로그인

고린도후서 8장 Shona Bible

Shona Bible · 쇼나어 · 고린도후서 (2 Corinthians) · 24절 · 대역: King James Version

절Shona BibleKing James Version
1 Zvino tinokuzivisai, hama, nyasha dzaMwari dzakapiwa pamakereke eMakedhonia; Moreover, brethren, we do you to wit of the grace of God bestowed on the churches of Macedonia;
2 kuti pakuedzwa kukuru kwedambudziko, kuwanzwa kwemufaro wavo neurombo hwavo hwakadzama zvakawedzera pafuma yekupa kwavo. How that in a great trial of affliction the abundance of their joy and their deep poverty abounded unto the riches of their liberality.
3 Nokuti vakange vane chido pakukwanisa kwavo, ndinopupura, kunyange kupfuura kukwanisa kwavo, For to their power, I bear record, yea, and beyond their power they were willing of themselves;
4 nechikumbiro chikuru vakatigombedzera, kuti tigamuchire chipo uye kugovana parubatsiro rwunova rwevatsvene; Praying us with much intreaty that we would receive the gift, and take upon us the fellowship of the ministering to the saints.
5 uye kwete sezvatakatarisira, asi vakatanga kuzvipa ivo kuna Ishe, nekwatiri nechido chaMwari. And this they did, not as we hoped, but first gave their own selves to the Lord, and unto us by the will of God.
6 Zvekuti takakurudzira Tito, kuti sezvaakange ambotanga, saizvozvo apedzisewo kwamuri basa iri renyashawo. Insomuch that we desired Titus, that as he had begun, so he would also finish in you the same grace also.
7 Asi sezvamakawanza pazvese, parutendo, uye pashoko, uye paruzivo, uye pakushingaira kwese, uye parudo rwenyu kwatiri, tarirai kuti muwanzewo pabasa iri renyasha. Therefore, as ye abound in every thing, in faith, and utterance, and knowledge, and in all diligence, and in your love to us, see that ye abound in this grace also.
8 Handitauri semurairo, asi nekushingaira kwevamwe uye ndichiidza uchokwadi hwerudo rwenyu. I speak not by commandment, but by occasion of the forwardness of others, and to prove the sincerity of your love.
9 Nokuti munoziva nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu, kuti kunyange akange akafuma, nekuda kwenyu wakava murombo, kuti imwi kubudikidza neurombo hwake mufume. For ye know the grace of our Lord Jesus Christ, that, though he was rich, yet for your sakes he became poor, that ye through his poverty might be rich.
10 Zvino pachinhu ichi ndinopa maonero; nokuti ichi chinokubatsirai, imwi makatotanga kubva gore rakapera, kwete kuita chete, asi nekuda. And herein I give my advice: for this is expedient for you, who have begun before, not only to do, but also to be forward a year ago.
11 Asi ikozvinowo pedzisai kuita, kuti, sezvapane chishuwo chemoyo, saizvozvo kuripo kupedzisawo kubva pane zvamunazvo. Now therefore perform the doing of it; that as there was a readiness to will, so there may be a performance also out of that which ye have.
12 Nokuti kana chishuwo chemoyo chiripo, munhu anogamuchirika zvichienderana nezvaanazvo, kwete kuenderana nezvaasina. For if there be first a willing mind, it is accepted according to that a man hath, and not according to that he hath not.
13 Nokuti hakusi kuti vamwe vave nekurerusirwa, imwi muremerwe; asi kubva pakuenzana, panguva yaikozvino zvakawanda zvenyu zviwedzere pakushaiwa kwavo, For I mean not that other men be eased, and ye burdened:
14 kutiwo zvakawanda zvavo zviwedzere pakushaiwa kwenyu, kuti kuve nekuenzana, But by an equality, that now at this time your abundance may be a supply for their want, that their abundance also may be a supply for your want: that there may be equality:
15 sezvazvakanyorwa zvichinzi: Wakaunganidza zvizhinji haana kuva nezvakasara; newakaunganidza zvishoma haana kushaiwa. As it is written, He that had gathered much had nothing over; and he that had gathered little had no lack.
16 Asi ngaavongwe Mwari wakaisa mumoyo maTito kushingaira kwakadaro kwamuri, But thanks be to God, which put the same earnest care into the heart of Titus for you.
17 kuti zvirokwazvo wakagamuchira kurudziro, asi zvaakange achishingaira zvikuru, wakabva akaenda kwamuri nechido chake. For indeed he accepted the exhortation; but being more forward, of his own accord he went unto you.
18 Zvino takatuma pamwe naye hama, rumbidzo yake muevhangeri yakagura nemumakereke ese; And we have sent with him the brother, whose praise is in the gospel throughout all the churches;
19 zvisati zviri izvozvo chete, asi wakasarudzwawo nemakereke kuti atiperekedze nenyasha idzi, dzakabatiswa nesu mukurumbidzwa kwaIshe uyu, nechishuwo chemoyo wenyu; And not that only, but who was also chosen of the churches to travel with us with this grace, which is administered by us to the glory of the same Lord, and declaration of your ready mind:
20 tichidzivirira izvi, zvimwe umwe angatimhura pamusoro pezvipamhidzirwa izvi zvinobatiswa nesu; Avoiding this, that no man should blame us in this abundance which is administered by us:
21 tichirangarira zvakanaka kwete pamberi paIshe chete asi pamberi pevanhuwo. Providing for honest things, not only in the sight of the Lord, but also in the sight of men.
22 Uye takatuma navo hama yedu, yatakawana yakashingaira pazvizhinji kazhinji, asi zvino anonyanya kushingaira nekuda kwekukuvimbai kukuru. And we have sent with them our brother, whom we have oftentimes proved diligent in many things, but now much more diligent, upon the great confidence which I have in you.
23 Kana zviri zvaTito, umwe wangu nemushandi pamwe neni kwamuri; kana hama dzedu, nhume dzekereke, vari kukudzwa kwaKristu. Whether any do enquire of Titus, he is my partner and fellowhelper concerning you: or our brethren be enquired of, they are the messengers of the churches, and the glory of Christ.
24 Naizvozvo ratidzai kwavari uchapupu hwerudo rwenyu nehwekuzvikudza kwedu pamusoro penyu, nepamberi pemakereke. Wherefore shew ye to them, and before the churches, the proof of your love, and of our boasting on your behalf.

Shona Bible — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GFDL · 출처 ↗
King James Version — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GPL