로그인

고린도전서 16장 Shona Bible

Shona Bible · 쇼나어 · 고린도전서 (1 Corinthians) · 24절 · 대역: King James Version

절Shona BibleKing James Version
1 Zvino maererano nezvakaunganidzirwa vatsvene, sezvandakaraira makereke eGaratia, imwiwo itai saizvozvo. Now concerning the collection for the saints, as I have given order to the churches of Galatia, even so do ye.
2 Nemusi wekutanga wega-wega wevhiki, umwe neumwe wenyu ngaazvichengetere parutivi pakubudirira kwaakaita, kuti zvino kurege kuva nekuunganidza kana ndichisvika. Upon the first day of the week let every one of you lay by him in store, as God hath prospered him, that there be no gatherings when I come.
3 Uye pandinosvikira, chero vamunotenda, netsamba, ivo ndichavatuma, vagondoisa zvipo zvenyu kuJerusarema. And when I come, whomsoever ye shall approve by your letters, them will I send to bring your liberality unto Jerusalem.
4 Kana zvakafanira kuti ini ndiendewo, vachaenda neni. And if it be meet that I go also, they shall go with me.
5 Zvino ndichauya kwamuri, kana ndagura neMakedhonia; nokuti ndinogura neMakedhonia; Now I will come unto you, when I shall pass through Macedonia: for I do pass through Macedonia.
6 uye zvimwe ndichagara nemwi, kanawo kupedza chando, kuti imwi mugondiperekedza pese pandinoenda. And it may be that I will abide, yea, and winter with you, that ye may bring me on my journey whithersoever I go.
7 Nokuti handishuvi kukuonai ikozvino ndichipfuura; asi ndinovimba kugara imwe nguva nemwi, kana Ishe achitendera. For I will not see you now by the way; but I trust to tarry a while with you, if the Lord permit.
8 Asi ndichagara paEfeso kusvikira paPendekosita*. But I will tarry at Ephesus until Pentecost.
9 Nokuti ndazarurirwa mukova mukuru uye unesimba; nevanopikisa vazhinji varipo. For a great door and effectual is opened unto me, and there are many adversaries.
10 Zvino kana Timotio achisvika, onai kuti anemwi asingatyi; nokuti anobata basa raIshe seniwo. Now if Timotheus come, see that he may be with you without fear: for he worketh the work of the Lord, as I also do.
11 Naizvozvo ngakurege kuva neanomuzvidza. Asi mumuperekedze murugare, kuti auye kwandiri; nokuti ndakamutarisira pamwe nehama. Let no man therefore despise him: but conduct him forth in peace, that he may come unto me: for I look for him with the brethren.
12 Zvino maererano naAporo hama, ndakamukumbira zvikuru kuti auye kwamuri pamwe nehama; asi zvirokwazvo chishuwo chake chakange chisiri chekuuya ikozvino, asi achauya kana awana nguva yakafanira. As touching our brother Apollos, I greatly desired him to come unto you with the brethren: but his will was not at all to come at this time; but he will come when he shall have convenient time.
13 Rindai, mumire makasimba murutendo, itai sevarume, musimbe. Watch ye, stand fast in the faith, quit you like men, be strong.
14 Zvinhu zvenyu zvese ngazviitwe nerudo. Let all your things be done with charity.
15 Ndinokukumbirisai hama, munoziva imba yaStefana, kuti ndicho chibereko chekutanga cheAkaya, uye vakazvipira kushandira vatsvene; I beseech you, brethren, (ye know the house of Stephanas, that it is the firstfruits of Achaia, and that they have addicted themselves to the ministry of the saints,)
16 kuti nemwi muzviise pasi pevakadaro, nekune vese vanobata pamwe nesu, uye vachishingaira. That ye submit yourselves unto such, and to every one that helpeth with us, and laboureth.
17 Ndinofarawo nekuuya kwaStefana naForichunato naAkaiako, nokuti ivo vakazadzisa kutaira kwenyu. I am glad of the coming of Stephanas and Fortunatus and Achaicus: for that which was lacking on your part they have supplied.
18 Nokuti vakavandudza mweya wangu newenyu. Naizvozvo rangarirai vakadaro. For they have refreshed my spirit and yours: therefore acknowledge ye them that are such.
19 Makereke epaAsia anokukwazisai. Akwira naPrisira vanokukwazisai zvikuru muna Ishe, pamwe nekereke iri mumba mavo. The churches of Asia salute you. Aquila and Priscilla salute you much in the Lord, with the church that is in their house.
20 Hama dzese dzinokukwazisai. Kwazisanai nekutsvoda kutsvene. All the brethren greet you. Greet ye one another with an holy kiss.
21 Kwaziso neruoko rwangu rwaPauro. The salutation of me Paul with mine own hand.
22 Kana munhu asingadi Ishe Jesu Kristu, ngaave chakatukwa. Uyai Ishe! If any man love not the Lord Jesus Christ, let him be Anathema Maran-atha.
23 Nyasha dzaIshe Jesu Kristu ngadzive nemwi. The grace of our Lord Jesus Christ be with you.
24 Rudo rwangu ngaruve nemwi mese muna Kristu Jesu. Ameni. My love be with you all in Christ Jesus. Amen. The first epistle to the Corinthians was written from Philippi by Stephanas, and Fortunatus, and Achaicus, and Timotheus.

Shona Bible — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GFDL · 출처 ↗
King James Version — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GPL