo, And when he was twelve years old, they went up to Jerusalem after the custom of the feast.
43 vakati vapedza mazuva, pakudzoka kwavo, mwana Jesu akasara kuJerusarema, asi Josefa namai vake vasingazvizivi, And when they had fulfilled the days, as they returned, the child Jesus tarried behind in Jerusalem; and Joseph and his mother knew not of it.
44 asi vaimufungira kuva mune vamwe vevakange vachifamba navo, vakafamba mufambo wezuva, vakazomutsvaka pakati pehama nekuvazikanwi. But they, supposing him to have been in the company, went a day’s journey; and they sought him among their kinsfolk and acquaintance.
45 Asi vakati vasingamuwani, vakadzokera kuJerusarema vachimutsvaka. And when they found him not, they turned back again to Jerusalem, seeking him.
46 Zvino zvakaitika shure kwemazuva matatu, vakamuwana mutembere, agere pakati pevadzidzisi, achivateerera, achivabvunza. And it came to pass, that after three days they found him in the temple, sitting in the midst of the doctors, both hearing them, and asking them questions.
47 Vese vakange vachimunzwa vakashamiswa nekunzwisisa nemhinduro dzake. And all that heard him were astonished at his understanding and answers.
48 Zvino vakati vamuona vakakatyamara; mai vake vakati kwaari: Mwana, waitirei zvakadai kwatiri? Tarira, baba vako neni tanga tichikutsvaka tichirwadziwa. And when they saw him, they were amazed: and his mother said unto him, Son, why hast thou thus dealt with us? behold, thy father and I have sought thee sorrowing.
49 Akati kwavari: Mainditsvakirei? Manga musingazivi kuti ndinofanira kuva pazvinhu zvaBaba vangu here? And he said unto them, How is it that ye sought me? wist ye not that I must be about my Father’s business?
50 Asi ivo havana kunzwisisa shoko raakataura kwavari. And they understood not the saying which he spake unto them.
51 Zvino akaburuka navo, akasvika Nazareta; akazviisa pasi pavo. Asi mai vake vakachengeta mashoko awa ese mumoyo mavo. And he went down with them, and came to Nazareth, and was subject unto them: but his mother kept all these sayings in her heart.
52 Jesu akawedzera panjere nekukura, nepakudiwa naMwari nevanhu. And Jesus increased in wisdom and stature, and in favour with God and man.

Shona Bible — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GFDL · 출처 ↗
King James Version — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GPL